Magwaro Matsvene
2 Nifai 2


Chitsauko 2

Rununuro rwunouya nomuna Mesia Mutsvene—Kusununguka pakuzvisarudzira (kuzvifungira) kunofanirwa kunge kuripo kuti tirarame uye tibudirire—Kutadza kwaAdama kwaive kwekuti vanhu vavepo—Vanhu vanokwanisa kusarudza rusununguko noupenyu hwokusingaperi. Zvingangove makore 588 kusvika ku570 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino Jakobho, ndinotaura kwauri: Iwe uri adangwe rangu romumazuva okutambudzika kwangu murenje. Zvino tarisai, mukukura kwako wakatambudzika nokusuwa zvikuru, nokuda kwokuipa kwavakoma vako.

2 Zvisinei hazvo Jakobho, chizvarwa changu chokutanga murenje, unoziva ukuru hwaMwari; achakutsaurira matambudziko ako ugowana nokuda kwawo.

3 Naizvozvo, mweya wako uchakomborerwa, uye uchagara zvakanaka nomukoma wako, Nifai; mazuva ako achaperera mukushandira Mwari vako. Nokudaro, ndinoziva kuti wakaponeswa, nokuda kwoutsvene hweMununuri wako; nokuti waona kuti mukukwana kwenguva anouya kuzopa ruponeso kuvanhu.

4 Uye awakaona kubwinya kwake paujaya hwako; naizvozvo, wakakomborerwa seavo vaachaparidzira vachimuona panyama; nokuti Mweya mumwechete, nezuro, nhasi nokusingaperi. Uye nzira yakagadzirirwa kubvira pakupunzika kwomunhu, uye ruponeso bnderwepachena.

5 Uye vanhu vanorairwa zvakakwana kuti avazive zvakanaka kubva pane zvakaipa. Uye mutemo unopiwa kuvanhu. Uye nomutemo hapana nyama isina bchitema; kana kuti, nomutemo vanhu cvakaraswa. Hongu, maererano nemutemo wenyika vakaraswa; uyezve, nemutemo wemweya vanofa neizvo zvakanaka, vove vanosuwa nokusingapere.

6 Naizvozvo, arununuro rwunouya nomuna bMesia Mutsvene; nokuti azere cnenyasha nechokwadi.

7 Tarisai akazvipira asechibairo chezvivi, kuti azadzikise zvido zvemutemo, kuna avo vose vane mwoyo yakapfava nomweya wokuzvininipisa; hakuna mumwezve angagutse bmhinduro dzemutemo.

8 Naizvozvo, zvinokosha sei kuita kuti zvinhu izvi zvose zvizivikanwe kuvanhu vose venyika, kuti vazive kuti hakuna nyama ingagare pamberi paMwari, akunze kwekunge iine kodzero, netsitsi, nenyasha dzaMesia Mutsvene, uyo akapa upenyu hwake hwenyama, achihutora zvakare nesimba roMweya, kuti aunze bkumutswa kwevakafa, achiva iye wokutanga kumuka.

9 Naizvozvo, anova michero yokutanga kuna Mwari, aachabatsira vanhu vose; avo vose vanotenda maari vachaponeswa.

10 Uye nokuda kworubatsiro arwavose, rwevanhu vose rwaakapa, vanhu vose vanouya kuna Mwari; naizvozvo, vanomira pamberi pake, kuti bvatongwe naye maererano nechokwadi cnoutsvene huri maari. Naizvozvo, zvinodiwa nemutemo wakapiwa noUyo Mutsvene, kuri kuranga kwakatogadzirirwa, iko kurangwa kwakagadzirirwa kwakasiyana norufaro rwunobva mukuteerera, kugutsa zvinodiwa dzverudzikinuro

11 Nokuti zvinofanira, kuti pave anokupikisana muzvinhu zvose. Kana zvisina kudaro, dangwe rangu rokutanga murenje, utsvene hawaizokwanisa kuunzwa, kana kuipa, kana utsvene kana kusuwa, kana zvakanaka kana zvakaipa. Naizvozvo, zvinhu zvose zvinofanirwa kusangana kuve chinhu chimwechete; naizvozvo kana uri muviri mumwechete unofanirwa kuramba wakafa, usina upenyu kana rufu, kana kunyangadzwa kana kusanyangadzwa, rufaro kana kusuwa, kana kunzwa nekusanzwa.

12 Naizvozvo, chingadai chakasikirwa pasina; naizvozvo pangadai pakanga pasina achinangwa mukusikwa kwacho. Naizvozvo, chinhu ichi chinofanirwa kuparadza uchenjeri hwaMwari nezvinangwa zvavo zvokusingaperi, uye zvakare nesimba, netsitsi, bnokutonga kwakanaka kwaMwari.

13 Uye kana uchiti ahakuna mutemo, uchatiwo hakuna zvivi. Kana uchiti hakuna chivi uchatiwo hakuna utsvene. Uye kana kusina utsvene hakuna rufaro. Kana kusina utsvene kana rufaro saka kunenge kusina kurangwa kana kusuwa. Uye kana zvinhu zvose izvi kusina bhakuna Mwari. Kana kusina Mwari isu hatipo, kana nyika; nokuti kungadai kusina kusikwa kwezvinhu, zvekuita kana zvekuitirwa; naizvozvo, zvinhu zvose zvingadai zvakatsakatika.

