Magwaro Matsvene
Aruma 34


Chitsauko 34

Amureki anopupura kuti shoko riri muna Kristu mukuponeswa—Kunze kwokunge rudzikinuro rwaitwa vanhu vose vanofa—Mitemo yose yaMosesi inonongedzera kukuzvipira kwoMwanakomana waMwari—Hurongwa hwerununuro rwokusingaperi huri mukutenda nokutendeuka—Namatirai maropafadzo enyama nomweya kuti muwane makomborero—Upenyu huno inguva yokuti munhu agadzirire kusangana naMwari—Shandirai ruponeso rwenyu nokutya pamberi paMwari. Zvingangove makore 74 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti shure kwokunge Aruma ataura mazwi aya kwavari akagara pasi, uye Amureki akasimuka akatangisa kuvadzidzisa, achiti:

2 Hama dzangu, ndinofunga kuti hazvizi nyore kuti muve vanhu vasingazive zvinhu zvakataurwa pamusana pokuuya kwaKristu, anodzidziswa nesu kuti Mwanakomana waMwari; hongu, ndinoziva kuti zvinhu izvi zvakadzidziswa kwamuri kazhinji musati mabva matiri.

3 Uye sezvo makumbira hama yangu inodiwa kuti akuzivisei kuti mungaite sei, pamusoro pematambudziko enyu; uye ataura kwamuri kuti mugadzirire pfungwa dzenyu; hongu, uye akukurudzirai kuti mutende nokupfava—

4 Hongu, kana kuti muve nokutenda kukuru kuti mudyare shoko mumwoyo yenyu, kuti muedze kunaka kwaro.

5 Uye tiri kuona kuti mubvunzo mukuru uri mupfungwa dzenyu ndewekuti shoko ringave muMwanakomana waMwari here, kana kuti hapachazove naKristu.

6 Uye zvakare maona kuti mumwe wangu akuratidzai, panguva dzakawanda, kuti shoko riri muna Kristu pakuponeswa.

7 Mukoma wangu akataura mazwi aZenosi, kuti rununuro rwunouya kuburikidza noMwanakomana waMwari, uyezve napamazwi aZenoki, uyezve akataura kuna Mosesi kuti aratidze kuti zvinhu izvi ndezvechokwadi.

8 Uye zvino, tarisai, ndinopupura kwamuri pachangu kuti zvinhu izvi ndezvechokwadi. Tarisai, ndinoti kwamuri, ndinoziva kuti Kristu achauya pakati pavana vavanhu, kuti atakure zvitadzo zvavanhu vake, uye nokuti ave anoripira zvivi zvenyika, nokuti Mwari Ishe vakazvitaura.

9 Nokuti zvinofanira kuti rudzikinuro rwunofanira kuitwa; nokuti nenzira yehurongwa hukuru hwaMwari Wokusingaperi kunotofanirwa kuva nokudzikinurwa, kana kuti marudzi ose haaizodzivirirwa mukufa; hongu, vose vakaoma; hongu, vose vakapunzika nokurasika, uye munofanira kufa kunze kwokunge kudzikinurwa kwavapo uko kunofanira kuitwa.

10 Nokuti zvinofanira kuti kupirwe mupiro mukuru wekupedzisira, hongu, kwete mupiro wemunhu, kana wemhuka, kana weshiri ipi zvayo, nokuti hauzova mupiro wemunhu, asi kuti uve mupiro usingaverengeke uye wokusingaperi.

11 Zvino hakuna munhu angapire ropa rake kuti riripire zvivi zvomumwe. Zvino, kana munhu achinge aponda, tarisai mutemo wedu, wakarurama, unoti mukoma wake ngaauraiwe here? Ndinoti kwamuri, Kwete.

12 Asi mutemo unoda upenyu hwaiye anenge auraya; naizvozvo hakuna chimwe chinhu chisiri rudzikinuro rwusingaverengeke chinokwanisa kuripira zvivi zvenyika.

