Magwaro Matsvene
2 Nifai 31


Chitsauko 31

Nifai anotaura chikonzero chokubhabhatidzwa kwaKristu—Vanhu vanofanira kutevera Kristu, vobhabhatidzwa, vogamuchira Mweya Mutsvene; voshingirira kusvika kumagumo kuti vagoponeswa—Kutendeuka nokubhabhatidzwa ndiwo musuwo wenzira yakamanikana uye yakamanika—Upenyu hwokusingaperi hunouya kuna avo vanochengeta mirairo shure kwokubhabhatidzwa. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino ini Nifai, ndinogumisa akuporofita kwangu kwamuri, hama dzangu dzinodiwa. Ndinonyora zvinhu zvishoma, izvo ndine chokwadi kuti zvichaitika; handinganyori mazwi mashoma omunin’ina wangu Jakobho.

2 Nokudaro, zvinhu zvandakanyora zvinondigutsa; kunze kwemazwi mashomanana andinofanira kutaura pamusoro apedzidziso dzaKristu; nokudaro ndichataura kwamuri zviri pachena maererano nokujeka kwokuporofita kwangu.

3 Nokuti mweya wangu unofarira kuisa zvinhu pachena; nokuti ndiko kushanda kunoita Ishe Mwari pakati pavana vavanhu. Nokuti Ishe Mwari vanopa achiedza kune avo vanonzwisisa; nokuti vanotaura kuvanhu bnorurimi rwavo, nomukunzwisisa kwavo.

4 Nokudaro, ndinoda kuti murangarire kuti ndakataura kwamuri maererano anomuporofita uyo Ishe wavakandiratidza, uyo aizobhabhatidza bGwayana raMwari, rinozobvisa zvitadzo zvenyika.

5 Uye zvino, kana Gwayana raMwari, iye ari mutsvene, akafanirwa akubhabhatidzwa nemvura, kuti utsvene hwose huzadzikiswe, ko zvino isu, tisiri vatsvene, tinofanirwa zvakadii kuti tibhabhatidzwe, hongu, kana nemvura!

6 Uye zvino, ndinokukumbirai, hama dzangu dzinodiwa, Gwayana raMwari rakazadzikisa sei utsvene hwose mukubhabhatidzwa nemvura?

7 Hamuzive here kuti akanga ari mutsvene? Asi kunyange zvakadaro iye ari mutsvene, akaratidza kuvana vavanhu kuti, panyama akazvininipisa pamberi paBaba, akapupura kuna Baba kuti aachazovateerera nokuchengeta mirairo yavo.

8 Naizvozvo, shure kwokunge abhabhatidzwa nemvura Mweya Mutsvene wakaburuka pamusoro pake auchinge bnjiva.

9 Uye zvakare, zvinoratidza kuvana vavanhu kutwasanuka kwenzira, nokumanikidzika akwesuo, ravanofanira kupinda naro, iye akaratidza muenzaniso kwavari.

10 Uye akati kuvana vavanhu: aNditeverei. Naizvozvo, hama dzinodiwa, btingatevere here Jesu kana tisina chido chokuchengeta mirairo yaBaba?

11 Uye Baba vakati: Tendeukai, tendeukai, mugobhabhatidzwa muzita roMwanakomana wangu Wandinodisisa.

12 Uye zvakare, izwi roMwanakomana rakauya kwandiri, richiti: Uyo anobhabhatidzwa muzita rangu, kwaari Baba avachapa Mweya Mutsvene, sezvavakaita kwandiri; nokudaro, bnditeverei, mugoita mabasa amakandiona ndichiita.

13 Nokudaro, hama dzangu dzinodiwa, ndinoziva kuti mukatevera Mwanakomana, nomwoyo wose uzere, muchiita musinganyengedzi musingafambe munzira isina kururama pamberi paMwari, asi muine chinangwa chizere, muchitendeuka pazvivi zvenyu, muchipupura kuna Baba kuti mune chido chokutora zita raKristu, anokubhabhatidzwa—hongu, nokutevera Ishe venyu noMuponesi venyu mumvura, maererano neshoko ravo, tarisai, ndipo pamuchagamuchira Mweya Mutsvene; hongu, kwozouya brubhabhatidzo rwomoto nokwoMweya Mutsvene; mozotaura cnorurimi rwengirozi, muchishevedzera kurumbidza kuMutsvene waIsraeri.

14 Asi, tarisai, hama dzangu dzinodiwa, kwakauya izwi roMwanakomana kwandiri, richiti: Shure kwokunge matendeuka pazvivi zvenyu, muchipupura kuna Baba kuti munoda kuchengeta mitemo yangu, nokubhabhatidzwa nemvura, nokugamuchira kubhabhatidzwa kwomoto noMweya Mutsvene, uye kuti mava kutaura norurimi rwutsva, hongu, rurimi rwengirozi, shure kwezvo amozondiramba, zvingadai bzviri-nani kuti dai musina kunge makandiziva.

15 Uye ndakanzwa izwi kubva kuna Baba richiti: Mazwi anobva kune Andinodisisa mashoko echokwadi anotendeka. Uyo achashingirira kusvika kumagumo achaponeswa.

16 Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa, ndinoziva kuti munhu aakasashingirira kusvika kumagumo, mukutevera bmuyenzaniso woMwanakomana waMwari mupenyu, haangaponeswe.

17 Nokudaro, itai zvinhu zvandakakutaurirai, ndazviona kuti Ishe Venyu Mununuri vanofanira kuita; nokuti, nokuda kweizvi zvakaratidzwa kwandiri, kuti muzoziva musuwo wamunofanira kupinda nawo. Nokuti musuo wamunopinda nawo kutendeuka anokubhabhatidzwa nemvura; kwozouya bkuregererwa kwezvivi zvenyu nomoto noMweya Mutsvene.

18 Uye ipapo munenge mave amunzira iyoyi byakamanikana uye yakamanika iyo inotungamirira kuupenyu hwokusingaperi; hongu, mapinda napamusuo; maita maererano nemirairo yaBaba noMwanakomana; magamuchira Mweya Mutsvene, uyo cunopupura pamusoro paBaba neMwanakomana, mukuzadzikisa chivimbiso icho akaita, kuti mukapinda nenzira iyoyo munowana.

19 Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa, shure kwokunge mapinda munzira iyi yakamanikana uye yakamanika, ndinobvunza kuti zvose azvaitwa here? Tarisai, ndinoti kwamuri, Kwete; hamusati masvika kunze kwokunge muri mushoko raKristu bnokutenda kwaari kusingazunguzike, cmuchirarama zvizere maari anesimba rekuponesa.

20 Nokudaro, munofanira akuenda mberi makabatisisa panaKristu, mune btariro yakakwana yakachena, cnorudo rwaMwari navanhu vose. Nokudaro, mukaramba muchienda mberi, muchidya mushoko raKristu, dmakashingirira kusvika kumagumo, tarisai, naizvozvo ndizvo zvinotaura Baba: Muchava noupenyu hwokusingaperi.

21 Uye zvino, tarisai, hama dzangu dzinodiwa, iyi ndiyo anzira; zve bhapana imwe nzira kana czita rakapiwa pasi pedenga iro munhu angaponeswa naro muumambo hwaMwari. Uye zvino, tarisai, iyi ndiyo ddzidziso yaKristu, dzidziso imwechete yechokwadi eyaBaba, neyoMwanakomana, neyoMweya Mutsvene, anova Mwari fmumwechete vasingagume. Ameni.