Chikamu 108
Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, 26Â Zvita (History of the Church, 2:345). Chikamu ichi chakagashirwa chakumbirwa naLyman Sherman, uyo akange akagadzwa semupirisita wepamusoro uye semumwe wevane makumi manomwe, uye uyo akanga auya kuMuporofita nechichemo chekuzarurirwa kuti aziviswe basa rake.
1–3, Lyman Sherman anoregererwa zvitadzo zvake; 4–5, Anoverengerwa pamagosa anotungamira eChechi; 6–8, Anodaidzwa kuti aparidze vhangeri uye nokusimbisa vamwe vake.
1 Zvirokwazvo vanodaro Ishe kwauri, muranda wangu Lyman: Zvitadzo zvako wazviregererwa, nokuti wateerera izwi rangu mukuuya kwako kuno mangwanani ano kuti uzogashira kurairwa neuyo wandakasarudza.
2 Nokudaro, mweya wako ngauzorore pamusoro pepauchamira munezvemweya, uye usarwise zvakare izwi rangu.
3 Uye simuka uchenjere kubvira zvino mukucherechedza zvitsidzo zvako, izvo zvawakaita nezvauri kuita, uye uchazoropafadzwa nemaropafadzo mazhinji makuru.
4 Mira nemwoyo murefu gungano rinoera radaidzirwa nevaranda vangu, zvino ucharangarirwa pamwechete neekutanga magosa angu, uye ugogashira mvumo nekugadzwa nevamwe vose vemagosa angu avo vandakasarudza.
5 Tarisai, ichi chivimbiso chaBaba kwauri kana ukaramba uchitendeka.
6 Uye chichazadzikiswa pauri muzuva iroro rauchave nemvumo yekuparidza vhangeri rangu uko kwose kwandichakutuma kubvira panguva iyoyo.
7 Naizvozvo, simbisa hama dzako mukukurukura kwako kwose, muminamato yako yose, mukukuridzira kwako kwose, nomukuita kwako kwose.
8 Uye tarisai uye uone, ndinewe kuti ndikuropafadze nokukununura zvachose. Ameni.