14 Uye zvino, vanakomana vangu, ndinotaura zvinhu izvi kuti mudzidze zvizokuyamurai; nokuti Mwari variko, uye avakasika zvinhu zvose, zvose denga nenyika, nezvinhu zvose zviri mazviri, zvose zvinoita bnezvinoitirwa.

15 Uye kuti vaunze azvinangwa zvavo zvokusingaperi munguva yekupera kweupenyu hwevanhu, shure kwokunge vasika vabereki vedu vokutanga, nemhuka dzesango neshiri dzedenga, uye mukunaka zvinhu zvose zvakasikwa, paifanirwa kuti kuve nechaipikisa; kunyangwe bmuchero cwairambidzwa uchipikisana dnomuti woupenyu; mumwe wainaka mumwe uchivava.

16 Naizvozvo, Ishe Mwari vakapa kumunhu kuti aazviitire zvinhu zvake ega. Naizvozvo, munhu akanga asingakwanise kuzviitira zvinhu zvake ega asina bkunyengerwa nechimwe chezviviri izvi.

17 Uye ini Rihai, maererano nezvinhu zvandakaverenga, ndinofanirwa kufunga kuti angirozi yaMwari, maererano neizvo zvakanyorwa, byakadonha kubva kudenga; naizvozvo, akava cdhiabhorosi, akanga atsvaga zvakaipa pamberi paMwari.

18 Uye nokuti akanga adonha kubva kudenga, akava anosuwa nokusingaperi, aakatsvaga kusuwisa marudzi ose. Naizvozvo, akati kuna bEva, hongu, kana iyo nyoka, inova dhiabhorosi, anova baba cwenhema dzose, naizvozvo akati: Idya muchero unorambidzwa; hauzofi, asi uchava saMwari, duchiziva zvakanaka nezvakaipa.

19 Uye shure kwokunge Adama naEva avatora muchero wairambidzwa vakatandwa mubindu breEdeni, kuti varime ivhu.

20 Uye vakabereka vana; hongu, iyo amhuri yenyika yose.

21 Uye mazuva evana avevanhu akawedzerwa, maererano nokuda kwaMwari, kuti bvatendeuke vachiri munyama; naizvozvo, nguva yavo yakave nguva cyokuedzwa, nguva yavo ikawedzerwa, maererano nemirairo iyo Ishe Mwari yavakapa kuvana vevanhu. Nokuti vakapa mirairo yekuti vanhu vose vanofanirwa kutendeuka; nokuti vakaratidza vanhu vose kuti dvakarasika, nokuda kwechitadzo chavabereki vavo.

22 Uye zvino, tarisai, dai Adama asina kutadza angadai asina kupunzika, asi angadai akaramba ari mubindu reEdeni. Uye zvinhu zvose zvakasikwa zvingadai zvakaramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubvira nguva yazvakasikwa; uye zvinofanira kunge zvakaramba zvakadaro nokusingaperi, uye zvisina maguno.

23 Uye vangadai vasina avana; naizvozvo vangadai vakaramba vasina mhosva, vasina rufaro, nokuti vakanga vasingazive kusuwa; vasingaite zvakanaka, nokuti havaiziva chivi.

24 Asi tarisai, zvinhu zvose zvakaitwa muruzivo rweavo avanoziva zvinhu zvose.

25 aAdama bakapunzika kuti vanhu vavepo; uye vanhu cvaripo, kuti vave dnorufaro.

26 Uye aMesia anouya mukukwana kwenguva, kuti banunure vana vevanhu pakupunzika. Uye nokuti vaponeswa pachitadzo ichi vava cvakasununguka zvisingaperi, vachiziva chakanaka kubva pane chakaipa; kuita ivo kwete kuitirwa, kunze kwekurangwa dnemutemo pazuva guru rokupedzisira, maererano nemirairo yakapiwa naMwari.

27 Naizvozvo, vanhu avakasununguka maererano nenyama; zvinhu zvose zvakapiwa kwavari zvakanakira vanhu. Uye vakasununguka bkusarudza rusununguko neupenyu chwokusingaperi, nenzira yoMuenzanisi mukuru wevanhu vose, kana kusarudza usungwa nerufu, maererano neusungwa nesimba radhiabhorosi; nokuti anotsvaga kuti vanhu vose vasuwe saiye.

28 Uye zvino, vanakomana vangu, ndingade kuti mutarisire aMurevereri mukuru, muteerere mirairo yake mikuru; nokuva munovimbisika kumazwi ake, musarudze upenyu hwokusingaperi, maererano nokuda kweMweya wake Mutsvene;

29 Uye musasarudza rufu rwokusingaperi, maererano nokuda kwenyama nokuipa kuri mairi, kunopa mweya wadhiabhorosi simba arokubata pfungwa, akudzikisei bkugehena, kuti azokutongai muumambo hwake.

30 Ndataura mazwi mashoma aya kwamuri mose, vanakomana vangu, mumazuva ekupedzisira ekuedzwa kwangu; uye ndasarudza zvakanaka, maererano namazwi omuporofita. Uye handina chimwe chinangwa kunze kwemagariro akanaka emweya yenyu asingaperi. Ameni.