Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 64


Chikamu 64

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kumagosa eChechi, paKirtland, Ohio, 11 Gunyana 1831 (History of the Church, 1:211–214). Muporofita akanga achigadzirira kutamira kuHiram, Ohio, kuti anotangisazve basa rake mukududzira Bhaibheri, iro rakanga raiswa parutivi paakanga ari muMissouri. Chikwata chehama chakanga charairwa kuti chiende kuZioni (Missouri) chakanga chiri mubishi rekugadzirira kusimuka muna Gumiguru. Panguva yebishi iyi, chakazarurwa ichi chakagashirwa.

1–11, Vatendi vanorairwa kuti varegererane, potse mungangogara mavari chitadzo chikuru; 12–22, Avo vasingatendeuke vanounzwa pamberi peChechi; 23–25, Uyo anopa chegumi haazopiswa pakuuya kwaIshe; 26–32, Vatendi vanoyambirwa pamusoro pechikwereti; 33–36, Vapanduki vanodimurwa kubva muZioni; 37–40, Chechi ichatonga marudzi; 41–43, Zioni ichabudirira.

1 Tarisai, vanodaro Ishe Mwari venyu, imi magosa echechi yangu, teererai imi munzwe, uye mugashire chido changu pamusoro penyu.

2 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndinoda kuti mukurire nyika; nokudaro ndichaita tsitsi pamuri.

3 Kune avo mukati menyu vakatadza, asi zvirokwazvo ndinoti, kamwechete kano chete, kuitira kubwinya kwangu, uye neruponeso rwemweya ndakuregererai zvitadzo zvenyu.

4 Ndichakuitirai tsitsi, nokuti ndapa kwamuri umambo.

5 Uye makiyi ezvakavanzika zveumambo haachatorwa kubva kune muranda wangu Joseph Smith, Mwana, kuburikidza nenzira yandakadoma, kana achiri mupenyu, kana achiteerera zvisungo zvangu.

6 Kune avo vakatsvaga mhosva kwaari pasina chikonzero;

7 Zvisinei, akatadza; asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ini Ishe, ndinoregerera zvitadzo kune avo vanoreurura zvitadzo zvavo pamberi pangu uye vachikumbira ruregerero, vasina kutadza kusvika pakufa.

8 Vadzidzi vangu, mumazuva ekare, vaitsvaga kunetsana pachavo pasina chikonzero uye vasingaregererane mumwoyo yavo; uye pamusana pechakaipa ichi vakatambudzwa uye vakarangwa.

9 Nokudaro ndinoti kwamuri, munofanira kuregererana; nokuti uyo asingaregerere hama yake kukanganisa kwayo anotongwa pamberi paIshe; nokuti kunosara maari chitadzo chikuru.

10 Ini Ishe ndinoregerera uyo wandinoda kuregerera, asi kwamuri kunodiwa kuti muregere munhu wose.

11 Uye munofanira kuti mumwoyo menyu—regai Mwari vatonge pakati pangu newe, uye vagokupa mubairo maererano nezviito zvako.

12 Uye uyo asingatendeuke muzvitadzo zvake, uye asingazvireurure, imi muchamuunza pamberi pechechi, uye moita naye sezvinotaurwa nemagwaro matsvene kwamuri, zvingave maererano nemurairo kana nezvakazarurwa.

13 Uye izvi muchazviita kuti Mwari vagorumbidzwa—kwete pamusoro pekuti hamudi kuregerera, semusina tsitsi, asi kuti mugorevererwa mumaziso emutemo, kuti musamugumbure uyo anove ndiye mupi wenyu wemutemo—

14 Zvirokwazvo ndinoti, nechikonzero ichi muchaita zvinhu izvi.

15 Tarisai, ini Ishe, ndakamushatirirwa uyo aive muranda wangu Ezra Booth, uyewo nemuranda wangu Isaac Morley, nokuti havana kuchengeta mutemo, kana murairo;

16 Vakatsvaka kuipa mumwoyo mavo, uye ini Ishe, ndakadzora Mweya wangu. Vakatonga vachiti chakaipa icho chinhu chakanga chisina kuipa; zvisinei ndakaregerera muranda wangu Isaac Morley.

17 Uye nemuranda wanguwo Edward Partridge, tarisai, akatadza, uye Satani ari kutsvaka kuparadza mweya wake; asi pachaitwa kuti zvinhu izvi vazvizive, uye ivo vakatendeuka kubva mune chakaipa, vacharegererwa.

18 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti zvakafanira kwandiri kuti muranda wangu Sidney Gilbert, mushure memavhiki mashomanani, achadzokera kubasa rake, uye nokuhumiririri hwake munyika yeZioni;

19 Uye izvo zvaakaona uye akanzwa zvingaitwe kuti zvizivikanwe kuvadzidzi vangu, kuti vasaparare. Uye nechikonzero ichi ndakataura zvinhu izvi.

