Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 3


Chikamu 3

Zvakazarurwa zvakapiwa kuna Joseph Smith Muporofita paHarmony, Pennsylvania, Chikunguru 1828, maererano nokurasika kwemapeji zana negumi nenhanhatu egwaro rakadudzirwa kubva muchikamu chekutanga chemuBhuku raMormoni, icho chainzi bhuku raRihai. Muporofita akanga abvuma achitsutsumwa kuti mapeji aya abve mumaoko ake aende mumaoko aMartin Harris, uyo akange ashanda kwechinguvana semunyori mukududzirwa kweBhuku raMormoni. Zvakazarurwa zvakapiwa kuburikidza neUrimi neTumimi. (History of the Church, 1:21–23.) (Ona chikamu 10.)

1–4, Nzira yaIshe yokusingaperi inogara yakadaro; 5–15, Joseph Smith anofanira kutendeuka kana kuti acharasikirwa nechipo chekududzira; 16–20, Bhuku raMormoni rinouya kuzoponesa mbeu yaRihai.

1 aMabasa uye nehurongwa uye nezvinangwa zvaMwari hazvikwanisike kukanganiswa, kana kuti zvive zvinhu pasina.

2 Nokuti aMwari havafambe munzira dzakakombama, zve havatendeukire kurudyi kana kuruboshwe, zve havabve mune icho chavakataura, nokudaro nzira dzavo dzakatwasanuka, uye nenziro yavo inogara byakadaro nekusingaperi.

3 Yeukai, yeukai kuti harisi abasa raMwari rinokanganiswa, asi basa revanhu;

4 Nokuti kana dai zvazvo munhu akave nezvakazarurwa zvakawanda aine simba rekuita mabasa mazhinji anoshamisa, kana ari aanozvikudza nesimba rake, uye bachishora kuraira kwaMwari, uye achitevera zvaanoda nezvido czvenyama, akafanira kupunzika uye nokuwana dkutsividza kwaMwari anoenzanisa paari.

5 Tarisai, wakachengeteswa zvinhu izvi, asi mirairo yako yakanga yakaoma zvakadii; uye rangarira zvakare zvivimbiso zvakaitwa kwauri, kana ukasazvityora.

6 Uye tarisai, kuti kangani akawakatyora mirairo nemitemo ya Mwari, ukafamba uri bmukufurirwa nevanhu.

7 Nokuti, tarisai, hauna kufanira kunge awakatya munhu kupfuura Mwari. Kunyangwe zvazvo vanhu vanotora kuraira kwaMwari sekusina maturo, uye bnokushora mazwi avo—

8 Asika ungadai wakave wakavimbika; vangadai vakatambanudza ruoko rwavo vakakutsigira mukudzivirira yose amiseve inemoto byemuvengi; vangadai vakave vainewe panguva yega yega cyedambudziko.

9 Tarisai ndiwe Joseph, uye wakasarudzwa kuita basa raIshe, asi pamusana pekutadza, kana ukasangwarira uchapunzika.

10 Asi rangarira, Mwari vazere nenyasha; nokudaro, tendeuka pane icho chawaita chisingapindirane nemurairo wandakakupa, nokuti iwe uchiri wakasarudzwa, uye iwe urikudaidzwa zvakare kubasa;

11 Kunze kwekunge waita izvi, ucharaswa uye wove sevamwewo vanhu, uye usisina kana chipo.

12 Uye pawakapa icho chawakanga wapihwa naMwari kuona nesimba arekududzira, wakapa icho chinoyera mumaoko bemunhu akaipa,

13 Uyo akaita kuraira kwaMwari sekusina maturo, uye akatyora zvivimbiso zvinoyeresesa izvo zvakaitwa pamberi paMwari, uye akavimba nekuziva kwake uye aakazvitutumadza neungwaru hwake pachake.

14 Uye ichi ndicho chikonzero chaita kuti urasikirwe nemukana wako kwechinguvana—

15 Nokuti iwe wakabvumira kuraira akwemutungamiri wako kuti kutsokodzerwe kubvira pakutanga.

16 Zvisinei, basa rangu richafambira mberi, nokuti kana sekuuya kwakaita ruzivo arweMuponesi munyika, kuburikidza bneuchapupu hwevaJuda, kunyangwe naizvozvo cruzivo rweMuponesi rwuchauya kuvanhu vangu—

17 Uye anekumaNifai, nekumaJakobho, uye nemaJosefa, uye nemaZoramu, kuburikidza neuchapupu hwemadzibaba avo—

18 Uye auchapupu uhwu huchauya muruzivo brwemaRamani, uye nemaRemueri, uye nemaIshumaeri, avo cvakadzikira murutendo pamusana pezvitadzo zvemadzibaba avo, avo Ishe akabvumira kuti dvaparadze hama dzavo maNifai, pamusana pekutadza kwavo uye nohuipi hwavo.

19 Uye anechikonzero ichochi bmahwendefa aya akachengetedzwa, ayo anezvinyorwa izvi—Kuti czvivimbiso zvaIshe zvigozadzikiswa, izvo zvaakaita kuvanhu vake;

20 Uye kuti amaRamani vauye kuruzivo rwemadzibaba avo, uye kuti vazive zvivimbiso zvaIshe, uye kuti bvatende muvhangeri cnokuvimba nezviito zvakanaka zvaJesu Kristu, uye dnokubwinya kuburikidza nerutendo muzita rake, uye kuti kuburikidza nekutendeuka kwavo, vangaponeswe. Ameni.