Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 49


Chikamu 49

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna Sidney Rigdon, Parley P. Pratt, naLeman Copley, paKirtland, Ohio, Kurume 1831 (History of the Church, 1:167–169). (Mamwe magwaro enhoroondo anopa nguva yechakazarurwa ichi semuna Chivabvu 1831.) Leman Copley akanga agashira vhangeri asi akange achiri kubatirira kune dzimwe dzidziso dzeboka rainzi Shakers (Chikwata Chakabatana cheVanotenda Mukuonekwa kwa Kristu kweChipiri), uko kwaakambenge ari. Zvimwe zvaitendwa nemaShakers ndezvekuti kuuya kwaKristu kwechipiri kwakange kwatoitika kare uye nokuti akanga aonekwa achinge mudzimai wechidiki, Ann Lee; rubhabhatidzo rwemvura rwakange rwusingafungwe kuti rwakafanira; kudya nyama yenguruve kwakanga kwakanyatsorambidzwa, uye vazhinji vakange vasingadye kana nyama zvayo; uye upenyu hwekusaroora hwainzi hwakanaka kupfuura hwekuroora. Achitaura asati anyora chakazarurwa ichi, Muporofita akanyora, “Kuti tive nokunzwisisa kwakakwana panyaya iyi, ndakabvunza kuna Ishe, uye ndikagashira zvinotevera” (History of the Church, 1:167). Zvakazarurwa zvakaramba dzimwe dzidziso dzechikwata chemaShakers. Hama dzataurwa dziya dzakatora gwaro rezvakazarurwa izvi kuboka remaShakers (pedyo neCleveland, Ohio) uye dzakavaverengera rose, asi rakarambwa.

1–7, Zuva nenguva yekuuya kwaKristu zvichagara zvisina anoziva kudakara auya; 8–14, Vanhu vakafanira kutendeuka, vatende vhangeri, uye vagoteerera zvisungo kuti vawane ruponeso; 15–16, Roorano yakagadzwa naMwari; 17–21, Kudya nyama kwakabvumirwa; 22–28, Zioni ichabudirira uye maRamani agotumbuka seruva Kuuya Kwechipiri kusati kwaitika.

1 Teererai kuzwi rangu, varanda vangu Sidney, naParley, naLeman; nokuti tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndinokupai murairo wekuti muchaenda munoparidza vhangeri rangu iro ramakagashira imi, kunyangwe sekutambira kwamakariita, kumaShakers.

2 Tarisai, ndinoti kwamuri, vanoda kuziva chokwadi muchidimbu, kwete chose, nokuti havana kunaka pamberi pangu uye vanofanira kuti vatendeuke.

3 Nokudaro, ndinokutumai, imi varanda vangu Sidney naParley, kuti muparidze vhangeri kwavari.

4 Uye muranda wangu Leman achagadzwa kuita basa iri, kuti agotaura navo, kwete maererano nezvaakagashira kwavari, asi maererano neicho chaachadzidziswa nemi varanda vangu; uye mukudaro ndichamuropafadza, kunze kwezvo haangazobudirira.

5 Ndiko kutaura kwaIshe; nokuti ndiri Mwari, uye ndatumira wangu Mumwechete Mwanakomana Akaberekwa munyika kurudzikinuro rwenyika, uye ndikataura kuti uyo achamugashira achaponeswa, uye asingamugashire acharaswa

6 Uye vakaita kuMwanakomana weMunhu kunyangwe sezvakanyorwa; uye akatora simba rake kurudyi rwekubwinya kwake, uye zvino ari kutonga ari kumatenga, uye achatonga dakara adzika panyika kuzoisa vose vavengi pasi petsoka dzake, iri nguva yave pedyo—

7 Ini Ishe Mwari, ndazvitaura; asi nguva nezuva hakuna munhu anoziva, kana ngirozi dziri kudenga, hadzizoziva dakara auya.

8 Nokudaro, ndinoda kuti vose vanhu vatendeuke, nokuti vose vari pasi pechitadzo, kunze kweavo vandakazvichengetera ini, varume vatsvene vamusingazive.

9 Nokudaro, ndinoti kwamuri ndatumira kwamuri chibvumirano changu chisingaperi, kunyangwe icho chaivepo kubvira pakutanga.

10 Uye icho chandakavimbisa ndakachizadzikisa, uye marudzi enyika vachachikotamira; uye, kana vasingazviite pachavo, vachadzika pasi, nokuti icho chakazvikwiridzira pachezvacho iye zvino chichaiswa pasi nesimba.

11 Nokudaro, ndinokupai murairo kuti muyende mukati mevanhu ava, uye muti kwavari, semupostora wangu wekare, zita rake ainzi Petro:

12 Tendai kuzita raIshe Jesu, akange ari munyika, uye achauya, wekutanga nokupedzisira;

13 Tendeukai uye mubhabhatidzwe muzita raJesu Kristu, maererano nemurairo mutsvene, kuti muregererwe zvitadzo;

14 Uye uyo ani zvake achaita izvi achagashira chipo cheMweya Mutsvene, nokugadzwa maoko nemagosa echechi.

15 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo ani zvake anorambidza kuroorana haasi waMwari; nokuti kuroorana kwakamiswa naMwari kumunhu.

16 Nokudaro, zviri mumutemo kuti murume anofanira kuve nemukadzi mumwechete, uye ivo vaviri vachave nyama imwechete, uye izvi kuitira kuti nyika izadzikise mhedziso yekusikwa kwayo;

17 Uye nokuti izadzwe nehuwandu hwevanhu, maererano nekusika kwake nyika isati yaitwa.

18 Uye ani zvake anorambidza kusadya nyama, munhu iyeyo haafanire naiye kuidya, haasi waMwari;

19 Nokuti tarisai, mhuka dzesango neshiri dzedenga, uye zvinouya nenyika, zvakaitirwa kushandiswa nemunhu sekudya uye nezvipfeko, uye nekuti azviwane zvakawanda.

20 Asi hazvina kupihwa kuti munhu mumwechete ave nezvakapfuura zvemumwe, nokudaro nyika irere muchitadzo.

21 Uye nhamo kune uyo munhu anodeura ropa kana anoparadza nyama zvisina kufanira.

22 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti Mwanakomana weMunhu haauye nechimiro chemunhukadzi, kana chemurume ari kufamba panyika.

23 Nokudaro, musanyengedzwe, asi rambai makashinga, muchitarisira kuzunzwa kwematenga, uye nenyika kuti idedere uye nokuvheya semunhu akadhakwa, uye nhika dzichikwidziridzwa, uye makomo achidzikiswa, uye nzvimbo dzine man’a dzichiitwa sedzakakwenenzverwa—uye zvose izvi zvichaitika apo ngirozi icharidza hwamanda yayo.

24 Asi zuva guru raIshe risati rauya, Jakobo achabudirira murenje, uye maRamani achatumbuka seruva.

25 Zioni ichabudirira pazvikomo uye nokufara pamakomo, uye ichaunganidzwa pamwechete panzvimbo yandakadoma.

26 Tarisai, ndinoti kwamuri, endai sekukurairai kwandakuitai; tendeukai kuzvitadzo zvenyu zvose; kumbirai uye muchagashira; gogodzai uye richazarurwa kwamuri.

27 Tarisai, ndichaenda pamberi penyu uye ndigokudzivirai mushure; uye ndichave pakati penyu, uye imi hamuzokoneswa.

28 Tarisai, ndini Jesu Kristu, uye ndinouya nokukurumidza. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.