Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 27


Chikamu 27

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita paHarmony, Pennsylvania, muna Nyamavhuvhu 1830 (History of the Church, 1:106–108). Mukugadzirira kuitika kwechitendero apo sakaramende yechingwa newaini yaizoropafadzwa, Joseph akaenda kunotora waini. Akasangana nemutumwa wekudenga uye akagashira chakazarurwa chino, chidimbu chacho chakanyorwa panguva iyoyo asi zvakasara zvakazonyorwa muna Gunyana aitevera. Mvura iye zvino ndiyo yave kushandiswa kunze kwewaini panguva yesakaramende muChechi.

1–4, Micherechedzo ichashandiswa pakutora sakaramende inomiswa; 5–14, Kristu nevaranda vake kubva kumikuwo yose vanofanirwa kutora sakaramende; 15–18, Pfekai gandautare rose raMwari.

1 Teererai kuizwi raJesu Kristu, Ishe venyu, Mwari venyu, neMununuri wenyu, uyo aneshoko benyu uye rine simba.

2 Nokuti tarisai, ndinoti kwauri, hazvinei kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana muchitora sakaramende, kana zviri zvekuti muri kuzviita neziso rakatarisa bedzi kubwinya kwangu—muchirangarira kuna Baba muviri wangu uyo wakaradzikwa pasi pamusana penyu, uye neropa rangu rakadeurirwa kuregerera zvitadzo zvenyu.

3 Nokudaro, murairo ndinoupa kwamuri, kuti hamutenge waini kana zvinwiwa zvinodhaka kubva kuvavengi venyu;

4 Nokudaro, hamuinwe kunze kwekunge yagadzirwa iri itsva pakati penyu; hongu, muno muumambo hwaBaba vangu uhwo huchavakwa pano pasi.

5 Tarisai, uhwu ungwaru mandiri; nokudaro, musashamiswe, nokuti nguva iri kusvika iyo yandichanwa nemi zvinobva mumuchero wemudzambiringa panyika, uye naMoronai, uyo wandakatumira kwamuri kuti aratidze Bhuku raMormoni, rine kuzara kwevhangeri rangu risingaperi, uyo wandakapa makiyi ezvinyorwa zverukuni rwaEfraimi;

6 Uye naEria, uyo wandakapa makiyi anounza kuitika kwekudzorerwa kwezvinhu zvose pakare zvakataurwa nemuromo wevaporofita vatsvene vose kubvira mukutanga kwenyika, maererano nemazuva ekuguma;

7 Uyewo naJohane mwanakomana waZakaria, uyo Zakaria iye (Eria) waakashanyira uye akamupa ruvimbiso kuti achaita mwanakomana, zita rake richave Johane, uye achave akazadzwa nemweya waEria;

8 Uyo Johane wandatumira kwamuri, varanda vangu, Joseph Smith Mwana, naOliver Cowdery, kuti ndikugadzei hupirisita hwekutanga uhwo hwamatambira, kuti mugodaidzwa nokugadzwa kunyangwe saAroni;

9 Uye nekuna Erija, uyo wandakapa makiyi esimba rekutendeudzira mwoyo yemadzibaba kuvana, nemwoyo yevana kumadzibaba, kuti pasi pose pasarohwe nekutukwa;

10 Uye naJosefa naJakobo, naIsaka, naAbrahama, madzibaba enyu, avo vane zvivimbiso zviripo;

11 Uye naMikaeri, kana Adama, baba wevose, jinda revose, Mukweguru wamaZuva;

12 Uye naPetro, naJakobo, naJohane, avo vandatumira kwamuri, vandakugadzai navo nokukusimbisai kuti muve vaapositori, navapupuri vanokosha vezita rangu, nokutakura makiyi ehushumiri hwenyu nezvinhu zvimwechetezvo zvandakazarura kwavari;

13 Avo vandakapa makiyi eumambo hwangu, uye nemukuwo wevhangeri munguva dzekupedzisira; uye nemukuzara kwenguva, umu mandichaunganidza pamwechete muchinhu chimwechete zvose zvinhu, zvose zviri mudenga, neizvo zviri panyika;

14 Uyewo neavo vose vandapihwa naBaba vangu kubva munyika.

15 Nokudaro, simudzai mwoyo yenyu uye mufare, uye sungira nguwo dzako muchiuno, uye mutore pamuri gandautare rangu rose, kuti mugozokwanisa kukurira zuva rakaipa, moita zvose kuti mugozokwanisa kumira.

16 Mirai naizvozvo, makasunga zviuno zvenyu nechokwadi, makapfeka chipfeko chepa chipfuva chekururama, uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa nekugadzirira kwevhangeri rerunyararo, urwo rwandatumira ngirozi dzangu kuti dziise kwamuri;

17 Muchitora nhowo yerutendo iyo ichaita kuti mugone kudzimura yose miseve yemoto yewakaipa.

18 Uye motora heremende yeruponeso, uye nemunondo weMweya wangu, uyo wandichadururira pamuri, uye nezwi rangu iro randichaburitsa kwamuri, uye mubvumirane pamusoro pezvose zvinhu zviri zvipi zvazvo zvamunondikumbira, uye muve makatendeka kudakara ndadzoka, uye muchatorwa, kuti pandiri nemiwo muchavepo. Ameni.