Magwaro Matsvene
Aruma 5


Mazwi ayo Aruma, Mupirisita Wepamusoro maererano negwaro dzvene raMwari, aakatumira kuvanhu vari mumaguta nemumisha munyika yose.

Zvichisanganisa chitsauko 5.

Chitsauko 5

Kuti tiwane ruponeso, vanhu vanofanira kutendeuka nokuchengetedza mirairo, vozvarwa patsva, vashambidze nguwo dzavo muropa raKristu, vazvininipise vazvibvise kuzvikudza noruchiva, nokuita mabasa outsvene—Mufudzi Akanaka anodaidza vanhu vake—Avo vanoita mabasa akaipa vana vadhiabhorosi—Aruma anopupura chokwadi chedzidziso yake nokuraira vanhu kuti vatendeuke—Mazita aVatsvene achanyorwa mubhuku roupenyu. Zvingangove makore 83 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino zvakaitika kuti Aruma akatangisa akuendesa shoko braMwari kuvanhu, kutanga munyika yeZarahemura, uye kubva imomo kuenda kunyika yose zvayo.

2 Uye aya ndiwo mazwi aakataura kuvanhu muchechi rakavambwa muZarahemura, maererano nezvinyorwa zvake, achiti:

3 Ini Aruma, asezvandakagadzwa nababa vangu Aruma, kuti ndive mupirisita bwepamusoro pachechi yaMwari, iye ane simba cnemvumo kubva kunaMwari kuti aite zvinhu izvi, tarisai, ndinoti kwamuri akatangisa kumisa chechi dmunyika yakanga iri kumuganhu neNifai; hongu, iyo nyika yainzi nyika yaMormoni; hongu, akabhabhatidza hama dzake mumvura dzaMormoni.

4 Uye tarisai zvino ndinoti kwamuri, avakabviswa kubva mumaoko avanhu vamambo Noa, netsitsi nesimba raMwari.

5 Uye tarisai, shure kweizvi, vakaiswa amuusungwa namaRamani murenje; hongu, ndinoti kwamuri vakanga vari muusungwa, uye Ishe vakavabvisa bmuusungwa uhwu nesimba reshoko ravo; uye tikaunzwa munyika ino, muno tikatangisawo kuvaka chechi yaMwari munyika ino zvakare.

6 Uye zvino tarisai, ndinoti kwamuri hama dzangu, imi mose muri vechechi yino, munonyatsoyeuka here usungwa hwamadzibaba enyu? Hongu, uye munonyatsoyeuka here tsitsi nemwoyo murefu wake kwavari? Uye zvakare, munonyatsoyeuka zvizere here kuti akabvisa mweya yavo mugehena?

7 Tarisai, akashandura mwoyo yavo; hongu, akavamutsa pakurara kwakadzika, vakamuka kunaMwari. Tarisai, vakanga vari pakati perima; zvisinei, mweya yavo yakanga yakajekeswa nechiedza cheshoko risingaperi; hongu, vakanga vakakomberedzwa anemajoto orufu, bnengetani dzegehena, nokuparadzwa kusingaperi kwakanga kwakavamirira.

8 Uye zvino ndinokubvunzai, hama dzangu, vakazoparadzwa here? Tarisai, ndinoti kwamuri, Kwete, havana.

9 Uye ndinokubvunzai zvakare, mbambo dzorufu dzakadamburwa here, nengetani dzegehena dzakanga dzakavatenderedza, dzakasunungurwa here? Ndinoti kwamuri, Hongu, dzakasunungurwa, uye mweya yavo ikafuta, vakaimba rudo rwokununurwa. Ndinoti kwamuri vakaponeswa.

10 Uye zvino ndinobvunza kwamuri kuti avakasunungurwa sei? Hongu, vanga vane chikonzero chei kuti vatarisire ruponeso? Chikonzero chei chakaita kuti vasunungurwe kubva mumajoto erufu, nengetani dzegehena?

