Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 65


Chikamu 65

Zvakazarurwa zvakapihwa nekuna Joseph Smith Muporofita, paHiram, Ohio muna Gumiguru 1831 (History of the Church, 1:218). Muporofita anotara chakazarurwa ichi semunamato.

1–2, Makiyi eumambo hwaMwari anopihwa kumunhu panyika uye basa revhangeri richabudirira; 3–6, Umambo hweMereniamu hwekudenga huchauya nokubatanidzwa neumambo hwaMwari panyika.

1 Teererai, uye mutarise, izwi seremumwe atumwa kubva kumusoro. Ane mbiri nesimba, anoenda kumagumo enyika, hongu, uye izwi rake riri kuvanhu—Gadzirai imi nzira yaIshe, itai twunzira twavo twutwasanuke.

2 Makiyi eumambo hwaMwari akapihwa kuvanhu munyika, uye kubva ipapo vhangeri richakungurutswa kusvika kumagumo enyika, sedombo rachekwa kubva pagomo pasina maoko, richikunguruka richienda kudakara razara pasi pose.

3 Hongu, izwi riri kuchema—Gadzirirai imi nzira yaIshe, gadzirirai imi kudya kwemanheru kweGwayana, gadzirirai Chikomba.

4 Namatai kuna Ishe, daidzirai zita ravo dzvene, shambadzai mabasa ake anoshamisa mukati mevanhu.

5 Daidzirai kuna Ishe, kuti umambo hwavo huve hunoenda mberi munyika, kuti vagari varimo vazvigashire, kuti vave vakagadzirira kumazuva ari kuuya, umo munove Mwanakomana weMunhu achauya pasi kubva kudenga, akapfekedzwa kupenya kwekubwinya kwake, kuzosangana neumambo hwaMwari hwakadzikwa pano pasi.

6 Nokudaro, umambo hwaMwari ngahufambire mberi, kuti umambo hwekudenga huuye, kuti imi Mwari mubwinyiswe kudenga kana nepano pasi, kuti vavengi venyu vakundwe; nokuti rwenyu rukudzo, simba nokubwinya, kusvika riini nariini. Ameni.