Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 67


Chikamu 67

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paHiram, Ohio, Mbudzi 1831 (History of the Church, 1:224–225). Zuva racho raive remusangano mukuru, uye nokushambadzwa kwezvakazarurwa zvakanga zvatambirwa kare kubva kuna Ishe kuburikidza neMuporofita kwakatariswa kukaitwa (ona misoro yenyaya yechikamu 1). Zvakabvumiranwa kuti Oliver Cowdery naJohn Whitmer vanofanira kutora magwaro ezvakazarurwa vaende nawo kuIndependence, uko W. W. Phelps aizoashambadza seBhuku reMirairo. Vazhinji vehama vakapa uchapupu hwakadzama hunoera vachiti zvakazarurwa zvakanga zvanyorwa kuti zvishambadzwe zvakanga zvirokwazvo zviri zvechokwadi, sekupupurwa kwazvanga zvaitwa neMweya Mutsvene wakanga wadirwa pavari. Muporofita anonyora kuti mushure mekunge zvakazarurwa zvinozivikanwa sechikamu 1 zvagashirwa, pakave nekutaura kusina kunaka kwakanzwikwa pamusoro pemutauro wainge washandiswa mune zvakazarurwa. Chakazarurwa chino chakazotevera.

1–3, Ishe vanonzwa minamato yemagosa avo uye nokuvachengeta; 4–9, Vanoti kune vakachenjera kupfuura vose itai tione chimwe chezvakazarurwa chakafanana nechangu; 10–14, Magosa akatendeka achamutswa neMweya uye agoona chiso chaMwari.

1 Tarisai, uye muteerere, imi amagosa echechi yangu, imi maungana pamwechete, mune minamato yandanzwa, uye mune mwoyo yandinoziva, uye mune zvido zvauya kumusoro pamberi pangu.

2 Tarisai uye mutarise, amaziso angu ari pamuri, uye matenga nenyika zviri mumaoko angu, uye upfumi hwekusingaperi ndehwangu kupa.

3 Makaedza kutenda kuti munofanira kugashira maropafadzo amakapuhwa; asi tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri makanga muine akutya mumwoyo yenyu, uye zvirokwazvo ndicho chikonzero chakaita kuti murege kugashira.

4 Uye zvino, ini Ishe, ndinokupai auchapupu hwechokwadi hwemirairo iyi iri pamberi penyu.

5 Maziso enyu anga ari pamuranda wangu Joseph Smith, Mwana, uye arurimi rwake mairwuziva, uye nekusarurama kwake maikuziva; uye makatsvaka mumwoyo yenyu ruzivo kuti zvimwe mungataure kupfuura rurimi rwake, izvi naizvowo munozviziva.

6 Zvino tsvakai kubva muBhuku reMirairo, kunyangwe mudikidiki uyo uri pakati paro, uye mugodoma uyo ane auchenjeri hwakanyanya pakati penyu.

7 Kana kuti, kana paine mumwe pakati penyu angaite mumwe wakafanana naiwowo, zvino munozorevererwa kana muchiti hamuzive kana zviri zvechokwadi;

8 Asi kana musingagone kuita chakaita saichocho, muri pasi pekutongwa kana musingagone akupupura kuti ndezvechokwadi.

9 Nokuti munoziva kuti hamuna kusarurama mazviri, uye icho achakaruruma chinodzika kubva kumusoro, kubva kuna Baba bwezviedza.

10 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri kuti ikodzero yenyu uye ndichivimbisa imi makagadzwa muhushumiri huno, maererano nekuzvikurura kubva amushanje bnokutya, uye cmukazvininipisa pamberi pangu, nokuti hamuna kuzvininipisa zvakakwana, dchidzitiro chichatsemurwa uye emuchandiona mugoziva kuti Ndini—kwete nezvenyama kana nepfungwa yezvenyama, asi neyemweya.

11 Nokuti hakuna amunhu akaona Mwari panguva ipi zvayo munyama, kunze kwekunge akamutswa neMweya waMwari.

12 Kana ani zvake munhu awenyama angagare pamberi paMwari, kana mupfungwa yenyama.

13 Imi hamugone kurarama pamberi paMwari iyezvino, kana hushumiri hwengirozi; nokudaro rambai muine amwoyo murefu kudakara mave bvakakwana.

14 Musarega pfungwa dzenyu dzichicheuka shure; uye kana amakakodzera, munguva yangu muchaona uye mugoziva icho chakaiswa pamuri nemaoko emuranda wangu Joseph Smith, Mwana. Ameni.