11 Tarisai, ndinokuudzai—baba vangu Aruma havana kutenda mazwi ayo akataurwa kubva mumuromo awaAbhinadhai here? Ko akanga asiri muporofita mutsvene here? Ko akanga asingatauri mazwi aMwari here, baba vangu Aruma vakaatenda?

12 Uye maererano nokutenda kwavo kwakave anokushanduka kukuru mumwoyo wavo. Tarisai ndinoti kwamuri izvi zvose ndezvechokwadi.

13 Uye tarisai, aakaparidza shoko kuna madzibaba enyu, uye rushanduko rwukuru rwakaoneka mumwoyo yavo, vakazvininipisa nokuisa bruvimbo rwavo munaMwari wechokwadi canorarama. Uye tarisai, vakave nokutenda kusvika dkumagumo; saka naizvozvo vakasunungurwa.

14 Uye zvino tarisai, ndinokubvunzai, hama dzangu dzomuchechi, ko amakaberekwa pamweya munaMwari here? Mufananidzo wavo wave kuonekwa mamuri here? Makanzwa bkupinduka kukuru uku here mumwoyo yenyu?

15 Ko munoshandisa rutendo here murununuro rwake iye aakakusikai? Munotarisira mberi here neziso rorutendo, muchiona muviri unofa uchimutswa mukusafa, nokuipa uku bkuchimutswa mukusaipa, muchimira pamberi paMwari kuti cmutongwe maererano namabasa akaitwa mumuviri unofa?

16 Ndinoti kwamuri, mungazvifunge here pachenyu kuti muri kunzwa izwi raIshe, richiti kwamuri muzuva iroro: Uyai kwandiri imi amakaropafadzwa, nokuti tarisai, mabasa enyu anga ari mabasa eutsvene pamusoro penyika?

17 Kana kuti mungafunge pachenyu kuti munganyepe kunaIshe pazuva iroro, amuchiti—Ishe, mabasa edu anga ari mabasa matsvene pamusoro penyika—uye kuti iye agokuponesai?

18 Kana kuti nedzimwe nguva, mungafunge here maunzwa pamberi pedare raMwari mweya yenyu yakazadzwa nemhosva nokusuwa, muchiyeuka mhosva dzenyu dzose, hongu, akurangarira chaiko kuipa kwenyu, hongu, rangariro yekuti makakanganisa mitemo yaMwari?

19 Ndinoti kwamuri, mungatarise kunaMwari here pazuva iroro nomwoyo mutsvene namaoko akachena? Ndinoti kwamuri mungatarisa here, muine amufananidzo waMwari wakanyorwa pazviso zvenyu?

20 Ndinoti kwamuri, mungafunge here kuti mungaponeswa kana imi makazvipira kuve avanhu vadhiabhorosi?

21 Ndinoti kwamuri, munozoziva nezuva iroro kuti ahamuzoponeswa; nokuti hapana munhu angaponeswe kunze kwokunge bnguo dzake dzagezwa dzikachena; nguwo dzake dzinofanirwa ckudzumburudzwa kusvikira dzacheneswa kubva kavara ketsvina kose, kuburikidza neropa reuyo akataurwa namadzibaba edu, anofanira kuuya kuti adzikinure vanhu vake muzvivi zvavo.

22 Uye zvino ndinokukumbirai, hama dzangu, kuti mumwe wenyu anganzwe sei, kana muchinge mamira pamberi pechigaro chekutonga chaMwari, mune nguwo dzina mavara aeropa nedzimwe dzose btsvina? Tarisai, zvinhu izvi zvichapupura chii pamusoro penyu?

23 Tarisai ahazvizopupura here kuti muri mhondi, hongu, uye kuti mune mhosva yekuipa kwose?

24 Tarisai hama dzangu, munofunga here kuti munhu akadaro angawana nzvimbo yokugara muumambo hwaMwari, anaAbrahama, naIsaka, uye naJakobo, uye zvakare navose vaporofita vatsvene, vane nguo dzakacheneswa dzisina kavara, dzakachena noutsvene?

