Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 95


Chikamu 95

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtkand, Ohio, 1 Chikumi 1833 (History of the Church, 1:350–352). Chakazarurwa chino kuenderera mberi kwemirairo mitsvene yekuvakwa kwedzimba dzekunamatira nokudzidziswa, kunyanya imba yaIshe (onai chikamu 88:119–136 uye nechikamu 94).

1–6, Vatendi vanorangwa pamusana pekutadza kwavo kuvaka imba yaIshe; 7–10, Ishe vanoda kushandisa imba yavo kuti vape vanhu vavo masimba anobva kumusoro; 11–17, Imba ichakumikidzwa senzvimbo yekunamata, uye sechikoro cheVaapositori.

1 Zvirokwazvo vanodaro Ishe kwamuri imi vandinoda, uye avo vandinoda ndinovarangawo kuti zvitadzo zvavo zvigoregererwa, nokuti nokuranga ndinogadzira nzira yekubviswa kwavo muzvinhu zvose kubva mukuyedzwa, uye ndakakudai—

2 Nokudaro, munofanira kurangwa uye mugomira makatsiurwa pameso pangu;

3 Nokuti makanditadzira chitadzo chakaipa zvikuru, mukuti hamuna kufunga murairo mukuru muzvinhu zvose, uyo wandakakupai maererano nokuvakwa kwemba yangu;

4 Yekugadzirira uko kwandakaronga kuti ndigadzirire vaapositori vangu kuti vakwanhurire munda wangu wemizambiringa kwenguva yekupedzisira, kuti ndigoita kuti chiitiko changu chinoshamisa chiitike, kuti ndigodira Mweya wangu panyama yose—

5 Asi tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kune vazhinji vakagadzwa pakati penyu, vandakadaidza asi vashoma vavo vakasarudzwa.

6 Avo vasina kusarudzwa vakatadza chitadzo chakaipa kwazvo, mukuti vari kufamba murima masikati.

7 Uye nechikonzero ichi ndakakupai murairo kuti munofanira kudaidzira gungano renyu rinoyera, kuti kutsanya kwenyu nokuchema kwenyu kukwire kunzeve dzaIshe weSabaoti, vanonzi pakududzira, musiki wezuva rekutanga, mavambo nemagumo.

8 Hongu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndakapa kwamuri murairo kuti munofanira kuvaka imba, imba inove yandakaronga kuti, ndigopira avo vandakasarudza masimba anobva kumusoro;

9 Nokuti ichi ndichochivimbiso chaBaba kwamuri; naizvozvo ndinokurairai mugare, kuti kunyangwe sevaapositori vangu paJerusarema.

10 Zvisinei varanda vangu vakatadza nechitadzo chakaipa kwazvo; uye kukamuka kusawirirana muchikoro chemaporofita; uko kwakandishungurudza zvikuru, vanodaro Ishe venyu; nokudaro ndakavatumira kuti vanorangwa.

11 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chido changu kuti muvake imba. Kana mukachengeta mirairo yangu muchawana simba rekuivaka.

12 Kana musingachengete mirairo yangu, rudo rwaBaba harwurambe rwuinemi, nokudaro muchafamba murima.

13 Zvino houno ungwaru, uye nepfungwa dzaIshe—imba ngaivakwe, kwete nenzira yenyika, nokuti handipe kwamuri kuti mugogara nenzira yemunyika;

14 Naizvozvo, ngaivakwe, maererano nenzira yandichakuratidzai kune vatatu venyu, vamuchadoma mugovagadza musimba iri.

15 Uye kukura kwayo kuchave zvinhano makumi mashanu neshanu hupamhi, uye yoita makumi matanhatu neshanu ezvinhano kureba, munzvimbo yemukati.

16 Uye regai chikamu chepasi, chenzvimbo yemukati, chikumikidzwe kwandiri, kuitira kupira sakaramende kwenyu uye nokuparidza kwenyu, uye nokutsanya, uye nokunamata, uye nokuunza kwenyu zvido zvenyu zvitsvene kwandiri, vanodaro Ishe.

17 Uye moita kuti nzvimbo yepamusoro pemba yemukati ipirwe kwandiri kuti ive chikoro chavaapositori vangu, anodaro Mwanakomana Amani; kana kuti nemamwe mazwi Arfasi kana kuti nemamwe mazwi; Omegasi; kunyangwe Jesu Kristu Ishe venyu. Ameni.