Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 36


Chikamu 36

Zvakazarurwa zvakapiwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna Edward Partridge, pedyo neFayette, New York, Zvita 1830 (History of the Church, 1:131). (Ona musoro wenyaya muchikamu 35). Muporofita akati Edward Partridge “akanga ari chiratidzo chehunamati, uye ari mumwe wevanhurume vakuru vaIshe” (History of the Church, 1:128).

1–3, Ishe vanoisa ruoko rwavo pamusoro paEdward Partridge neruoko rwaSidney Rigdon; 4–8, wose munhu anotambira vhangeri uye nehupirisita anodaidzwa kuti aende kunoparidza.

1 Vanodaro Ishe Mwari, aSamasimba weIsraeri: Tarisai, ndinoti kwauri, muranda wangu bEdward, kuti wakaropafadzwa uye zvitadzo zvako vazviregererwa uye wadaidzwa kuti uparidze vhangeri rangu nezwi serehwamanda:

2 Uye ndichaisa aruoko rwangu pauri neruoko rwemuranda wangu Sidney Rigdon, uye uchagashira Mweya wangu, Mweya Mutsvene, kunyangwe bMunyaradzi, uyo achakudzidzisa zvinhu czverunyararo zveumambo;

3 Uye uchazvitaura nezwi guru, uchiti: Hosana ngariropafadzwe zita raMwari wekumusoro-soro.

4 Uye zvino kudaidzwa uku nemurairo uyu ndinopa kwauri maererano nevanhu vose—

5 Kuti avo vose vachauya pamberi pevaranda vangu Sidney Rigdon naJoseph Smith, Mwana, vachimbundira kudaidzwa uku nemurairo, uyu avachagadzwa uye vagotumirwa bkunoparidza vhangeri risingaperi mukati memarudzi—

6 Daidzirai rutendeuko, muchiti: aZviponesei imi pachenyu kubva kuchizvarwa chino chisina chinangwa, muuye mubude mumoto, muchivenga kunyangwe bnenguwo yakasvibiswa nenyama.

7 Uye murairo uyu uchapihwa kumagosa echechi, kuti wose munhu uyo achambundira ichi nemwoyo mumwechete anogona kugadzwa achitumwa, kunyangwe sezvandataura.

8 Ndini Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari; nokudaro, sungira nguwo dzako muchiuno uye ndichangoyerekana ndauya akutemberi yangu. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.