25 Ndinoti kwamuri, Kwete; kunze kwokunge mati Musiki wedu munyepi kubvira pakutanga, kana kufungira kuti munyepi kubva pakutanga, hamungafunge kuti akadaro angawana nzvimbo muumambo hwokudenga; asi vacharaswa kunze nokuti avana veumambo hwadhiabhorosi.

26 Uye zvino tarisai ndinoti kwamuri, hama dzangu, kana muchinge manzwa akushanduka kwemwoyo, uye kana muchinzwa kuda kuimba brumbo rwerudo rwunonunura, ndinobvunza, murikunzwa kudaro iye zvino chere?

27 Makafamba here, musina amhaka pamberi paMwari? Mungati here, dai makadaidzwa kuti mufe nguva ino, mukati menyu, tanga btakazvininipisa zvakakwana? Kuti nguo dzenyu dzashambidzwa dzikaitwa chena neropa raKristu, uyo achauya ckuzonunura vanhu kubva pazvivi zvavo here?

28 Tarisai makabviswa akuzvikudza here? Ndinoti kwamuri, kana musina hamuna kuzvigadzirira kuti musangane naMwari. Tarisai munofanira kugadzirira nokukurumidza; nokuti umambo hwokudenga zvino hwava pedyo, nokuti asina kudaro haawane upenyu hwokusingaperi.

29 Tarisai, ndinoti pane mumwe wenyu here asina kubvisa aruchiva? Ndinoti kwamuri munhu iyeye haana kugadzirira; ndinoti agadzirire nokukurumidza, nokuti nguva yave pedyo, zve iye haazive kuti nguva ichasvika rinhi; nokuti wakadaro iyeyo haazoonekwa asina mhosva.

30 Uye zvakare ndinoti kwamuri, pane mumwe pakati penyu here aanotuka hama yake, kana kuti anounganidza kunyomba kwose paari?

31 Nhamo kune akadaro, nokuti haana kugadzirira, uye nguva yava pedyo kuti atendeuke kana kuti haazoponeswa!

32 Hongu, kunyange nhamo kune avo vose avashandi vemabasa etsvina; tendeukai, tendeukai nokuti Ishe Mwari vazvitaura!

33 Tarisai, anokoka munhu awose, nokuti bmaoko ane tsitsi anotambanudzirwa kwavari, achiti: Tendeukai, uye ndinokugamuchirai.

34 Hongu, akati: aUyai kwandiri muchadya bmuchero womuti woupenyu; hongu, muchadya nokunwa cchingwa nemvura youpenyu dmakasununguka;

35 Hongu, uyai kwandiri uye muunze mabasa eutsvene, hamuzotemwa muchikandwa mumoto—

36 Nokuti tarisai, nguva yava pedyo yokuti uyo aanounza michero isina kunaka, kana uyo asingaite mabasa akarurama, iyeye ane chikonzero chokurwadziwa nokuchema.

37 Imi mose munoita mabasa akaipa; imi mose makazadzwa zvinhu azvisina basa zvenyika ino, imi maiti munoziva nzira dzeutsvene asi imi maenda brutivi csamakwai asina mufudzi, zvisinei nekuti mufudzi dakakudanai uye nazvino ari kukudanai, asi ehamungateereri kuzwi rake!

38 Tarisai, ndinoti kwamuri, amufudzi akanaka anokudanai; hongu, uye muzita rake iye anokudanai, rinova zita raKristu; uye kana bmusingateereri kuzwi romufudzi cakanaka, dkuzita ramunenge muchidaidzwa naro, tarisai, munenge musiri hwai dzomufudzi akanaka.

39 Uye zvino kana musiri hwai dzomufudzi akanaka, ko zvino muri avedanga ripi? Tarisai, ndinoti kwamuri, bdhiabhorosi ndiye mufudzi wenyu, muri vedanga rake; zvino ndiani angaramba izvi? Tarisai, ndinoti kwamuri, uyo anoramba izvi cmurevi wenhema zvakare dmwana wadhiabhorosi.

