Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 59


Chikamu 59

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, muZioni, Ruwa rweJackson, Missouri, 7 Nyamavhuvhu 1831 (History of the Church, 1:196–201). Asati anyora chakazarurwa chino, Muporofita anonyora achitsanangura nezvenyika yeZioni, umo makange zvino vanhu vaungana. Nyika yakapirwa, sekutaurwa kwazvakanga zvaitwa naIshe, uye nepanzvimbo paizoiswa temberi pakakumikidzwa. Ishe vanoita mirairo iyi kuti inangane neVatendi vari muZioni.

1–4, Vakatendeka Vatendi vemuZioni vacharopafadzwa; 5–8, Vanofanira kuda uye nokushandira Ishe uye nokuchengeta mirairo yavo; 9–19, Nokuchengeta zuva raIshe riri dzvene, Vatendi vanoropafadzwa munyama nemumweya; 20–24, Vakarurama vanovimbiswa runyararo munyika ino uye neupenyu hwokusingaperi munyika ichauya.

1 Tarisai, vakaropafadzwa, vanodaro Ishe, avo vanouya kunyika ino uye vaine chinangwa chakanangana chete nekubwinya kwangu, maererano nemirairo yangu.

2 Nokuti avo vapenyu vachawana nhaka yepasi, uye avo vakafa vachazorora kubva mukushanda kwavo kwose, uye mabasa avo achavatevera; uye vachagashira korona mudzimba dzababa vangu, idzo dzandakavagadzirira.

3 Hongu, vakaropafadzwa avo vane tsoka dzimire pamusoro penyika yeZioni, avo vakateerera vhangeri rangu; nokuti vachagashira semubairo wavo zvinhu zvakanaka zvepasi, uye richabereka nesimba raro.

4 Uye vachapfekedzwa korona yemaropafadzo anobva kumusoro, hongu, uye nemirairo isiri mishoma, uye nezvakazarurwa munguva yavo—avo vakatendeka uye vanoshingaira pamberi pangu.

5 Nokudaro, ndinopa kwavari murairo, ndichiti: Idai Ishe Mwari venyu nemwoyo yenyu yose, neshungu dzenyu, nepfungwa, nesimba; uye nemuzita raJesu Kristu muchavashandira.

6 Mude muvakidzani wenyu sekuzvida kwamunozviita. Musabe; kana kuita upombwe, kana kuuraya, kana kuita chimwe chinhu chakadaro.

7 Mutende Ishe Mwari venyu mune zvinhu zvose.

8 Mupe mupiro kuna Ishe Mwari venyu mukururama, kunyangwe uyo wemwoyo wakatyoka uye nemweya wakapfava.

9 Uye kuti mukwanise kuzvichengeta zvakakwana musina kavara kubva munyika, muchaenda kumba yemunamato monopa sakaramende yenyu muzuva dzvene rangu;

10 Nokuti zvirokwazvo iri ndiro zuva ramakadomerwa kuti muzorore kubva mukushanda kwenyu, uye nokuisa minamato kuna Ivavo Vepamusoro-soro;

11 Zvakadaro zvitsidzo zvenyu zvichapirwa mukururama uye mumazuva ose uye nenguva dzose;

12 Asi rangarirai kuti pane irori, zuva raIshe, muchapira mipiro yenyu nesakaramende yenyu kuna Ivo Vepamusoro-soro, muchireurura zvivi zvenyu kuhama dzenyu, uye nepamberi paIshe.

13 Uye muzuva irori hapana chimwe chamuchaita, itai chete kuti kudya kwenyu kugadzirwe nemwoyo mumwechete kuti kutsanya kwenyu kuve kwakakwana, kana, nemamwe mazwi, kuti kufara kwenyu kuve kuzere.

14 Zvirokwazvo, uku ndikokutsanya nemunamato, kana kuti nemamwe mazwi, kufara nekunamata.

15 Uye kana muri munoita zvinhu izvi nokutenda, nemwoyo nehuso hwakafaranuka, uye pasina kuseka kwakanyanya, nokuti izvozvo chitadzo, asi nemwoyo unofara uye nechiso chakafaranuka—

16 Zvirokwazvo ndinoti, kana muri munoita izvi, zvose zvepasi ndezvenyu, mhuka dzesango neshiri dzedenga, neicho chinokwira mumiti nechinofamba pasi;

17 Hongu, uye negwenzi, uye nezvinhu zvakanaka zvinobva muvhu, kana dai zviri zvekudya kana zvekuitisa zvipfeko, kana zvedzimba, kana zvematura, kana zveminda yemichero, kana zvemapindu, kana zveminda yemizambiringa;

18 Hongu, zvose zvinhu zvinobva nemuvhu, mumwaka wazvo, zvinoitirwa kupundutsa nokushandiswa nemunhu, zvose kufadza ziso uye nokufadza mwoyo;

19 Hongu, zvekudya nezvezvipfeko, kuraira kana kunhuwidza, kusimbisa muviri uye nokumutsa mweya.

20 Uye zvinofadza Mwari kuti vakapa zvose zvinhu izvi kumunhu; nokuti nechikonzero ichocho ndozvazvakaitirwa kuti zvishandiswe, neungwaru, kwete kupfuuridza, kana nekupamba.

21 Uye hapana chimwe chinoita kuti munhu agumbure Mwari, kana kuti hakuna uyo wavakashatirirwa, kunze kweavo vasingatende ruoko rwavo muzvinhu zvose, uye vasingateerere mirairo yavo.

22 Tarisai, izvi zviri maererano nemutemo uye nevaporofita; nokudaro, chiregai kuramba muchindinetsa pamusoro penyaya iyi.

23 Asi dzidzai kuti uyo anoita mabasa ekururama achagashira mubairo wavo, kunyangwe runyararo pasi pano uye neupenyu hwokusingaperi munyika ichauya.

24 Ini, Ishe, ndazvitaura, uye Mweya unopa uchapupu. Ameni.