Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 6


Chikamu 6

Zvakazarurwa zvakapiwa kuna Joseph Smith Muporofita uye naOliver Cowdery, paHarmony, Pennsylvania, mwedzi waKubvumbi 1829 (History of the Church, 1:32–35). Oliver Cowdery akatanga mabasa ake semunyori mukududzira Bhuku raMormoni musi wa7 Kubvumbi 1829. Akange atogamuchira kare kuiswa pachena kutsvene kwechokwadi cheuchapupu hweMuporofita maererano nezvemahwendefa akanga akanyorwa zvinyorwa zveBhuku raMormoni. Muporofita akabvunza Ishe kuburikidza neUrimi neTumimi akagashira mhinduro iyi.

1–6, Vashandi mumunda waIshe vanowana ruponeso; 7–13, Hakuna chipo chikuru kupfuura chipo cheruponeso; 14–27, Uchapupu hwechokwadi hunounzwa nesimba reMweya; 28–37, Tarisai kuna Kristu, uye muite zvakanaka nguva dzose.

1 Basa guru uye rinoshamisa rave kuda kuuya kuvana vevanhu.

2 Tarisai, ndini Mwari; teererai kushoko rangu, iro rinokurumidza uye rakasimba, rinopinza kupfuura munondo unocheka nekwose, mukupatsanura nepakati zvose nhengo nemwongo; naizvozvo teererai kumashoko angu.

3 Tarisai, munda wachena wamirira kukohwewa; naizvozvo, uyo anoda kukohwa, ngaaise jeko rake nesimba rake, uye akohwe zuva richiripo, kuti agochengetera mweya wake ruponeso rwusingaperi muumambo hwaMwari.

4 Hongu, ani zvake achaisa jeko rake uye agokohwa, iyeyo akadaidzwa naMwari.

5 Nokudaro, kana mukakumbira kwandiri muchagashira; kana mukagogodza richazarurirwa kwamuri.

6 Zvino, sekukumbira kwawakaita, tarisai ndinoti kwauri, chengeta mirairo yangu, uye utsvake kuunza nokumisa chinangwa cheZioni;

7 Musatsvake upfumi, asi ungwaru, uye tarisai, zvakavanzika zvaMwari zvichapetenurirwa kwauri; uye ndipo pauchaitwa mupfumi. Tarisai, uyo aneupenyu hwokusingaperi akapfuma.

8 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kunyangwe sezvaunoshuvira kwandiri zvichave saizvozvo kwauri; uye kana unechishuvo, uchave nzira yekuita zvakanaka zvakawanda muchizvarwa chino.

9 Usataure chimwe chinhu kunze kwekutendeuka kuchizvarwa chino; chengeta mirairo yangu, uye uyamure kuunza basa rangu, maererano nemirairo yangu, uye iwe ucharopofadzwa.

10 Tarisai unechipo, uye wakakomborerwa iwe pamusana pechipo chako. Yeuka kuti chinoyera uye chinobva kumusoro—

11 Uye kana ukabvunza, uchaziva zvakavanzika izvo zvikuru zvinoshamisa; nokudaro iwe uchashandisa chipo chako, kuti ugowana zvakavandika, kuti ugounza zvakawanda kuruzivo rwechokwadi, hongu, uvapwise pamusoro pekukanganisa kwetsika dzavo.

12 Usaite kuti chipo chako chizivikanwe nani kunze kweavo vechitendero chako. Usatambe nezvinhu zvinoyera.

13 Kana iwe ukaita zvakanaka, hongu, uye ukaramba uri murutendo kusvika kumagumo, uchaponeswa muumambo hwaMwari, chinove ndicho chipo chikuru-kuru kupfuura zvose zvipo zvaMwari; nokuti hakuna chipo chikuru kupfuura chipo cheruponeso.

14 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, wakaropafadzwa iwe pamusana pezvawakaita; nokuti wabvunza kwandiri, uye tarisai, panguva dzose dzawaibvunza wakagashira kurairwa neMweya wangu. Dai zvakanga zvisina kudaro, ungadai usina kuuya kunzvimbo yauri panguva ino.

15 Tarisai, iwe unoziva kuti wakabvunza kwandiri uye ini ndikajekesa pfungwa dzako; uye zvino ndiri kukutaurira zvinhu izvi kuti uzive kuti wakajekeswa neMweya wechokwadi;

16 Hongu, ndinokuudza iwe, kuti ugoziva kuti hakuna mumwezve kunze kwaMwari uyo anoziva pfungwa dzako uye nezvinangwa zvemwoyo wako.