40 Nokuti ndinoti kwamuri zvose azvakanaka zvinobva kuna Mwari, zvose zvakaipa zvinobva kuna dhiabhorosi.

41 Naizvozvo, kana munhu akaunza mabasa aakanaka anoteerera mazwi omufudzi wakanaka, uye anomutevera; asi uyo anounza mabasa akaipa, iyeye achava bmwana wadhiabhorosi, nokuti anoteerera izwi rake, nokumutevera.

42 Uye uyo wose anoita izvi anofanirwa kugamuchira amubairo wake; naizvozvo, bsemubairo wake anogamuchira crufu, kuzvinhu zviri maererano noutsvene, akafa kumabasa ose akanaka.

43 Uye zvino hama dzangu, ndinoda kuti mundinzwe, nokuti ndinotaura nesimba romweya wangu; nokuti tarisai, ndataura kwamuri zviri pachena kuti musakanganise, kana kuti ndataura maererano nemirairo yaMwari.

44 Nokuti ndanzi nditaure nenzira yakadai, maererano nehurongwa ahutsvene hwaMwari, uhwo huri munaKristu Jesu; hongu, ndinorairwa kuti ndimire nokupupura kuvanhu ava zvinhu zvakataurwa namadzibaba edu maererano nezvinhu zvichauya.

45 Uye izvi hazvisi izvo zvose. Hamufunge here kuti ini andinoziva zvinhu izvi? Tarisai, ndinopupura kwamuri kuti ndinoziva kuti zvinhu izvi zvandataura ndezve chokwadi. Ko munofunga kuti ndinoziva sei kuti ndezve chokwadi?

46 Tarisai, ndinoti kwamuri, azvakaziviswa kwandiri noMweya Mutsvene waMwari. Tarisai, bndakatsanya nokunamata kwamazuva akawanda kuti ndizvizive zvinhu izvi. Uye zvino ndava kuziva pachangu kuti ndezve chokwadi; nokuti Ishe Mwari vazviratidza kwandiri noMweya Mutsvene; uyu ndiwo mweya cwezviratidzo uri mandiri.

47 Uyezve, ndinoti kwamuri izvi zvakaratidzwa kwandiri, kuti mazwi akataurwa namadzibaba edu ndeechokwadi, uye maererano nomweya wokuporofita uri mandiri, uyo unova unoratidza Mweya waMwari.

48 Ndinoti kwamuri, ndinoziva pachangu kuti zvose zvandichataura kwamuri, pamusana peizvo zvichauya, ndezve chokwadi; zve ndinoti kwamuri, ndinoziva kuti Jesu Kristu achauya, hongu, Mwanakomana, Uyo Mumwechete Akaberekwa waBaba, azere nenyasha, netsitsi, nechokwadi; Uye tarisai, ndiye achauya kuzobvisa zvitadzo zvenyika, hongu, zvivi zvomunhu wose achatenda nomwoyo wose muzita rake.

49 Uye zvino ndinoti kwamuri iyi ndiyo anzira yandakadaidzwa nayo, hongu, kuti ndiparidze kuhama dzangu dzandinodisisa, hongu, nekuna vose vagere munyika; hongu, kuti ndiparidze kune vose, vakuru navaduku, vakasungwa navakasununguka; hongu, ndinoti kwamuri imi makwegura, navachiri pakati napakati, nezera riri kukura; hongu, kuti ndivachemere kuti vatendeuke bvazvarwe patsva.

50 Hongu, uku ndiko kutaura kwoMweya: Tendeukai, imi mativi ose enyika, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo; hongu, Mwanakomana waMwari anouya amukubwinya kwake, musimba rake, umambo, simba, nokutonga kwose. Hongu, hama dzangu dzinodiwa, ndinoti kwamuri, Mweya unoti: Tarisai kubwinya bkwamambo wepasi rose; uye naMambo wokudenga achapenya munguva iri kuuya pakati pavana vose vavanhu.

