Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 127


Chikamu 127

Tsamba yakabva kuna Joseph Smith Muporofita ichienda kuVatendi VaMazuva Ekupedzisira paNauvoo, iine gwara rekubhabhatidzwa kwevakafa, yakadhindhwa paNauvoo 1 Gunyana 1842 (History of the Church, 5:142–144).

1–4, Joseph Smith aifara mukunetswa nekutambudzika; 5–12, Zvinyorwa zvinofanira kuchengetwa zviri maererano nerubhabhatidzo rwevakafa.

1 Nokuti sezvo Ishe vakaratidza kwandiri vavengi vangu, vari muMissouri navari muDunhu rino, vakanga zvakare vachida kundibata; uye kana vari vanonditsvaga vasina chikonzero, uye vasina kana kadikidiki zvako kana karuvara kekuenzanisa kana kodzero kurutivi rwavo mukugadzira kwavo mhosva dzavarikunenedzera dzinobva mumanyepo akaipisisa, ndafunga kuti zvakafanira uye huri ungwaru mandiri kuti ndimbosiya nzvimbo iyi kwechinguva, kuti ini nevanhu ava tisakuvadzwe. Ndingati kune avo vachaita rose basa, kuti ndasiya zvinhu zvangu zviri muvamiriri navanamunyori avo vachaita rose basa nokukurumidza nenzira kwayo, uye vachaona kuti zvikwereti zvangu zvose zvabhadharwa nenguva yazvo, nokutengesa midziyo kana nedzimwe nzira, sezvazvinenge zvichifanirwa kuitwa, kana sezvinenge zvichakwaniswa. Pandinonzwa kuti mhepo dzose idzi dzapera, ndipo pandichadzoka kwamuri zvakare.

2 Uye dziri idzo njozi dzandiri kudaidzwa kuti ndipfuure nemadziri, dzinoita sechinhu chidiki kwandiri, sezvo ruchiva nehasha dzevanhu zviri zvinhu zvinoitika kwandiri ose mazuva eupenyu hwangu; uye kuti chikonzero chacho chii hazvinzwisisike, kunze kwekunge ndakagadzwa nyika isati yavambwa kuchinhu chakanaka kana chakaipa, sezvamunenge masarudza kuchidaidza. Zvitongerei mega. Mwari vanoziva zvose zvinhu izvi, kana zvakanaka nezvakaipa. Asi zvisinei, mumvura yakadzika ndimo mandajaira kushambira. Zvose zvave zvinhu zvandajaira; uye ndinonzwa, saPauro, kubwinya mumatambudziko; nokuti kusvika nhasi Mwari vemadzibaba angu vandibvisa maari ose, uye vachandibvisa kusvikira nariini, nokuti tarisai, uye muone ndichakunda dzose mhandu dzangu, nokuti Ishe Mwari vazvitaura.

3 Regai vatendi vose vafare, naizvozvo, uye vafarisise; nokuti Mwari vaIsraeri ndivo Mwari vavo, uye vachapa mubairo wakafanira pamisoro yeavo vose vanovadzvinyirira.

4 Uye zvakare, zvirokwazvo, zvirokwazvo, vanodaro Ishe: Regai basa remutemberi yangu, nemabasa ose andakakusarudzirai, arambe achiitwa uye asamiswe; uye regai kushingaira kwenyu, nokushingirira, nemwoyo murefu, nemabasa enyu zvipamhidzirwe zve, uye hamuzorasikirwa nemubairo wenyu, vanodaro Ishe veHondo. Uye kana vakakutambudzai, ndiko kutambudza kwavakaita vaporofita nevanhu vakarurama musati mavepo. Kuzvose izvi kune mubairo kudenga.

5 Uye zvakare, ndinopa kwamuri izwi riri maererano nerubhabhatidzo rwevakafa venyu.

6 Zvirokwazvo, vanodaro kunoita Ishe kwamuri pamusoro pevakafa venyu: Kana ani wenyu akabhabhatidzirwa vakafa venyu, ngapave neanonyora, uye ave mupupuri aona kubhabhatidzwa kwenyu; ngaanzwe nenzeve dzake, kuti agopupura nechokwadi, vanodaro Ishe;

7 Kuti mukunyora kwenyu kwose kugonyorwawo kudenga; chose chiri chipi zvacho chamunosunga panyika, chisungwe kudenga; chose chipi zvacho chamunosunungura panyika, chisunungurwe kudenga;

8 Nokuti ndavekuda kudzorera zvinhu zvizhinji panyika, zviri maererano nehupirisita, vanodaro Ishe veHondo.

9 Uye zvakare, zvinyorwa zvose ngazvive zvakarongwa zvakanaka, kuti zvigorongedzwa mumba inochengeterwa zvinyorwa, mutemberi yangu tsvene, kuti zvigochengetwa sechirangariro kubva kuchizvarwa kusvika kuchizvarwa, vanodaro Ishe veHondo.

10 Ndichati kune vose vatendi, ndaida, nokuda kukuru kwazvo, kuti ndingendataura kwavari ndiri pamberi pavo nezvenyaya yerubhabhatidzo rwevakafa, paSabata raitevera. Asi sezvo zviri kunze kwesimba rangu kuti ndidaro, ndichanyora izwi raIshe nguva nenguva, panyaya iyoyo, uye ndoritumira kwamuri netsamba pamwechete nezvimwe zvinhu zvakawanda.

11 Ndavekupedzisa tsamba yangu kwazvino, nokuda kwekushomeka kwenguva, nokuti muvengi achangamuka, uye sezvakataurwa neMuponesi, jinda renyika ino rinouya, asi haana chaainacho mandiri.

12 Tarisai, munamato wangu kuna Mwari ndewekuti dai mose maponeswa. Uye ndinoisa zita rangu ini muranda wenyu muna Ishe, muporofita nemuoni weChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira.

Joseph Smith.