Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 6


Chikamu 6

Zvakazarurwa zvakapiwa kuna Joseph Smith Muporofita uye naOliver Cowdery, paHarmony, Pennsylvania, mwedzi waKubvumbi 1829 (History of the Church, 1:32–35). Oliver Cowdery akatanga mabasa ake semunyori mukududzira Bhuku raMormoni musi wa7 Kubvumbi 1829. Akange atogamuchira kare kuiswa pachena kutsvene kwechokwadi cheuchapupu hweMuporofita maererano nezvemahwendefa akanga akanyorwa zvinyorwa zveBhuku raMormoni. Muporofita akabvunza Ishe kuburikidza neUrimi neTumimi akagashira mhinduro iyi.

1–6, Vashandi mumunda waIshe vanowana ruponeso; 7–13, Hakuna chipo chikuru kupfuura chipo cheruponeso; 14–27, Uchapupu hwechokwadi hunounzwa nesimba reMweya; 28–37, Tarisai kuna Kristu, uye muite zvakanaka nguva dzose.

1 Basa aguru uye rinoshamisa rave kuda kuuya kuvana vevanhu.

2 Tarisai, ndini Mwari; teererai akushoko rangu, iro rinokurumidza uye rakasimba, brinopinza kupfuura munondo unocheka nekwose, mukupatsanura nepakati zvose nhengo nemwongo; naizvozvo teererai kumashoko angu.

3 Tarisai, amunda wachena wamirira kukohwewa; naizvozvo, uyo anoda kukohwa, ngaaise jeko rake nesimba rake, uye akohwe zuva richiripo, kuti agochengetera mweya wake ruponeso rwusingaperi muumambo hwaMwari.

4 Hongu, ani zvake aachaisa jeko rake uye agokohwa, iyeyo akadaidzwa naMwari.

5 Nokudaro, kana amukakumbira kwandiri muchagashira; kana mukagogodza richazarurirwa kwamuri.

6 Zvino, sekukumbira kwawakaita, tarisai ndinoti kwauri, chengeta mirairo yangu, uye autsvake kuunza nokumisa chinangwa bcheZioni;

7 aMusatsvake bupfumi, asi cungwaru, uye tarisai, dzvakavanzika zvaMwari zvichapetenurirwa kwauri; uye ndipo pauchaitwa mupfumi. Tarisai, uyo aneupenyu ehwokusingaperi akapfuma.

8 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kunyangwe sezvaunoshuvira kwandiri zvichave saizvozvo kwauri; uye kana unechishuvo, uchave nzira yekuita zvakanaka zvakawanda muchizvarwa chino.

9 Usataure chimwe chinhu kunze akwekutendeuka kuchizvarwa chino; chengeta mirairo yangu, uye uyamure kuunza basa rangu, maererano nemirairo yangu, uye iwe ucharopofadzwa.

10 Tarisai unechipo, uye wakakomborerwa iwe pamusana pechipo chako. Yeuka kuti achinoyera uye chinobva kumusoro—

11 Uye kana aukabvunza, uchaziva bzvakavanzika izvo zvikuru zvinoshamisa; nokudaro iwe uchashandisa cchipo chako, kuti ugowana zvakavandika, kuti ugounza zvakawanda kuruzivo rwechokwadi, hongu, duvapwise pamusoro pekukanganisa kwetsika dzavo.

12 Usaite kuti chipo chako chizivikanwe nani kunze kweavo vechitendero chako. Usatambe nezvinhu azvinoyera.

13 Kana iwe ukaita zvakanaka, hongu, uye aukaramba uri bmurutendo kusvika ckumagumo, uchaponeswa muumambo hwaMwari, chinove ndicho chipo chikuru-kuru kupfuura zvose zvipo zvaMwari; nokuti hakuna chipo chikuru kupfuura chipo dcheruponeso.

14 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, wakaropafadzwa iwe pamusana pezvawakaita; nokuti awabvunza kwandiri, uye tarisai, panguva dzose dzawaibvunza wakagashira kurairwa neMweya wangu. Dai zvakanga zvisina kudaro, ungadai usina kuuya kunzvimbo yauri panguva ino.

15 Tarisai, iwe unoziva kuti wakabvunza kwandiri uye ini ndikajekesa apfungwa dzako; uye zvino ndiri kukutaurira zvinhu izvi kuti uzive kuti wakajekeswa neMweya wechokwadi;

16 Hongu, ndinokuudza iwe, kuti ugoziva kuti hakuna mumwezve kunze kwaMwari uyo aanoziva pfungwa dzako uye nezvinangwa bzvemwoyo wako.