51 Uye mweya wati kwandiri, hongu, wachema kwandiri nezwi rine simba uchiti: Enda unoti kuvanhu ava—Tendeukai, nokuti kunze kwekunge matendeuka hamungazombogashiri umambo ahwokudenga.

52 Uye zvakare ndinoti kwamuri, Mweya unoti: Tarisai, ademo rinoradzikwa pamudzi womuti; naizvozvo muti wose usingaunze muchero wakanaka buchatemwa ugokandwa mumoto, hongu, moto usingadzimuki, kana moto usingadzimuriki nariini. Tarisai, muyeuke, Mutsvene azvitaura izvi.

53 Uye zvino hama vadikani, ndinoti kwamuri, munganzwisisa here zvinhu izvi; hongu, mungaisa parutivi here zvinhu izvi zvose, anokutsikirira uyo Mutsvene pasi petsoka dzenyu; hongu, mungave munozadzwa here mumwoyo menyu bnokuzvikudza; hongu, mungarambe muchida here kuti muzvishongedze nezvinhu czvinodhura muchiisa mwoyo yenyu muzvinhu zvenyika, zvisina maturo, dmuupfumi hwenyu?

54 Hongu, mungarambe muchizviita here vanhu vari nani kuna vamwe venyu; hongu, mungarambe here muchishora hama dzenyu, idzo dzinozvininipisa nokufamba munzira yakarurama yaMwari, yavakaunzwa nayo kuchechi ino, savanhu vakaitwa kuti vave avatsvene noMweya Mutsvene, uye vanounza mabasa anoratidza kutendeuka—

55 Hongu, mungaramba muchifuratira avarombo, navanoshaya, muchivanyima zvamuinazvo here?

56 Uye mukupedzisa, imi mose mucharamba muchiita zvakaipa, ndinoti kwamuri ava ndivo vachatemwa nokukandwa mumoto kunze kwokunge vatendeuka nokukurumidza.

57 Uye zvino ndinoti kwamuri, avo vose vanoda kutevera izwi aromufudzi akanaka, ibvai mune vakaipa, bmupararane navo, nokusabata zvinhu zvavo zvine tsvina; uye tarisai, mazita avo cachadzimwa, nokuti mazita avanhu vakaipa haazoverengwa pamwe navatsvene; kuti shoko raMwari rizadzikiswe, iro rinoti: Mazita avanhu vakaipa haazosanganiswa namazita avanhu vangu;

58 Nokuti mazita avatsvene achanyorwa amubhuku roupenyu, zve kwavari ndichapa nhaka yokuti vagare kurudyi rwangu. Uye zvino hama dzangu, ndezvipi zvamuinazvo zvamungataure muchipikisa izvi? Ndinoti kwamuri, mukataura muchipikisa izvi, hapana zvazvinoita, nokuti shoko raMwari rinofanira kuzadzikiswa.

59 Nokuti mufudzi akaita sei pakati penyu anoti aine makwai akawanda haatarise, kuti mapere asapinda nokuparadza danga rake? Uye tarisai, kana bere rapinda mudanga rake haaritandire kunze here? Hongu, pakupedzisira, akakwanisa, anoriparadza.

60 Uye zvino ndinoti kwamuri mufudzi akanaka ari kukudaidzai; uye mukateerera izwi rake anokuisai mudanga rake, muri makwai ake; anokurairai kuti musabvumire zvikara kupinda pakati penyu, kuti musaparadzwe.

61 Uye zvino ini Aruma, ndinokurairai mururimi arwouya akandiraira, kuti muve munochengetedza mazwi andakakutaurirai.

62 Ndinotaura nezwi rokuraira kwamuri muri muchechi; kune avo vasiri vechechi ndinotaura nezwi rokukoka, ndichiti: Uyai mubhabhatidzwe nokutendeuka, kuti nemiwo muve vadyi vomuchero awomuti woupenyu.