Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 77


Chikamu 77

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, paHiram, Ohio, muna Kurume 1832 (History of the Church, 1:253–255). Muporofita akanyora, “Maererano nenyaya yekududzira Magwaro matsvene, ndakagashira kutsanangura kunotevera kweZvakazarurwa zveMutendi Johane” (History of the Church, 1:253).

1–4, Mhuka dzine mweya uye dzichagara mukufara kwokusingaperi munyika yokusingaperi; 5–7, Nyika ino ine guva inoguma yekuvepo yezviuru zvinomwe zvemakore; 8–10, Ngirozi dzakasiyana-siyana dzinodzorera vhangeri pakare uye dzichishumira panyika; 11, Kusimbiswa kwevane zana nemakumi mana ane mana ezviuru; 12–14, Kristu anouya mukutanga kwechiuru chechinomwe chemakore; 15, Maporofita vaviri vachamutswa murudzi rwemaJuda.

1 Mubvunzo. Chiiko chinonzi agungwa regirazi rinotaurwa naJohane, muchitsauko chechina, uye nemundima yechitanhatu muna Zvakazarurwa?Mhinduro. bInyika, yacheneswa, isisafe, uye yave cyokusingaperi.

2 Mubvunzo. Chii chatinofanira kunzwisisa nezvemhuka ina, dzinotaurwa mundima imwecheteyo?Mhinduro. aMifananidzo inoshandiswa mukutaura. Yakashandiswa neMuzaruri Johane, mukutsanangura bdenga, cparadhiso yaMwari, drufaro rwemunhu, uye nekwemhuka, uye nekwezvinhu zvinokambaira, uye nekweshiri dzemudenga; icho chemweya chiri chinofananidzwa neicho chenyama; uye icho chenyama chichifananidzwa nechecho chemweya, emweya wemunhu uchifananidzwa nezvaari, zvimwechetezvo nemweya fwemhuka, uye nechimwe chose chisikwa chakasikwa naMwari.

3 Mubvunzo. Mhuka ina idzi dzakangozvimirira idzo chete here, kana kuti dzakamirira zvikwata kana marongerwo?Mhinduro. Dzinongove mhuka ina idzodzo, idzo dzakaratidzwa Johane, kuti dzimirire hukuru hwemapoka ezvisikwa muhurongwa kana kuti anzvimbo dzakatarwa dzekusikwa kwadzo, mukunakirwa kwadzo bmurufaro rwadzo kwokusingaperi.

4 Mubvunzo. Chii chatinofanira kunzwisisa nemaziso nemapapiro, aive nemhuka idzi?Mhinduro. Maziso adzo akamirira chiedza aneruzivo, kureva kuti, dzizere neruzivo; uye mapapiro adzo anomirira bsimba rekufamba, nekuita, nezvimwe zvakadaro.

5 Mubvunzo. Chii chatinofanira kunzwisisa anezvemagosa mana nemakumi maviri, akaturwa naJohane?Mhinduro. Tinofanira kuziva kuti magosa aya akaonekwa naJohane, magosa akanga bakatendeka mubasa rehushumiri uye vari vakafa; vakanga vari chechi cnomwe, uye vakange zvino vave muparadiso yaMwari.

6 Mubvunzo. Chii chatinofanira kuziva nezvebhuku iro rakaonekwa naJohane, iro rakanga arakanamwa nezvidzivo zvinomwe?Mhinduro. Tinofanira kuziva kuti rine chido chakazarurwa, bzvakavanzika, uye nemabasa aMwari; zvinhu zvakavigwa zvehurongwa hwake huri maererano nepasi pano munguva yezviuru zvinomwe zvemakore iripa cnyika, kana kuti nguva yekuve pano kwayo.

7 Mubvunzo. Chii chatinofanira kuziva pamusoro pezvidziwo zvinomwe zvarakanamwa nazvo?Mhinduro. Tinofanira kuziva kuti chidziwo chekutanga chine zvinhu azvechiuru chekutanga chemakore, uye chechipiri naichowo chine zvinhu zvechiuru chemakore chechipiri, zvichidaro kudakara mune chechinomwe.

8 Mubvunzo. Chii chatinofanira kuziva nezvengirozi ina, idzo dzinotaurwa muchitsauko chechinomwe uye mundima yekutanga yeZvakazarurwa?Mhinduro. Tinofanira kuziva kuti ingirozi ina dzakatumwa kubva kuna Mwari, dziri idzo dzakapihwa simba pamusoro pemativi mana enyika, kuchengeta upenyu uye nokuparadza; idzodzi ndidzo dzine vhangeri arisingaperi rekuparidzirwa kumarudzi ose, nemadzinza, nendimi, nevanhu, dziine simba rekuzarira matenga, kudzika mhiko muupenyu, kana kukanda pasi bkumatunhu erima.