17 Ndinokutaurira zvinhu izvi seuchapupu kwauri—kuti mashoko kana basa iro rawanga uchinyora anderechokwadi.

18 Naizvozvo ashingaira; bmira nemuranda wangu Joseph, norutendo, mukuomerwa kupi zvako kwaangave ari pamusana peshoko iri.

19 Mutsiure mukukanganisa kwake, uye newewo ugashire kutsiurwa naye. Iva nemwoyo murefu, uzive zvauri, zvidzore, uve nomwoyo murefu, rutendo, tariro uye norudo rwakadzama.

20 Tarisai, ndiwe Oliver, uye ndataura kwauri pamusana pezvauri kuda; nokudaro achengetedza mazwi aya mumwoyo mako. Iva unotendeka nokushingirira mukuchengeta mirairo yaMwari, uye ini ndichakukomberedza mumaoko erudo rwangu.

21 Tarisai, ndini Jesu Kristu, aMwanakomana waMwari. Ndini mumwecheteyo akauya kune bvangu, uye vekwangu vakasandigamuchira. Ndini cchiedza chinopenya dmurima, uye rima harichinzwisise.

22 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana uchida humwe uchapupu, isa pfungwa yako kuusiku hwawakachema kwandiri mumwoyo mako, kuti augoziva chokwadi chezvinhu izvi.

23 Handina here kutaura arunyararo kupfungwa dzako maererano nezvenyaya iyi? Ungawane buchapupu hwakakura sei kupfuura hunobva kuna Mwari?

24 Uye zvino, tarisai, wagashira uchapupu; nokuti kana ndakutaurira zvinhu zvisina munhu anozviziva, hauna kugashira uchapupu here?

25 Uye tarisai, ndinopa kwauri chipo, kana uchichida kwandiri, achekududzira, kunyangwe semuranda wangu Joseph.

26 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kuti kune azvinyorwa zvine zvizhinji zvevhangeri rangu, izvo zvichakavanzwa kuburitswa pamusana bpehuipi hwevanhu;

27 Uye zvino ndinokuraira, kuti kana uine zvido zvakanaka—chido chekuzvirongedzera upfumi hwedenga—saka uchayamura mukuunza kuchiedza, nechipo chako, izvo zvidimu azvemagwaro matsvene angu zvakavigwa pamusana pehuipi.

28 Uye zvino tarisai, ndinopa kwauri nekumuranda wangu Joseph, makiyi echipo ichi, chichaunza muchiedza vhangeri rino; uye mumuromo yavaviri kana vatatu avapupuri, shoko rimwe nerimwe richamiswa.

29 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana vakaramba mazwi angu, nechidimu chino chevhangeri rangu nehushumiri, wakaropafadzwa iwe, hakuna chimwe chavangaite kwauri chinopfuura chavangaite kwandiri.

30 Uye kana avakaita kwauri kunyangwe sezvavakaita kwandiri, wakaropafadzwa iwe, nokuti buchagara neni cmukubwinya.

31 Asi kana avakasaramba mazwi angu ayo achamiswa bneuchapupu huchapihwa, vakaropafadzwa, uye ndipo pauchawana rufaro mumuchero wekushanda kwako.

32 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, sekutaura kwandakaita kuvadzidzi vangu, pane vaviri kana vatatu avaungana pamwe chete muzita rangu, uye sekubata chinhu chimwe chete, tarisai, ndinenge ndiripo bpakati pavo—kunyangwe izvozvi ndiripakati penyu.

33 aMusatye kuita zvakanaka, vanakomana vangu, nokuti pane chose bchamunodyara, icho ndicho chamuchakohwawo; naizvozvo, kana mukadyara kunaka, muchakohwawo chakanaka semubairo wenyu.

34 Nokudaro, musatye, imi vegungano diki; itai zvakanaka: regai nyika negehena zvikukutsiranei, nokuti kana makavakira apadombo rangu, hazvikukwanisei.

35 Tarisai, handikutongei, endai nenzira dzenyu uye amusatadzezve; itai muchiziva zvamuri basa randakakurairai.

36 aTarisai kwandiri mupfungwa yose; musakahadzike, musatye.

37 aTarisai maronda akabaiwa parutivi rwangu, uye nemavanga bezvipikiri ari mumaoko netsoka dzangu; ivai nerutendo, chengetai mirairo yangu, uye cmuchagara nhaka dyeumambo hwekudenga. Ameni.