Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 8


Chikamu 8

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna Oliver Cowdery, paHarmony, Pennsylvania, mwedzi weKubvumbi 1829 (History of the Church, 1:36–37). Mukududzirwa kweBhuku raMormoni, Oliver, akaramba achishanda ari munyori, achinyora zvaidaidzirwa neMuporofita, akada kuti apihwe chipo chekududzira. Ishe vakapindura kukumbira kwake nekupa chakazarurwa chino.

1–5, Zvakazarurwa zvinouya nesimba reMweya Mutsvene; 6–12, Ruzivo rwezvakavanzika zvaMwari uye nesimba rekududzira zvinyorwa zvepasichigare rwunouya nerutendo.

1 Oliver Cowdery, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, nechokwadi, sekurarama kunoita Ishe, avo vanove ndivo Mwari wako uye neMununuri wako, kunyangwe chokwadi uchagashira ruzivo rwezvinhu zvose zvazvo zvaungade kana ukakumbira murutendo, nemwoyo unovimbika, uchitenda kuti uchatambira ruzivo maererano nekunyorwa kwezvinyorwa zvekare, izvo zvepasi chigare, zvine zvidimu izvo zvemagwaro matsvene angu zvakataurwa nekuiswa pachena neMweya wangu.

2 Hongu, tarisai ndichakuudza mupfungwa dzako nemumwoyo mako, neMweya Mutsvene, uyu uchauya pauri uye uyu uchagara mumwoyo mako.

3 Zvino tarisai, uyu ndiwo mweya wezvakazarurwa; tarisai, uyu ndiwo mweya uyo wakaita kuti Mosesi aunze vana vaIsraeri mukupfuura nemuGungwa Dzvuku pavhu rakaoma.

4 Nokudaro ichi ndicho chipo chako; chishandise, uye wakaropafadzwa iwe, nokuti zvichakubvisa mumaoko evavengi vako, nokuti, dai zvakanga zvisiri izvo, vaikuponda uye nokuunza mweya wako mukuparadzwa.

5 Rangarira mazwi aya, uye chengeta mirairo yangu. Rangarira, ichi ndicho chipo chako.

6 Zvino ichi hachizicho chipo chako chete; nokuti unechimwe chipo, icho chiri chipo chaAroni; tarisai, chakuudza zvinhu zvizhinji;

7 Tarisai, hakuna rimwe simba, kunze kwesimba raMwari, iro rinogona kuita kuti chipo ichi chaAroni chive newe.

8 Nokudaro, usakahadzike, nokuti chipo chaMwari; uye uchachibata mumaoko ako, uye ugoita mabasa anoshamisa; uye hakuna simba richagona kuchitora kubva mumaoko ako, nokuti ibasa raMwari.

9 Uye nokudaro, chose zvacho chauchandikumbira kuti ndikutaurire netsika iyoyo, ichocho ndichachipa kwauri, uye uchave neruzivo maererano nacho.

10 Rangarira kuti pasina rutendo hakuna chaungaite; nokudaro kumbira murutendo. Usatambe nezvinhu izvi; Usakumbire icho chisingafanirwe.

11 Kumbira kuti uzive zvakavanzika zvaMwari, uye ududzire uye ugogashira ruzivo kubva kuzvinyorwa zvose izvo zvepasichigare izvo zvakange zvakavigwa, izvo zvinoyera; uye maererano nerutendo rwako zvichaitwa kwauri.

12 Tarisai, ndini ndazvitaura; uye ndini iye mumwecheteyo akataura kwauri kubvira pakutanga. Ameni.