9 Mubvunzo. Chii chatinofanira kuziva nezvengirozi iri kukwira kubva kumabvazuva, chitsauko chechinomwe cheZvakazarurwa ndima yechipiri?Mhinduro. Tinofanira kuziva kuti ngirozi iri kukwira ichibva nechekumabvazuva, ndiyo inopihwa chisimbiso chaMwari vapenyu pamusoro pemarudzi gumi nemaviri aeIsraeri; nokudaro, inodaidzira kungirozi ina dzine vhangeri rekusingaperi, ichiti: Musarwadzise nyika, kana gungwa, kana miti, kudakara taisa chisimbiso pavaranda vaMwari vedu, bpamhanza dzavo. Uye kana muchida kuzvigashira, ndiye cEria aizouya kuzounganidza pamwechete marudzi aIsraeri uye dnokudzorera pakare zvose zvinhu.

10 Mubvunzo. Inguva ipi ichaitika zvinhu zviri kutaurwa muchitsauko chino?Mhinduro. Zvichaitika mugore rechiuru achechitanhatu, kana kuti mukuzururwa kwechidziwo chechitanhatu.

11 Mubvunzo. Chii chatinofanira kuziva nezvechisimbiso chakaiswa apazana nezviuru zvine makumi mana nemana kubva kumarudzi ose aIsraeri, zviuru gumi nezviviri kubva kurudzi rwega-rwega?Mhinduro. Tinofanira kuziva kuti avo vanosimbiswa vapirisita bvepamusoro, hutsvene hwaMwari, kuparidza vhangeri risingaperi, nokuti ivava ndivovanogadzwa kubva mumarudzi ose, nemadzinza, nendimi, uye nevanhu, nengirozi idzo dzinopihwa simba pamusoro pemarudzi epanyika, kuunza vose vanouya kuchechi cyeDangwe.

12 Mubvunzo. Chii chatinofanira kuziva nezvekuridzwa akwehwamanda, iyo inotaurwa muchitsauko chesere cheZvakazarurwa?Mhinduro. Tinofanira kuziva kuti sezvo Mwari vakaita nyika mumazuva matanhatu, uye muzuva rechinomwe vakapedza basa ravo, uye vakariita bdzvene, uyewo vakaita munhu kubva cmuvhu renyika, kana saizvozvo, mukutanga kwechiuru chemakore chechinomwe ndipo Ishe Mwari pavachaita nyika kuti ive dtsvene, uye nokupedzisa ruponeso rwevanhu, uye ekutonga zvinhu zvose, fagodzikinura zvinhu zvose, kunze kwechocho chavanenge vasina kuisa musimba ravo, apo pavanenge vasimbisa zvose zvinhu, mukupera kwezvinhu zvose; uye nokuridzwa kwehwamanda dzengirozi nomwe ndikokugadzirira uye nokupedzisa kwebasa ravo, mukutanga kwechiuru chemakore chechinomwe—kugadzirirwa kwenzira nguva yekuuya kwavo isati yasvika.

13 Mubvunzo. Zvinhu izvi zvichaitika riini zvanyorwa muchitsauko chepfumbamwe cheZvakazarurwa?Mhinduro. Zvichaitika mushure mekuzururwa kwechidziwo chechinomwe, Kristu asati auya.

14 Mubvunzo. Chii chatinofanira kuziva nezvekabhuku kadiki akakadyiwa naJohane, sekutaurwa kwazvakaitwa muchitsauko chegumi cheZvakazarurwa?Mhinduro. Tinofanira kuziva kuti raive basa, nechisungo, kuti iye baunganidze marudzi aIsraeri; tarisai, uyu ndiEria, uyo sekunyorwa kwazvakaitwa, anofanira kuuya ckuzodzorera pakare zvose zvinhu.

15 Mubvunzo. Chii chinofanirwa kuzivikanwa anevapupuri vaviri muchitsauko Chegumi neimwechete cheZvakazarurwa?Mhinduro. Pane vaporofita vaviri vachamutswa kurudzi brwemaJuda mumazuva cekupedzisira, munguva dyekudzorerwa pakare, uye nokuporofita kumaJuda mushure mekunge vaunganidzwa uye vavaka guta reJerusarema emunyika yemadzibaba avo.