Magwaro Matsvene
2 Nifai 28


Chitsauko 28

Chechi zhinji dzemanyepo dzichavakwa mumazuva ekupedzisira—Dzichadzidzisa, manyepo, nezvisina maturo, nezvakapusa mukudzidzisa kwadzo—Kurasika pachitendero kuchawanda nenzira yevadzidzisi vemanyepo—Dhiabhorosi achagara mumwoyo yevanhu—Achadzidzisa nhema dzakasiyana-siyana. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino tarisai, hama dzangu, ndataura kwamuri, maererano nokutunhwa kwandange ndichiitwa neMweya; nokudaro, ndinoziva kuti chokwadi zvose izvi zvakafanira kuitika.

2 Uye zvinhu zvichanyorwa kubva amubhuku zvichave bzvakakosha kwazvo kuvana vevanhu, uye kunyanya kumbeu yedu, inove ndiyo yakasara kumba yaIsraeri.

3 Nokuti zvichaitika kuti nomusi iwoyo achechi dzichavakwa, dzisina kuvakirwa Ishe, apo imwe ichataura kune imwe ichiti: Tarisai, ini, ndini yaIshe; uye imwe yoti: Ini, ndini yaIshe; ndizvo zvichaita vose vakazvivakira chechi ivo pachavo, vasingavakire Ishe—

4 Uye vachanetsana pachavo; uye kana vafundisi vavo vachanetsana, uye vachadzidzisa neruzivo arwedzidzo dzavo, uye vagoramba Mweya Mutsvene, uyo unoita kuti vanhu vagone kutaura.

5 Uye avanoramba bsimba raMwari, Mutsvene waIsraeri; uye voti kuvanhu: Teererai kwatiri, uye munzwe kuraira kwedu; nokuti tarisai chakuna Mwari nhasi; nokuti Ishe neMununuri vaita basa ravo, uye vakapa simba rake kuvanhu.

6 Tarisai, teererai imi kuraira kwangu; kana vakati pane chishamiso chaitwa neruoko rwaIshe, musazvitende; nokuti zuva ranhasi havasi Mwari avezvishamiso; vakaita basa rake.

7 Hongu, uye kuchaita vazhinji vachati: aIdyai, munwe, uye mufare, nokuti mangwana tinofa; uye zvinozotinakira.

8 Uye kuchave nevazhinjiwo vachati: Idyai, munwe, uye mufare; zvisinei, ityai Mwari—anozoti ahamuna-mhosva mukuita kachitema kadiki; hongu, bnyepai zvishoma, ngwarira mumwe nenzira yemazwi ake, teyai muvakidzani wenyu nekumucherera cgomba; hakuna chakaipa mazviri; uye muite zvose izvi, nokuti mangwana tinofa; uye kana zviri zvekuti tine mhosva, Mwari achatiranga neshamhu shoma, uye pekupedzisira tichaponeswa muumambo hwaMwari.

9 Hongu, uye kuchange kune vazhinji vachadzidzisa netsika iyi, adzidziso dzenhema dzisipo bnedzeurema, uye vachazvikudza mumwoyo yavo, uye vachatsvaka kuvanza mazano avo zvakadzama kuna Ishe; uye mabasa avo achave murima.

10 Uye aropa ravatendi richavachemera richibva pasi.

11 Hongu, vose vabuda amunzira, vave vanhu bvakaipa.

12 Nenzira ayekuzvida, nenzira yevadzidzisi venhema, nedzidziso dzenhema, chechi dzavo dzaipa, uye chechi dzavo dzinozvikudza; nenzira yerudado vanozvitutumadza.

13 aVanobira bvarombo nokuda kwenzvimbo dzavo dzakanaka; vanobira varombo nenzira yekunaka kwezvipfeko zvavo; uye vanotambudza vakapfava nevarombo mumwoyo, nokuti cmukudada kwavo vanozvitutumadza.

14 aVanoomesa mitsipa nemisoro ine kuzvida; hongu, nenzira yekudada, nekuipa, neruvengo, neupfambi, vose bvatsauka kunze kwevashoma-shoma, avo vakazvirereka vateveri vaKristu; zvisinei, vanotungamirwa, zvekuti nguva zhinji vanokanganisa nenzira yekuti vanodzidziswa maererano nepfungwa dzevanhu.

