Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 56


Chikamu 56

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, muna Chikumi 1831 (History of the Church, 1:186–188). Ezra Thayre, akanga adomwa kuti afambe kuenda kuMissouri naThomas B. Marsh (ona chikamu 52:22), akatadza kutanga hushumairi hwake apo mumwe wake angeagadzirira. Gosa Thayre akanga asina kugadzirira kuti asimuke aende parwendo rwake pamusana pekuve mukati mematambudziko epaThompson, Ohio (ona misoro yechikamu 54). Ishe vakapindura kubvunza kweMuporofita panyaya iyi nekupa chakazarurwa ichi.

1–2, Vatendi vanofanira kutora muchinjikwa wavo uye vatevere Ishe kuti vawane ruponeso; 3–13, Ishe vanoraira uye vachidzora, uye vasingateerere vanoraswa; 14–17, Nhamo kune vapfumi vasingade kuyamura varombo, uye nhamo kune varombo vane mwoyo isina kutyoka; 18–20, Vakaropafadzwa varombo vakachena mumwoyo, nokuti vachawana nhaka yenyika.

1 Teererai, imi vanhu munotaura zita rangu, vanodaro Mwari venyu; nokuti tarisai, hasha dzangu dzatungidzwa pamusoro pevapanduki, uye vachaziva ruoko rwangu uye nekugumbuka kwangu, muzuva rekushanyirwa nerehasha kumarudzi.

2 Uye uyo asingazotora muchinjikwa wake, nekunditevera uye nekuchengeta mirairo yangu, iyeyo haazoponeswa.

3 Tarisai, ini Ishe, ndinoraira; uye uyo asingazoteerera, achazodimburwa achibviswa kana nguva yangu ini, yakakwana, mushure mekunge ndaraira uye murairo watyorwa.

4 Nokudaro ini Ishe, ndinoraira nekudzora, zvinenge zvichiratidzika kwandiri kuti zvakanaka; uye zvose izvi zvichapindurirwa pamisoro yevapanduki, vanodaro Ishe.

5 Nokudaro, ndinodzora murairo wakapihwa kuvaranda vangu Thomas B. Marsh naEzra Thayre, uye ndopa murairo mutsva kumuranda wangu Thomas, kuti achaenda rwendo rwake nokukurumidza kuenda kunyika ye Missouri, uye nemuranda wangu Selah J. Griffin naiyewo achaenda naye.

6 Nokuti tarisai, ndinodzora murairo wakanga wapihwa kuvaranda vangu Selah J. Griffin uye naNewel Knight, pamusana pekuomesa mutsipa kwevanhu vangu vari muThompson, uye nokupanduka kwavo.

7 Nokudaro, regai muranda wangu Newel Knight arambe ainavo; uye vose vanoda kuenda ngavaende, avo vakazvirereka pamberi pangu, uye vatungamirwe naye kunyika yandakadoma.

8 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti muranda wangu Ezra Thayre anofanira kutendeuka pakuzvikudza kwake, uye nohundingoveni hwake uye ateerere kumurairo wekare uyo wandakamupa maererano nenzvimbo yaanogara.

9 Uye kana akaita izvi, sezvo pasina kupatsanurwa kuchaitwa munyika umu, achadomwa zvakare kuti aende kunyika yeMissouri;

10 Kana kuti angangozogashidzwa mari yaakabhadhara, uye onzi asiye nzvimbo, uye odimburwa kubva muchechi yangu, vanodaro Ishe Mwari vehondo;

11 Uye kana dai denga nenyika zvikapfuura, mazwi aya haazopfuura, asi achazadzikiswa.

12 Uye kana muranda wangu Joseph Smith, Mwana, achifanira kubhadhara mari iyoyo, tarisai, ini Ishe, ndinozoibhadhara kwaari zvakare munyika yeMissouri, kuti avo vaachagashira kwavari vagopihwa mubairo zvakare maererano neicho chavanoita;

13 Nokuti maerererano neicho chavanoita vachagashira, kunyangwe nenyika senhaka yavo.

14 Tarisai, vanodaro Ishe, kuvanhu vangu—mune zvinhu zvizhinji zvekuita uye nezvekutendeuka kubva kwazviri; nokuti tarisai, zvitadzo zvenyu zvakwira kwandiri, uye hazvina kuregererwa, nokuti munotsvaka kurairwa nenzira dzenyu mega.

15 Uye mwoyo yenyu haigutswe. Uye hamuteerere kuchokwadi, asi munofara mukusarurama.

16 Nhamo kwamuri imi vanhu makapfuma, imi musingade kupa zvamuinazvo kuvarombo, nokuti upfumi hwenyu huchave zvipfukuto zvemweya yenyu; uye uku ndikokuchave kuchema kwenyu muzuva rekurangwa kwenyu, nekutongwa, uye nerekugumbuka: Kukohwa kwapfuura, zhizha rapera, uye mweya wangu hauna kuponeswa!

17 Nhamo kwamuri imi vanhu varombo, mune mwoyo isina kutyoka, uye mune mweya isina kupfava, uye mune matumbu asingagute, uye mune maoko asingadzorwe pakutora zvinhu zvevamwe, vane maziso azere makaro, uye musingagone kuzvishandira nemaoko enyu pachenyu!

18 Asi vakaropafadzwa varombo avo vakachena mumwoyo, avo vane mwoyo yakaninipa, uye vane mweya yakapfava, nokuti vachaona umambo hwaMwari huchiuya musimba uye nokubwinya kukuru mukuponeswa kwavo; nokuti mafuta enyika achave avo.

19 Nokuti tarisai, Ishe vachauya, uye mibairo yavo vachange vainayo, uye vachapa mubairo wose munhu, uye varombo vachava nokufara;

20 Uye zvizvarwa zvavo zvichagara nhaka yenyika kubva kuchizvarwa kuenda kune chimwe chizvarwa, nariini nariini. Uye zvino ndavekumira kutaura kwamuri. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.