Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 110


Chikamu 110

Zviratidzo zvakaoneswa kuna Joseph Smith Muporofita, naOliver Cowdery mutemberi paKirtland, Ohio, 3 Kubvumbi 1836 (History of the Church, 2:435–436). Chiitiko chacho chaive zuva remuchechi weSabata. Muporofita anonyora zvakaitika achitanga nemazwi aya: Mumasikati, ndakayamura vamwe Vatungamiri nokupa kudya kwemanheru kwaIshe kuChechi, ndichikutambira kubva kune vaneGumi neVaviri, avo vakanga vakaropafadzwa kuti vatungamire vari pachigaro chinoyera pazuva iri. Ndapedza kuitira hama dzangu basa iri, ndakaenda panzvimbo pakakwirira, zvidzitiro zvakanga zviripo zvakanga zvadzikiswa, uye ndikakotama naOliver Cowdery mumunamato wakakosha, usinganzwike. Mushure mekunge ndasimuka kubva makunamata, chiratidzo chinotevera ichi chakazururirwa kwatiri tose (History of the Church, 2:435).

1–10, Ishe Jehova vanoonekwa vari mukubwinya uye vanogashira temberi yeKirtland semba yavo; 11–12, Mosesi naEria vose vanoonekwa uye ndokugamuchidza makiyi enguva dzavo; 13–16, Erija anodzoka obva apa kiyi dzemukuwo wake sekuvimbiswa kwazvakaitwa naMaraki.

1 aChidzitiro chakatorwa kubva mupfungwa dzedu, uye bmaziso ekunzwisisa kwedu akabva azuruka.

2 Takaona Ishe vamire pamberi paaritari, pamberi pedu, uye pasi petsoka dzake pakarovererwa chiumbwa chegoridhe chairo riine ruvara rwutsvuku.

3 aMaziso avo aiita serimi remoto, vhudzi remusoro mavo rakachena sechando chaicho; bchiso chavo chaipenya kupfuura kupenya kwezuva; uye cizwi ravo rainge richiita semvura zhinji iri kuyerera, kana izwi draJehova, richiti:

4 Ndini awekutanga newekupedzisira; Ndini iye bmupenyu, Ndini iye akauraiwa; Ndini cmurevereri wenyu kuna Baba.

5 Tarisai zvitadzo zvenyu amazviregererwa; makachena pamberi pangu; nokudaro, simudzai misoro yenyu mufare.

6 Mwoyo yehama dzenyu ngaifare, uye mwoyo yevanhu vangu vose ngaifare, avo avavaka nesimba ravo, imba ino kuzita rangu.

7 Nokuti tarisai, andatambira bimba ino uye zita rangu richave muno; uye ini ndichazviratidza kuvanhu vangu mutsitsi mumba ino.

8 Hongu, andichazviratidza kuvaranda vangu, uye ndichataura kwavari nezwi rangu, kana vanhu vangu vakachengeta mirairo yangu, uye bvakasasvibisa imba ino ctsvene.

9 Hongu, mwoyo yezviuru uye nemakumi ezviuru ichafara zvikuru pamusana apemaropafadzo achadirwa, bneendawumenti dzapihwa varanda vangu mumba ino.

10 Uye nembiri yemba ino ichasvika kunyika dzevatorwa; uye uku ndikokutanga kwemaropafadzo aachadirwa pamisoro yevanhu vangu. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.

11 Mushure mekuzarirwa akwechiratidzo ichi, matenga akazarurirwa isu zvakare; uye bMosesi akauya pamberi pedu, uye akatipa ckiyi ddzekuunganidza Israeri kubva kumativi mana epasi, uye nedzekutungamira marudzi gumi kubva kunyika eyekuchamhembe.

12 Mushure meizvi, aEria akaoneka, uye akapa bmukuwo cwevhangeri raAbrahama, achiti matiri nemumbeu yedu zvose zvizvarwa mushure medu zvinofanira kuropafadzwa.

13 Mushure mekunge chiratidzo ichi chavharwa, chimwe chiratidzo chikuru uye chinoshamisa chakasvika patiri; nokuti aErija muporofita, uyo bakatorwa kuenda kudenga asina kumboraira rufu, akamira pamberi pedu akati;

14 Tarisai, nguva yasvika izere, iyo yakataurwa nemuromo waMaraki—achipupura kuti iye Erija achatumwa zuva guru rinotyisa raIshe risati rauya—

15 aKutendeutsira mwoyo yaanababa kuvana, uye yevana kunanababa, nokuti pasi rose ringarohwe neshura—

16 Nokudaro, kiyi dzenguva ino dzapihwa mumaoko enyu; uye naizvozvi mungazive kuti azuva guru rinotyisa raIshe rave pedyo, kunyangwe pamisiwo chaipo.