Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 66


Chikamu 66

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paOrange, Ohio, 25 Gumiguru 1831 (History of the Church, 1:219–221). Iri raive zuva rekutanga remusangano mukuru waikosha. Achitaura zvekutanga pamusoro pechakazarurwa chino, Muporofita akanyora achiti, “Sekukumbira kwaWilliam E. McLellin, ndakabvunza kuna Ishe uye ndikagashira zvinotevera” (History of the Church, 1:220).

1–4, Chibvumirano chisingaperi narinhi ivhangeri rizere; 5–8, Magosa anoparidza, kupupura, uye nokutaura nevanhu; 9–13, Kushanda zvakatendeka mubasa rehushumiri kunopa vimbiso yenhaka yeupenyu hwokusingaperi.

1 Tarisai, vanodaro Ishe, kune muranda wangu William E. McLellin—Iwe wakaropafadzwa, kana uri wabva kune zvakaipa zvako, uye ukatambira chokwadi changu, vanodaro Ishe Mununuri vako, Muponesi wenyika, kunyangwe weavo vakawanda vanotenda muzita rangu.

2 Zvirokwazvo ndinoti kwauri, wakaropafadzwa nokugashira chibvumirano changu chisingaperi, kunyangwe vhangeri rangu rizere, rakatumirwa kuvana vevanhu, kuti vave vanowana upenyu uye kuti vagoitwa vamwe vekubwinya uko kucharatidzwa mumazuva ekupedzisira, sekunyorwa kwazvakaitwa nevaporofita nevaapositori mumazuva ekare.

3 Zvirokwazvo ndinoti kwauri muranda wangu William, kuti wakachena asi kwete zvizere; tendeuka, nokudaro kuzvinhu izvo zvisingafadze mumaziso angu, vanodaro Ishe, nokuti Ishe vachazviratidza kwauri.

4 Uye zvino, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ini Ishe ndichakuratidza zvandinoda maererano newe, kana kuti chido changu maererano newe.

5 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwauri, chido changu kuti ushambadze vhangeri rangu kubva munyika nenyika, uye kubva guta neguta, hongu, mumatunhu ayo akatenderedza umo marisati rashambadzwa.

6 Usagare kwemazuva mazhinji munzvimbo ino; usaende kunyika yeZioni iyezvino; asi nepaunokwanisa kutumira, tumira; kana kuti usambofunga nezvezvinhu zvako.

7 Enda kunyika dzekumabvazuva, ipa uchapupu munzvimbo yega yega, kuvanhu vose uye nemumasinagogo avo uchitaura nevanhu.

8 Rega muranda wangu Samuel H. Smith ayende newe, uye usamusiye, uye umupe mirairo yako; uye uyo akatendeka achasimbiswa munzvimbo dzose; uye ini Ishe, ndichaenda nemi.

9 Gadza maoko ako pane vanorwara, uye vachapona. Usadzoke kudakara ini Ishe, ndakutumira. Ita mwoyo murefu mumatambudziko. Kumbira, uye uchagashira; gogodza, uye uchazarurirwa.

10 Usatsvake kuzviremedza. Siya kose kusarurama. Usaite hupombwe—chiyedzo icho chaunonetsekana nacho.

11 Chengeta zvirevo izvi, nokuti ndezvechokwadi uye zvakatendeka; uye iwe uchakudziridza chigaro chako, uye uchisundira vanhu vazhinji kuZioni nenziyo dzerufaro rwusingaperi pamisoro yavo.

12 Ramba uri muzvinhu izvi kunyangwe kusvika kumagumo, uye uchawana korona yeupenyu hwokusingapere kuruoko rwerwudyi rwaBaba vangu, avo vazere nenyasha nechokwadi.

13 Zvirokwazvo, vanodaro Ishe, Mwari vako, Mununuri vako, kunyangwe Jesu Kristu. Ameni.