Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 54


Chikamu 54

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna Newel Knight, paKirtland, Ohio, Chikumi 1831 (History of the Church, 1:180–181). Nhengo dzeChechi mubazi rekuThompson, Ohio, vakanga vachipesana munyaya dzainga dziri maererano nekupirwa kwezvinhu. Hudyire nemakaro zvakabuda pachena, uye Leman Copley akanga atyora chibvumirano chake chekutsaura purazi rake guru senzvimbo yenhaka yaVatendi vakanga vachisvika kubva kuColesville, New York, Ezra Thayre akanga arimo mukusawirirana uku. Pamusana paizvozvo, Newel Knight (mutungamiri webazi rekuThompson) nemamwe magosa vakanga vauya kuMuporofita vachibvunza kuti voita sei. Muporofita akabvunza kuna Ishe uye ndokugashira chakazarurwa chino. (Ona chikamu 56, chinove ndichochinoenderera mberi nenyaya yacho.)

1–6, Vatendi vanofanira kuchengeta chibvumirano chevhangeri kuti vawane tsitsi; 7–10, Vanofanira kuve nemwoyo murefu mumatambudziko.

1 Tarisai, vanodaro Ishe, kunyangwe Arfa naOmega, kutanga nokuguma, kunyangwe ivo vakaroverwa pamusana pezvivi zvenyika—

2 Tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, muranda wangu Newel Knight, uchamira wakasimba muchinzvimbo icho chandakakudomera.

3 Uye kana hama dzako dzichida kupunyuka kuvavengi vadzo, regai vatendeuke kuzvitadzo zvose zvavo, uye vave vakazvininipisa zvechokwadi pamberi pangu uye vakazvirereka kwazvo.

4 Uye sezvo chibvumirano chavakaita kwandiri chakatyorwa, kunyangwe saizvozvo chave chakapfudzwa chisisina simba.

5 Uye nhamo kwaari uyo anounza mhosva iyi, nokuti zvaitove nani kwaari dai akanga anyura muhudzame hwegungwa.

6 Asi vakaropafadzwa avo vakachengeta chibvumirano uye vakateerera murairo, nokuti vachawana tsitsi.

7 Nokudaro, endai zvino mutize nyika, potse vavengi venyu vangauye pamuri; uye endai rwendo rwenyu, mudome uyo wamunoda kuti ave mutungamiri wenyu, uye anokukubvisirai mari dzenyu.

8 Uye zvakadaro, muchatora rwendo rwenyu muchienda kumatunhu ekumadokero, kusvika kunyika yeMissouri, kumiganhu yemaRamani.

9 Uye mushure mekunge mapedza rwendo, tarisai, ndinoti kwamuri, tsvagaiwo zvekurarama nazvo sevarume, kudakara ndakugadzirirai nzvimbo.

10 Uye zvakare, ivai nemwoyo murefu mumatambudziko kudakara ndauya; uye, tarisai, ndinouya nokukurumidza, uye mubairo wangu uneni, uye avo vakakasika kunditsvaga vachawana zororo kumweya yavo. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.