Magwaro Matsvene
2 Nifai 11


Chitsauko 11

Jakobho akaona Mununuri wake—Murau waMosesi mucherechedzo waKristu uye unoratidza kuti achauya. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino, aJakobho akataura zvinhu zvizhinji kuvanhu vekwangu panguva iyoyo; zvakadaro zvinhu izvi ndizvo chete zvandaita kuti bzvinyorwe, nokuti zvinhu zvandanyora zvinondikwanira.

2 Uye zvino, ini Nifai, ndinonyora mazwi mazhinji aaIsaya, nokuti mweya wangu unofadzwa nemazwi ake. Nokuti ndichafananidza mazwi ake nevanhu vekwangu, uye ndigoatumira kuvana vangu vose, nokuti zvirokwazvo akaona bMununuri wangu, sekumuona kwandakamuita.

3 Nemunin’ina wangu Jakobho, aakamuonawo sokumuona kwandakaita; nokudaro, ndichatumira mazwi avo kuvana vangu kuti vaone kuti mazwi angu ndeechokwadi. Nokudaro, nemazwi bevatatu, Mwari vakati, ndichamisa shoko rangu. Zvakadaro, Mwari vanotumira vamwe vapupuri vakawanda, nekuzadzikisa mazwi avo ose.

4 Tarisai, mweya wangu unofara kuti andiratidze kuvanhu vekwangu chokwadi bchekuuya kwaKristu; nokuti, nenzira yechikonzero ichi kwakapiwa cmutemo waMosesi; uye zvose zvinhu zvakapiwa naMwari kubvira pakutanga kwenyika, kuvanhu, zvinoratidza mucherechedzo wake.

5 Uye mweya wangu unofarawo anezvibvumirano zvaIshe zvavakaita kumadzibaba edu; hongu, mweya wangu unofadzwa nenyasha dzavo, nemukutonga kwavo kwakanaka, nesimba, netsitsi muzano guru nechirongwa chekusingaperi chekubviswa murufu.

6 Uye mweya wangu unofadzwa mukuratidza vanhu vekwangu kuti akunze kwekunge Kristu auya vanhu vose vanofa.

7 Nokuti kana akusina Kristu kana Mwari hakuna; uye kana kusina Mwari isu hatipo, nokuti hakwaikwanisa kuve bnekusikwa. Asi kuna Mwari, uye ndiKristu, uye vanouya nekukwana kwenguva yavo.

8 Uye zvino ndave kunyora mamwe emazwi aIsaya, kuti ani zvake wevanhu vekwangu vachaona mazwi aya vasimudze mwoyo yavo uye vagofara pamusana pemunhu wose. Zvino aya ndiwo mazwi, uye mungangoafananidza nemi nekune vamwe vanhu vose.