Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 9


Chikamu 9

Zvakazarurwa zvakapiwa nekuna Joseph Smith Muporofita kuna Oliver Cowdery, paHarmony, Pennsylvania mwedzi waKubvumbi 1829 (History of the Church, 1:37–38). Oliver anotsiurwa kuti ave nemwoyo murefu uye anokurudzirwa kuti agutswe nekunyora, kwenguva ino, achidaidzirwa nemududziri, pane kuti ayedze kududzira.

1–6, Zvimwe zvinyorwa zvekare zvichazodudzirwa; 7–14, Bhuku raMormoni rinodudzirwa nokudzidza uye nokusimbiswa nemweya.

1 Tarisai, ndinoti kwauri mwanakomana wangu, nepamusana pekuti hauna kududzira maererano neizvo zvawaida kwandiri, uye ukatanga zvakare kunyorera muranda wangu, Joseph Smith, Mwana, kunyangwe zvakadaro ndinoti dai waramba uchienderera mberi kudakara mapedza zvinyorwa izvi, izvo zvandakaisa mumaoko ake.

2 Uye zvino tarisai, ndine zvimwe zvinyorwa, izvo zvandichakupa simba kuti uyamure mukududzira.

3 Ita mwoyo murefu, mwanakomana wangu, nokuti ungwaru mandiri, uye hazvikodzere kuti ududzire panguva ino.

4 Tarisai, basa rawakadaidzirwa kuita kunyorera muranda wangu Joseph.

5 Uye tarisai, pamusana pekuti hauna kuramba uchienderera mberi, sekutanga kwawangawaita, pawakatanga kududzira, zvaita kuti nditore kodzero iyi kubva kwauri.

6 Usanyunyute, mwanakomana wangu, nokuti ungwaru mandiri kuti ndaita izvi kwauri netsika iyi.

7 Tarisai, hauna kunzwisisa; wakafunga kuti ndichangokupa kwauri, iwe usina kumboita imwe pfungwa kunze kweyekundikumbira.

8 Asi tarisai, ndinoti kwauri, zvidzidze mupfungwa dzako; zvino wondibvunza kuti zvakanaka here, kana zvakanaka, ndichakonzera chipfuva chako kuti chipise, naizvozvo uchanzwa kuti zvakanaka.

9 Asi kana zvisina kunaka hauzove nokunzwa zvakadaro, asi uchave nepfungwa yakagomara ichakuita kuti ukanganwe chinhu ichocho chakaipa; naizvozvo, haukwanise kunyora icho chinoyera kunze kwekunge watochipihwa kubva kwandiri.

10 Zvino, dai wakanga uchiziva izvi ungadai wakadudzira; zvisinei, hazvichakodzera kuti ududzire zvino.

11 Tarisai, zvakanga zvakafanira pawakatanga, asi wakatya, uye nguva yacho yapfuura, uye hazvichakodzera zvino;

12 Nokuti, hauone here kuti ndakapa kumuranda wangu Joseph simba rakakwana, mukugadzirwa kwazvakaitwa? Uye hapana mumwe wenyu wandatonga.

13 Ita chinhu ichi chandakuraira, uye uchabudirira. Iva wakatendeka, uye usakundwe nekuyedzwa.

14 Mira wakasimba mubasa iro randakakudaidzira, uye hakuna kavhudzi kemumusoro mako kacharasika, uye iwe uchasimudzirwa pazuva rekupedzisira. Ameni.