Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 57


Chikamu 57

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, muZioni, Ruwa rweJackson, Missouri, 20 Chikunguru 1831 (History of the Church, 1:189–190). Vachiita sekutaurwa kwazvakanga zvaitwa naIshe (chikamu 52), magosa vakanga vafamba kubva kuKirtland kuenda kuMissouri vachiona zvinhu zvizhinji zvakasiyana-siyana uye nekupikiswa. Mukufunga nechimiro chemaRamani uye nekushaya rujeko, hunhu uye nekunamata pakati pevanhu vose zvavo, Muporofita akati: “Ko renje richatumbuka riini seruva? Ko Zioni ichavakwa rinhiko mukubwinya kwayo, uye Temberi yenyu ichamira papi, umo ose marudzi achaenda mumazuva ekupedzisira?” (History of the Church, 1:189). Kubva pane izvozvi akagashira chakazarurwa ichi.

1–3, Guta rinonzi Independence, Missouri ndiyo nzvimbo yeguta reZioni netemberi; 4–7, Vatendi vanofanira kutenga nzvimbo kuti vagashire nhaka mudunhu iroro; 8–16, Sidney Gilbert anofanira kumisa chitoro, W. W. Phelps ndiye achave mudhindi, uye Oliver Cowdery ndiye achapesva nhau kuti dzishambadzwe.

1 Teererai, imi magosa echechi yangu, vanodaro Ishe Mwari venyu, imi makazviunganidza pamwechete, maererano nemirairo yangu, munyika muno, iri iyo nyika yeMissouri, inove ndiyo nyika yandadoma uye ndikaipira kuungana kwevatendi.

2 Nokudaro, ino ndiyo nyika yechivimbiso, uye nzvimbo yeguta reZioni.

3 Uye vanodaro Ishe Mwari venyu, kana muri munogashira ungwaru heuno ungwaru. Tarisai, nzvimbo iri kudaidzwa zvino kuti Independence ndiyo nzvimbo iri pakati; uye nzvimbo yetemberi iri nechekumadokero, pahoko isiri kure nemba inotongerwa mhosva.

4 Nokudaro, ungwaru kuti nzvimbo yacho itengwe nevatendi; uyezve nekose kanzvimbo kari kumadokero, kunyangwe kusvika kumutsetse unomhanya pakati pemuJuda nemuJentairi;

5 Uye zvakare nenzvimbo ipi zvayo yakaganurana nemapani, sekubvumirwa kunoitwa vadzidzi vangu kutenga nzvimbo. Tarisai, uhwu ungwaru, kuti vaitore senhaka isingaperi.

6 Uye regai muranda wangu Sidney Gilbert amire mubasa randakamudomesa, kuti atambire mari, kuti ave mumiririri wechechi, kuti kutengwe nzvimbo mumatunhu ose akatenderedza, uye chero zvichiitwa zvinoitwa mukururama, uye sekutungamirwa kuchaitwa neungwaru.

7 Uye regai muranda wangu Edward Partridge amire mubasa randakamudomera, uye agovere vatendi nhaka yavo, kunyangwe sezvandakaraira; uye naizvowo avo vaakadoma kuti vamuyamure.

8 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, regai muranda wangu Sidney Gilbert azvidyare munzvimbo iyi, uye amise chitoro, uye kuti agotengesa zvinhu asingabire, kuti agowana mari yekutengesa nzvimbo dzakanakira vatendi, uye nekuti agone kuwana zvose zvazvo zvinhu zvingadiwe nevadzidzi kuti vazvidyare munhaka yavo.

9 Uyewo regai muranda wangu Sidney Gilbert awane rezinesi—tarisai heuno ungwaru, uye uyo ani zvake anorwuverenga ngaanzwisise—kuti anogona kutumirawo zvinhu kuvanhu, kunyangwe neavo vaachapinza basa sevanyori vanoshanda mukumubatsira;

10 Uye saka ndinopa vatendi vangu, vhangeri rangu kuti riparidzwe kune avo vagere murima uye mudunhu nemumumvuri werufu.

11 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, regai muranda wangu William W. Phelps adyarwe munzvimbo ino, uye agomiswa semudhindi wechechi.

12 Uye onai, kana nyika ikagashira zvinyorwa zvake—tarisai heuno ungwaru—regai awane chiri chose zvacho chaanokwanisa kuwana mukururama, kuitira kupunduka kwevatendi.

13 Uye regai muranda wangu Oliver Cowdery amuyamure, kunyangwe sekuraira kwandakaita, munzvimbo ipi zvayo yandichamudomera, kuti anyore, nokugadziridza, nokusarudza, kuti zvose zvinhu zvive zvakanaka pamberi pangu, sezvazvicharatidzwa neMweya kuburikidza naye.

14 Uye saka regai avo vandataura vadyarwe munyika yeZioni, nokukurumidza kwose kunokwanisika, nemhuri dzavo kuti vaite zvinhu izvozvo kunyangwe sekutaura kwandaita.

15 Uye zvino maererano negungano—Regai bhishopi nemumiririri wake vagadzirire mhuri idzodzo dzakarairwa kuti dziuye kunyika ino, nokukurumidza, uye nokuvadzika munhaka yavo.

16 Uye kune vakasara vose, magosa nenhengo, mimwe mirairo ichapihwa pashure. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.