13 Naizvozvo, kunofanirwa kunge kune kupira kukuru kwekupedzisira, zvino kwozove, kana kuti kunofanirwa kunge kune, kumiswa kwekudeuka kweropa; zvino mutemo waMosesi unozozadzikiswa, hongu, uchazadzikiswa wose, kose kamhunzi nekose katsanga uye hapana chinenge chapfuura.

14 Uye tarisai, izvi ndizvo zvinoreva mutemo, chinhu chose chinonongedzera kumupiro mukuru wekupedzisira, uye mupiro mukuru uyu wekupedzisira anenge ari Mwanakomana waMwari, hongu, anogara nokusingaperi.

15 Uye nokudaro achazounza ruponeso kune avo vose vachatenda muzita rake; ichi chiri chinangwa chemupiro wekupedzisira uyu, kuti aunze tsitsi dziri muura, idzo dzinokunda kuenzanisa, uye nokuunza nzira kuvanhu kuti vave nokutenda mukutendeuka.

16 Uye zvadaro tsitsi dzingagutse kuda kwose kwokuenzanisa, nokuvafungata nemaoko anochengetedza, kune uyo asingaratidze kutenda mukutendeuka anoiswa kumutemo wose wezvinodikanwa nekuenzanisa; naizvozvo iyeyo chete anotenda mukutendeuka ndiye anopiwa hurongwa hukuru hwerununuro rwokusingaperi.

17 Naizvozvo Mwari ngavakubvumirei, hama dzangu, kuti mutange kuratidza kutenda kwenyu mukutendeuka, kuti mutangise kudaidza zita ravo dzvene, kuti vakunzwirei tsitsi;

18 Hongu, chemerai tsitsi kwavari; nokuti mukuru pakuponesa.

19 Hongu, zvininipisei, murambe muchinyengetera kwaari.

20 Chemai kwavari kana muri muminda yenyu, hongu, nepamusoro pezvipfuyo zvenyu.

21 Chemai kwavari mudzimba dzenyu, hongu, pamusoro pezvemudzimba dzenyu zvose, mangwanani, masikati, namauro.

22 Hongu, chemai kwavari kuti mukunde masimba emhandu dzenyu.

23 Hongu, chemai kwavari pamusana padhiabhorosi, anova mhandu yokururama kwose.

24 Chemai kwavari pamusana pezvirimwa zveminda yenyu, kuti mugobudirira mazviri.

25 Chemerai zvipfuyo zvemumakura enyu, kuti zviwande.

26 Asi izvi hazvizi zvose; munofanira kudurura mweya yenyu twumba twenyu twomukati, nenzvimbo dzenyu dzakavanzika, nomumarenje enyu.

27 Hongu, kana musingacheme kuna Ishe, itai kuti mwoyo yenyu izare, muri mumunamato kwavari nguva dzose pamusoro pemagariro akanaka enyu, namagariro akanaka avavo vakakutenderedzai.

28 Uye zvino tarisai hama dzangu dzinodiwa, ndinoti kwamuri, musafunge kuti izvi ndizvo zvose; nokuti shure kwokunge maita zvinhu izvi zvose, kana mukatandanisa vanoshaya, nevasina zvokupfeka, musingashanyire vanorwara navanotambudzika, musingapewo kana munazvo, kune avo vasina—ndinoti kwamuri, kana musingaite chimwe chezvinhu izvi, tarisai, minamato yenyu hairevi chinhu, haikupii chinhu, uye muri vanyengedzi avo vanoramba kutenda.

29 Naizvozvo, kana musingarangarire kuvanetsitsi, makaita semarara anorasirwa kunze, (chinova chinhu chisingakoshi) uye anotsikwa pasi petsoka dzavanhu.

30 Uye zvino hama dzangu, ndingade kuti, shure kwokunge mawana vapupuri vakawanda kudai, muchiona kuti magwaro matsvene anopupura pamusana pezvinhu izvi, uyai muunze muchero wokutendeuka.