20 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, muranda wangu Isaac Morley haazoyedzwa kupfuura izvo zvaanokwanisa kutakura, agoraira zvisiri izvo zvinozokukuvadzai, ndakaraira kuti purazi rake rinofanira kutengeswa.

21 Handizobvumira kuti muranda wangu Frederick G. Williams atengese purazi rake, nokuti ini Ishe, ndichagara ruoko rwangu rwakasimba munyika yeKirtland, kwemakore mashanu, munguva iyoyi handizorasa vakaipa, kuti mukudaro ndingaponese vamwe.

22 Uye mushure mezuva iroro, ini Ishe, hapana wandinozotarisa seane mhosva uyo achaenda nemwoyo wakasununguka kunyika yeZioni, nokuti ini Ishe, ndinoda mwoyo yevana vevanhu.

23 Tarisai, zvino zvichiri kushevedzwa kunzi nhasi kusvikira pakuuya kweMwanakomana weMunhu, uye zvirokwazvo izuva remupiro, uye nezuva rekubvisiswa chegumi kwevanhu vangu; nokuti uyo akabvisa chegumi haazopiswa pakuuya kwake.

24 Nokuti mushure mezuva ranhasi kunouya kutsva—uku kutaura sekutaura kunoita Ishe—nokuti zvirokwazvo ndinoti mangwana vose avo vanodada uye vanoita zvakaipa vachaita semashanga; uye ini ndichavapisa, nokuti ndiri Ishe veHondo; uye hakuna wandinosiya pane vanenge vari muBabironi.

25 Nokudaro, kana muchitenda ini muchashanda zuva richiripo.

26 Uye hazvikodzeri kuti varanda vangu, Newel K. Whitney naSidney Gilbert, vatengese chitoro chavo uye nezvinhu zvavanazvo pano, nokuti izvi hausi ungwaru kudakara vakasara vechechi, avo vasara munzvimbo ino, vachakwira kuenda kunyika yeZioni.

27 Tarisai, zvinonzi mumitemo yangu, kana kurambidzwa, kupinda muchikwereti nevavengi venyu;

28 Asi tarisai, hapana pazvinombotaurwa kuti Ishe havafanire kutora pavanoda, uye nokubhadhara sezvavanoona zvakanaka.

29 Nokudaro, sezvo muri vamiririri, muri pabasa raIshe; uye chose chamuchaita maererano nechido chaIshe ibasa raIshe.

30 Uye vakutumai imi kuti muzoyamura vatendi vavo mumazuva ekupedzisira ano, kuti vagowana nhaka munyika yeZioni.

31 Uye tarisai, ini Ishe, ndinotaura kwamuri, uye mazwi angu ndeechokwadi uye haazokundikana, kuti vachazoiwana.

32 Asi zvose zvinhu zvakafanira kuitika nenguva yazvo.

33 Nokudaro, musanete mukuita zvakanaka, nokuti muri kuhwarika hwaro hwebasa guru. Uye muzvinhu zvidiki ndimo munobva izvo zvikuru.

34 Tarisai, Ishe vanoda mwoyo uye nepfungwa inoda, uye avo vanoda uye vachiteerera vachadya zvakanana zvenyika yeZioni mumazuva ano ekupedzisira.

35 Uye vapanduki vacharaswa kubva munyika yeZioni, uye vachitandaniswa, uye havazogara nhaka yenyika.

36 Nokuti, zvirokwazvo ndinoti vapanduki havasi veropa raEfraimi, nokudaro vachadzurwa.

37 Tarisai, ini Ishe, ndaita chechi yangu mumazuva ano ekupedzisira semutongi agere pachikomo kana panzvimbo yakakwirira, kuitira kutonga marudzi.

38 Nokuti zvichaitika kuti vagari vemuZioni vachatonga zvose zvinhu zviri maererano neZioni.

39 Uye varevi venhema nevanyengedzi vachafumurwa navo, uye avo vasiri vaapositori nevaporofita vachazivikanwa.

40 Uye kana bhishopi, ari iye mutongi, uye nemakurukota ake, kana vasingatendeke muhutariri hwavo vachatongwa uye vamwe vachadyarwa panzvimbo dzavo.

41 Nokuti tarisai, ndinoti kwamuri kuti Zioni ichabudirira uye kubwinya kwaIshe kuchave pairi.

42 Uye ichave mureza kuvanhu, uye kuchauya kwairi kubva mukati merudzi rwose rwuri pasi pedenga.

43 Uye zuva richauya apo marudzi enyika achadedera pamusana payo, uye vachatya pamusoro pevanotyisa vayo. Ishe vazvitaura. Ameni.