Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 17


Chikamu 17

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna Oliver Cowdery, David Whitmer, naMartin Harris, paFayette, New York, muna Chikumi 1829, vasati vatarisa mahwendefa akanyorwa aive nezvinyorwa zveBhuku raMormoni (History of the Church, 1:52–57). Joseph nemunyori wake, Oliver Cowdery, vakanga vadzidza kubva mukududzira mahwendefa eBhuku raMormoni kuti vapupuri vatatu vanokosha vachasarudzwa (tarisa Eta 5:2–4; 2 Nifai 11:3; 27:12). Oliver Cowdery, David Whitmer naMartin Harris vakatumwa nechido chekufemerwa kuti vave vapupuri vatatu vanokosha ivavo. Muporofita akabvunza kuna Ishe, uye chakazarurwa ichi chakapihwa semhinduro kuburikidza neUrimi neTumimi.

1–4, Nerutendo Vapupuri Vatatu vachaona mahwendefa nezvimwe zvinhu zvinoyera; 5–9, Kristu anopa uchapupu hwehutsvene hweBhuku raMormoni.

1 Tarisai, ndinoti kwamuri, munofanira kuvimba nezwi rangu, izvo zvekuti mukazviita nechido chizere chemwoyo, mucharatidzwa mahwendefa, uye chidzitiro chepachipfuva, munondo waRabhani, Urimi neTumimi, izvo zvakapihwa kumukoma waJaredhi pagomo, apo paakataura naIshe vakatarisana, uye nezvinongedzero zvaishamisa zvakapihwa kuna Rihai ari murenje, pamiganhu yeGungwa Dzvuku.

2 Uye kuburikidza nerutendo rwenyu muchakwanisa kuzviona, kunyangwe nerutendo irworwo rwaive nevaporofita vekare.

3 Uye mushure mekunge mawana rutendo, uye maaona nemaziso enyu, muchapupura pamusoro pawo, nesimba raMwari;

4 Uye izvi muchazviita kuti muranda wangu Joseph Smith, Mwana, asaparadzwe, kuti ini ndigounza zvinangwa zvangu zvakarurama kuvana vevanhu mubasa rino.

5 Uye imi muchapupura kuti makaaona, semaonerwo aakaitwa nemuranda wangu Joseph Smith, Mwana, nokuti isimba rangu rakaita kuti aaone, uye pamusana pekuti aive nerutendo.

6 Uye akadudzira bhuku, kunyangwe icho chidimu chandakamuraira, uye saIshe venyu uye naMwari venyu ari mupenyu, ichocho ichokwadi.

7 Nokudaro, makagashira simba rimwechetero, uye nerutendo rwumwecheterwo, uye nechipo chimwechetecho sechake.

8 Uye kana mukaita iyi mirairo yekupedzisira yangu, iyo yandakakupai, masuwo egehena haazove nesimba pamuri; nokuti nyasha dzangu dzakakwana kwamuri, uye imi muchasimudzwa muzuva rekupedzisira.

9 Uye ini Jesu Kristu, Ishe venyu naMwari venyu, ndazvitaura kwamuri, kuti ndingounza zvinangwa zvangu zvakarurama kuvana vevanhu. Ameni.