Magwaro Matsvene
2 Nifai 16


Chitsauko 16

Isaya anoona Ishe—Zvitadzo zvaIsaya zvinoregererwa—Anodaidzwa kuti aporofite—Anoporofita kurambwa kwedzidziso yaKristu nemaJuda—Vakasara vachadzoka—Enzanisa naIsaya 6. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 aMugore iro rakafa mambo Uziya, ndakaonao Ishe vagere pachigaro cheushe, pamusoro uye pakasimudzirwa mudenga, uye bmagemenzi ake akazadza temberi.

2 Pamusoro payo pakanga pamire aserafimi; imwe neimwe yadzo yaiva nemapapiro matanhatu; maviri akanga ari okufugidza kumeso kwayo, uye maviri achifugidza tsoka dzayo, uye maviri ndiwo ayaibururuka nawo.

3 Uye imwe yakachema kune imwe, uye ikati: Mutsvene, mutsvene, mutsvene, Ishe veHondo; pasi pose pazere nekubwinya kwavo.

4 aMapango emusuo akazunguzuka pakunzwa izwi reuyo akachema, uye imba ikazara neutsi.

5 Zvino ini ndikati: Nhamo yave kwandiri! nokuti andaiswa pachena; nokuti ndiri munhu ane mukanwa makaipa; uye ndinogara pakati pevanhu vane mukanwa makaipa; nokuti maziso angu aona Mambo, Ishe veHondo.

6 Zvino ndokubva imwe yeserafimi dziya yabhururuka ichiuya kwandiri, iine abvunze remoto muruoko rwayo, rayakanga yatora nezvisimbi zvaiva paaritari;

7 Uye yakariisa pamuromo pangu, uye ikati: Tarisa, bvunze iri raguma muromo wako; uye akuipa kwako kwabviswa, uye zvitadzo zvako zvasukwa.

8 Ndakanzwawo izwi raIshe richiti: Ndiani andichatuma, uye ndiani angatiendere? Ndokubva ndati: Ndiri pano ini; nditumei.

9 Uye vakati: Enda unotaurira vanhu ava—Nzwisisai chaizvo, asi havana kunzwa; onai chaizvo, asi havana kuona.

10 Ita kuti mwoyo yevanhu ava ikore, uye ugoita kuti nzeve dzavo dzireme, utsinzinyise maziso avo—nokuti vangazoona nemaziso avo, uye avakanzwa nenzeve dzavo, uye vakanzwisisa nemwoyo yavo, uye vagotendeuka nokuponeswa.

11 Zvino ini ndokuti: Ishe, kwenguva yakadii? Uye ivo vakati: Kudakara maguta asara asisina vanhu, uye dzimba dzisisina vanhu, uye nyika yasara yave gwenga chairo;

12 Uye Ishe avabvisa vanhu vavaisa kure-kure, nokuti kuchave nokuraswa kukuru pakati penyika.

13 Asi kuchazove nechikamu chimwechete chegumi, chichadzoka, chichadyiwa, semuti wemuteiri semuoku uyo unenge uine kudya kwakakwana panguva yaunodonha mashizha; saka mbeu tsvene ndiyo ichave akudya kwayo.

      • NEMAMWE MAZWI zvingangove 750 Kristu asati azvarwa.

      • NEMAMWE MAZWI mupendero wechipfeko chake, kana mamino acho.

      • chiHeb hwaro hwemusuwo hwakazunguzika.

      • chiHeb kudimburwa; nemamwe mazwi, zvinoreva kuti akakatyamadzwa neruzivo rwezvitadzo zvake nezvevanhu vake.

      • NEMAMWE MAZWI chiratidzo chekucheneswa.

      • NEMAMWE MAZWI Semuti, nyangwe zvazvo mashizha awo achiparadzirwa, upenyu nekwaniso yekubereka mbeu asi zvinoramba zviri mauri.