Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 89


Chikamu 89

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburukidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtand, Ohio 27 Kukadzi 1833 (History of the Church, 1:327–329). Nekuda kwekuputa fodya kwevarume vekutanga mumichechi yavo, Muporofita akaitwa kuti afunge pamusoro penyaya iyi; nokudaro akabvunza kuna Ishe pamusoro pazvo. Zvakazarurwa zvino zvinozivikanwa seShoko reUngwaru, zvakapihwa pamusana pazvo. Ndima nhatu dzekutanga dzakanyorwa neMuporofita sechisumo chakafemerwa netsananguro.

1–9, Kushandiswa kwewaini, zvinwiwa zvinodhaka, fodya, uye kunwa zvinopisa zvakarambidzwa; 10–17, Makwenzi michero, nyama uye nembeu zvakaiswa kuti zvishandiswe nemunhu nemhuka; 18–21, Kuteerera mutemo wevhangeri, pamwechete nekuShoko reUngwaru, zvinounza maropafadzo enyama neemweya.

1 Izwi Shoko reUngwaru, rekuyamura dare revapirisita vepamusoro, vakaungana muKirtland, nechechi, uyewo nekuvatendi varimuZioni—

2 Kuti vatumirwe kwaziso; kwete nemurairo kana nokumanikidzwa, asi nezvakazarurwa uye neShoko reUngwaru, zvichiratidza hurongwa uye nechido chaMwari mukuponesa vatendi vose munyama mumazuva ekupedzisira—

3 Zvakapihwa semutemo une chivimbiso; zvikaitwa kuti zvive zvinokwanisika kune vakaneta nekune vakanetesesa vevatendi vose, vanove kana vangave vanodaidzwa kunzi vatendi.

4 Tarisai zvirokwazvo, vanodaro Ishe kwamuri: Nechikonzero chezvakaipa uye nezvirongwa zviripo uye zvichagara zviripo mumwoyo yavanhu vanofurirana mumazuva ekupedzisira, ndakakuyambirai, uye nokufanokuyambirai, nokukupai shoko iri reungwaru kuburikidza nezvakazarurwa—

5 Kuti sezvo munhu upi zvake akanwa waini kana zvinodhaka pakati penyu, tarisai hazvina kunaka, kana kufanira mumaziso aBaba venyu, asi chete mukuungana kwenyu pamwechete kuti mupire sakaramende yenyu pamberi pavo.

6 Uye, tarisai iyi inofanira kuve waini, hongu, waini yakachena yemudzambiringa, yamazvigadzirira mega.

7 Uye zvakare, zvinwiwa zvinodhaka, hazvizi zvedumbu, asi zvekugezesa miviri yenyu.

8 Uye zvakare, fodya haisi yemuviri, kana dumbu, uye haina kunaka kumunhu, asi igwenzi remavanga emombe dzose dzinorwara, inofanira kushandiswa neungwaru uye neruzivo.

9 Uye zvakare, zvinwiwa zvinopisa hazvisi zvemuviri kana dumbu.

10 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ose makwenzi akanaka Mwari vakaagadza kuumba, chimiro nekushandiswa nemunhu—

11 Rose gwenzi mumwaka yaro, uye nemuchero wose mumwaka wawo, zvose izvi kuti zvishandiswe neungwaru nekutenda.

12 Hongu, nyamawo yemhuka neyeshiri dzedenga, ini Ishe, ndakadzigadza kuti dzishandiswe nevanhu nokutenda; zvisinei, dzinoda kushandiswa zviri pamwero;

13 Uye zvinondifadza kuti hazvina kufanira kushandiswa, kunze kwekunge dziri nguva dzechando, kana dzekutonhora, kana dzenzara.

14 Dzose mbeu dzakagadzwa kushandiswa nemunhu nemhuka, kuti dzive musimboti weupenyu, kwete kumunhu chete, asi nekumhuka dzesango, uye neshiri dzedenga, uye dzose mhuka dzesango dzinomhanya kana kukambaira munyika;

15 Uye izvi zvakaitwa naMwari kuti munhu ashandise chete munguva dzenzara uye nemunzara yakapfuurikidza.

16 Dzose mbeu dzakanaka sechidyo kumunhu; semucherowo wemudzambiringa; idzo dzinobereka michero, mungave muvhu kana pamusoro pevhu—

17 Zvisinei, gorosi kumunhu, nechibage kumombe, uye mapfunde kumabhiza, nemhunga kuhuku nenguruve, nemhuka dzose dzesango, nerukweza kumhuka dzose dzinoshandiswa, uye nokugadzirisa zvekunwa zviri pakati nepakati, sedzimwe mbeuwo.

18 Uye vose vatendi vanorangarira kuchengeta nekuita zviri kutaurwa izvi vachifamba mukuteerera mirairo, vachagashira hutano muhura hwavo nemwongo mumapfupa avo;

19 Uye vachawana ungwaru neupfumi hukuru hweruzivo, kunyangwe upfumi hwakavanzikwa;

20 Uye vachamhanya uye vasingazoneta, uyezve vachafamba vasingazorukutika.

21 Uye ini Ishe, ndinopa kwavari chivimbiso, kuti ngirozi inoparadza ichavapfuura, sevana veIsraeri, uye isingavauraye. Ameni.