17 Ndinokutaurira zvinhu izvi seuchapupu kwauri—kuti mashoko kana basa iro rawanga uchinyora nderechokwadi.

18 Naizvozvo shingaira; mira nemuranda wangu Joseph, norutendo, mukuomerwa kupi zvako kwaangave ari pamusana peshoko iri.

19 Mutsiure mukukanganisa kwake, uye newewo ugashire kutsiurwa naye. Iva nemwoyo murefu, uzive zvauri, zvidzore, uve nomwoyo murefu, rutendo, tariro uye norudo rwakadzama.

20 Tarisai, ndiwe Oliver, uye ndataura kwauri pamusana pezvauri kuda; nokudaro chengetedza mazwi aya mumwoyo mako. Iva unotendeka nokushingirira mukuchengeta mirairo yaMwari, uye ini ndichakukomberedza mumaoko erudo rwangu.

21 Tarisai, ndini Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari. Ndini mumwecheteyo akauya kune vangu, uye vekwangu vakasandigamuchira. Ndini chiedza chinopenya murima, uye rima harichinzwisise.

22 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana uchida humwe uchapupu, isa pfungwa yako kuusiku hwawakachema kwandiri mumwoyo mako, kuti ugoziva chokwadi chezvinhu izvi.

23 Handina here kutaura runyararo kupfungwa dzako maererano nezvenyaya iyi? Ungawane uchapupu hwakakura sei kupfuura hunobva kuna Mwari?

24 Uye zvino, tarisai, wagashira uchapupu; nokuti kana ndakutaurira zvinhu zvisina munhu anozviziva, hauna kugashira uchapupu here?

25 Uye tarisai, ndinopa kwauri chipo, kana uchichida kwandiri, chekududzira, kunyangwe semuranda wangu Joseph.

26 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kuti kune zvinyorwa zvine zvizhinji zvevhangeri rangu, izvo zvichakavanzwa kuburitswa pamusana pehuipi hwevanhu;

27 Uye zvino ndinokuraira, kuti kana uine zvido zvakanaka—chido chekuzvirongedzera upfumi hwedenga—saka uchayamura mukuunza kuchiedza, nechipo chako, izvo zvidimu zvemagwaro matsvene angu zvakavigwa pamusana pehuipi.

28 Uye zvino tarisai, ndinopa kwauri nekumuranda wangu Joseph, makiyi echipo ichi, chichaunza muchiedza vhangeri rino; uye mumuromo yavaviri kana vatatu vapupuri, shoko rimwe nerimwe richamiswa.

29 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana vakaramba mazwi angu, nechidimu chino chevhangeri rangu nehushumiri, wakaropafadzwa iwe, hakuna chimwe chavangaite kwauri chinopfuura chavangaite kwandiri.

30 Uye kana vakaita kwauri kunyangwe sezvavakaita kwandiri, wakaropafadzwa iwe, nokuti uchagara neni mukubwinya.

31 Asi kana vakasaramba mazwi angu ayo achamiswa neuchapupu huchapihwa, vakaropafadzwa, uye ndipo pauchawana rufaro mumuchero wekushanda kwako.

32 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, sekutaura kwandakaita kuvadzidzi vangu, pane vaviri kana vatatu vaungana pamwe chete muzita rangu, uye sekubata chinhu chimwe chete, tarisai, ndinenge ndiripo pakati pavo—kunyangwe izvozvi ndiripakati penyu.

33 Musatye kuita zvakanaka, vanakomana vangu, nokuti pane chose chamunodyara, icho ndicho chamuchakohwawo; naizvozvo, kana mukadyara kunaka, muchakohwawo chakanaka semubairo wenyu.

34 Nokudaro, musatye, imi vegungano diki; itai zvakanaka: regai nyika negehena zvikukutsiranei, nokuti kana makavakira padombo rangu, hazvikukwanisei.

35 Tarisai, handikutongei, endai nenzira dzenyu uye musatadzezve; itai muchiziva zvamuri basa randakakurairai.

36 Tarisai kwandiri mupfungwa yose; musakahadzike, musatye.

37 Tarisai maronda akabaiwa parutivi rwangu, uye nemavanga ezvipikiri ari mumaoko netsoka dzangu; ivai nerutendo, chengetai mirairo yangu, uye muchagara nhaka yeumambo hwekudenga. Ameni.