Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 3


Chikamu 3

Zvakazarurwa zvakapiwa kuna Joseph Smith Muporofita paHarmony, Pennsylvania, Chikunguru 1828, maererano nokurasika kwemapeji zana negumi nenhanhatu egwaro rakadudzirwa kubva muchikamu chekutanga chemuBhuku raMormoni, icho chainzi bhuku raRihai. Muporofita akanga abvuma achitsutsumwa kuti mapeji aya abve mumaoko ake aende mumaoko aMartin Harris, uyo akange ashanda kwechinguvana semunyori mukududzirwa kweBhuku raMormoni. Zvakazarurwa zvakapiwa kuburikidza neUrimi neTumimi. (History of the Church, 1:21–23.) (Ona chikamu 10.)

1–4, Nzira yaIshe yokusingaperi inogara yakadaro; 5–15, Joseph Smith anofanira kutendeuka kana kuti acharasikirwa nechipo chekududzira; 16–20, Bhuku raMormoni rinouya kuzoponesa mbeu yaRihai.

1 Mabasa uye nehurongwa uye nezvinangwa zvaMwari hazvikwanisike kukanganiswa, kana kuti zvive zvinhu pasina.

2 Nokuti Mwari havafambe munzira dzakakombama, zve havatendeukire kurudyi kana kuruboshwe, zve havabve mune icho chavakataura, nokudaro nzira dzavo dzakatwasanuka, uye nenziro yavo inogara yakadaro nekusingaperi.

3 Yeukai, yeukai kuti harisi basa raMwari rinokanganiswa, asi basa revanhu;

4 Nokuti kana dai zvazvo munhu akave nezvakazarurwa zvakawanda aine simba rekuita mabasa mazhinji anoshamisa, kana ari anozvikudza nesimba rake, uye achishora kuraira kwaMwari, uye achitevera zvaanoda nezvido zvenyama, akafanira kupunzika uye nokuwana kutsividza kwaMwari anoenzanisa paari.

5 Tarisai, wakachengeteswa zvinhu izvi, asi mirairo yako yakanga yakaoma zvakadii; uye rangarira zvakare zvivimbiso zvakaitwa kwauri, kana ukasazvityora.

6 Uye tarisai, kuti kangani kawakatyora mirairo nemitemo ya Mwari, ukafamba uri mukufurirwa nevanhu.

7 Nokuti, tarisai, hauna kufanira kunge wakatya munhu kupfuura Mwari. Kunyangwe zvazvo vanhu vanotora kuraira kwaMwari sekusina maturo, uye nokushora mazwi avo—

8 Asika ungadai wakave wakavimbika; vangadai vakatambanudza ruoko rwavo vakakutsigira mukudzivirira yose miseve inemoto yemuvengi; vangadai vakave vainewe panguva yega yega yedambudziko.

9 Tarisai ndiwe Joseph, uye wakasarudzwa kuita basa raIshe, asi pamusana pekutadza, kana ukasangwarira uchapunzika.

10 Asi rangarira, Mwari vazere nenyasha; nokudaro, tendeuka pane icho chawaita chisingapindirane nemurairo wandakakupa, nokuti iwe uchiri wakasarudzwa, uye iwe urikudaidzwa zvakare kubasa;

11 Kunze kwekunge waita izvi, ucharaswa uye wove sevamwewo vanhu, uye usisina kana chipo.

12 Uye pawakapa icho chawakanga wapihwa naMwari kuona nesimba rekududzira, wakapa icho chinoyera mumaoko emunhu akaipa,

13 Uyo akaita kuraira kwaMwari sekusina maturo, uye akatyora zvivimbiso zvinoyeresesa izvo zvakaitwa pamberi paMwari, uye akavimba nekuziva kwake uye akazvitutumadza neungwaru hwake pachake.

14 Uye ichi ndicho chikonzero chaita kuti urasikirwe nemukana wako kwechinguvana—

15 Nokuti iwe wakabvumira kuraira kwemutungamiri wako kuti kutsokodzerwe kubvira pakutanga.

16 Zvisinei, basa rangu richafambira mberi, nokuti kana sekuuya kwakaita ruzivo rweMuponesi munyika, kuburikidza neuchapupu hwevaJuda, kunyangwe naizvozvo ruzivo rweMuponesi rwuchauya kuvanhu vangu—

17 Uye nekumaNifai, nekumaJakobho, uye nemaJosefa, uye nemaZoramu, kuburikidza neuchapupu hwemadzibaba avo—

18 Uye uchapupu uhwu huchauya muruzivo rwemaRamani, uye nemaRemueri, uye nemaIshumaeri, avo vakadzikira murutendo pamusana pezvitadzo zvemadzibaba avo, avo Ishe akabvumira kuti vaparadze hama dzavo maNifai, pamusana pekutadza kwavo uye nohuipi hwavo.

19 Uye nechikonzero ichochi mahwendefa aya akachengetedzwa, ayo anezvinyorwa izvi—Kuti zvivimbiso zvaIshe zvigozadzikiswa, izvo zvaakaita kuvanhu vake;

20 Uye kuti maRamani vauye kuruzivo rwemadzibaba avo, uye kuti vazive zvivimbiso zvaIshe, uye kuti vatende muvhangeri nokuvimba nezviito zvakanaka zvaJesu Kristu, uye nokubwinya kuburikidza nerutendo muzita rake, uye kuti kuburikidza nekutendeuka kwavo, vangaponeswe. Ameni.