31 Hongu, ndingade kuti muuye musaomesa mwoyo yenyu zvakare; nokuti tarisai, iye zvino inguva nezuva rokuponeswa kwenyu; naizvozvo mukatendeuka nokusaomesa mwoyo yenyu, izvozvi zano guru rorununuro rinobva ratoiswa pamuri.

32 Nokuti tarisai, upenyu huno ndiyo nguva yokuti vanhu vagadzirire kusangana naMwari, hongu, tarisai zuva reupenyu huno izuva rokuti munhu ave anoita mabasa ake.

33 Uye zvino sezvo ndambotaura kwamuri kare, sezvo makanzwa uchapupu hwakawanda, naizvozvo, ndinokukumbirai kuti musaverengere zuva renyu rokutendeuka kusvikira kumagumo; nokuti shure kwezuva rino roupenyu, iro rakapiwa kwatiri kuti tigadzirire upenyu husingaperi, tarisai, kana tisingashandise nguva yedu zvakanaka tichiri paupenyu huno, kunozouya usiku hutema apo kunenge kusisina basa rinoitwa.

34 Hamuzokwanisa kuti, apo muchaunzwa panguva inotyisa iyoyo, kuti ndichatendeuka, kuti ndichadzokera kuna Mwari vangu. Kwete, hamuzogona kudaro; nokuti mweya mumwechete iwoyo uri mumiviri yenyu panguva yamuchabva muupenyu huno, mweya iwoyo unenge uine simba rokugara mumiviri yenyu munyika yokusingaperi.

35 Nokuti tarisai, kana mukaverengera zuva renyu rokutendeuka kusvikira mafa, tarisai, mava pasi pemweya wadhiabhorosi, anokubatanidzai kuva vake; naizvozvo, Mweya waIshe unobva mamuri, uye hauna nzvimbo mamuri, dhiabhorosi ane simba rose pamuri; uye izvi ndizvo zvinenge zvaita vakaipa mukupedzisira.

36 Uye izvi ndinozviziva, nokuti Ishe vakati havagare mutemberi dzisiri tsvene, asi mumwoyo yavakarurama ndimo mavanogara; hongu, uyewo zvakare vakati vakarurama vachagara navo muumambo hwavo, havazoenda kunze zvakare; asi nguwo dzavo dzinofanirwa kuitwa chena kuburikidza neropa reGwayana.

37 Uye zvino hama dzangu dzinodiwa, ndinoda kuti murangarire zvinhu izvi, nokutiwo muve munoshandira ruponeso rwenyu muchitya Mwari; uye nokuti muchirega kuramba zvekuuya kwaKristu;

38 Kuti musanyunyute pamusoro peMweya Mutsvene, asi kuti muugamuchire, mutakure zita raKristu; kuti muzvininipise kusvikira muguruva, uye muchinamata Mwari, panzvimbo iri yose yamunenge muri, mumweya nomuchokwadi; muchigara mukutenda mazuva ose, pamusoro petsitsi zhinji nemakomborero avanokupai.

39 Hongu, uyezve ndinokukuridzirai, hama dzangu, kuti mugare makarindira mukunamata nguva dzose, kuti murege kutungamirirwa nemiedzo yadhiabhorosi, kuti asakukurirei, kuti musava vanhu vake nezuva rokupedzisira; nokuti tarisai, hapana chinhu chakanaka chaanokupai.

40 Uye zvino hama dzangu dzinodiwa, ndinokurudzirai kuti muve makatirira, kuti mutakure kurwadza kwose zvako; kuti musamukire avo vanokutandirai kunze pamusana pokushaya kwenyu kukuru; nokuti mungazova vatadzi saivo.

41 Asi kuti muve makapfava, nokushivirira nhamo dzenyu, mune tariro yakasimba yokuti nerimwe zuva muchazorora kubva mumatambudziko enyu.