15 Imi avachenjeri, nevakadzidza, nevapfumi, vanozvitutumadza bmukudada kwemwoyo yavo, neavo vose vanoparidza manyepo, neavo vose vanoita ufeve, uye vachikanganisa nzira yakanaka yaIshe, cnhamo, nhamo nedambudziko kwavari, ndiko kutaura kwaIshe Mwari Samasimba, nokuti vachakandwa mugehena!

16 Nhamo kune avo avanosiya zvakanaka vachida zvakaipa uye vachituka izvo zvakanaka, vachiti chinhu chisina maturo! Nokuti zuva richasvika rokuti Ishe Mwari vachashanyira vanhu venyika nokukurumidza; uye muzuva iroro vakomba bzvizere muzvitema vachafa.

17 Asi tarisai, kana vanhu vemunyika vakatendeuka muzvitema zvavo neruvengo rwavo havazoparadzwa, ndiko kutaura kunoita Ishe veHondo.

18 Asi tarisai, chechi iya huru inonyangadza, apfambi yepasi pose rakafanirwa, bkuwira pasi, uye kuwa kwaro kuchave kukuru chaizvo.

19 Nokuti umambo hwadhiabhorosi hwakafanira akuzunzwa, uye avo vari mahuri vakafanira kumutswa kuti vatendeuke, nokuti vakasamuka bdhiabhorosi achavasunga cnengetani dzisingaperi, uye zvoita kuti vamuke nehasha, vobva vafa.

20 Nokuti tarisai, nezuva iroro achange aari mumwoyo yevana vevanhu, uye agovaita kuti vashatirirwe chakanaka.

21 Vamwe aachavanyaradza, uye ovanyengedza kuti vafunge kuti vakasimba mune zvenyama, zvekuti vobva vati: zvose zvakanaka muZioni; hongu, Zioni irikubudirira, zvose zvakanaka—uye ndiko kunyengedzwa kwavanoitwa mumweya bnadhiabhorosi, ovatungamira zvakanakawo kugehena.

22 Uye tarisai, vamwe anovabata kumeso, ovaudza kuti hakuna agehena; uye oti kwavari: Handisi dhiabhorosi, nokuti hakuna chinhu chakadaro—uye anoita kazeve-zeve munzeve dzavo, kudakara avasunga bnengetani dzake dzinotyisa, avasunga kudaro hakuna ruponeso.

23 Hongu, vanosungwa nerufu, negehena; uye rufu, negehena, uye dhiabhorosi, nevose vakasungwa navo vakafanira kumira pamberi pechigaro chekutonga chaMwari, uye avagotongwa maererano nemabasa avo, vobva ipapo vanofanira kuenda kunzvimbo yavakagadzirirwa, kana suriferi yemoto bnedziva rinova kurwadziwa kusina magumo.

24 Naizvozvo, nhamo kune uyo ari muZioni asina hanyn’a!

25 Nhamo kune anotaura kuti: zvose zvakanaka!

26 Hongu, nhamo kune uyo aanoteerera kuraira kwevanhu, zve achiramba simba raMwari, nechipo cheMweya Mutsvene.

27 Hongu, nhamo kune uyo anoti: Takagashira, uye hakuna chimwe achatichada zvakare!

28 Uye muchidimbu, nhamo kwavari vose vanodedera, uye avakashatirwa pamusana pechokwadi chaMwari! Nokuti tarisai, uyo akavakira bpadombo anozvitambira nokufara; uye uyo akavakira mujecha anotya nokuti zvingangokoromoka.

29 Nhamo kune uyo anoti: Takagashira shoko raMwari, uye ahatichada zve shoko raMwari, nokuti ratinaro rakakwana!

30 Nokuti tarisai, ndiko kutaura kunoita Ishe Mwari: Ndichapa kuvana vevanhu mutsara pamusoro pemutsara, murairo pamusoro apemurairo, pano zvishoma, apo zvishoma; uye vakakomborerwa ivavo vanoteerera kumirairo yangu, uye vachipa nzeve mukuraira kwangu, nokuti vachadzidza buchenjeri; nokuti kune uyo canogashira ndichapa dzvakawanda; kune avo vanoti, Isu tine zvakakwana, ivavo vachatorerwa kana zvavange vainazvo.

31 Akatukwa uyu anoisa aruvimbo rwake kumunhu, kana kuita kuti munhu wenyama ave simba rake, kana kuteerera kumirairo yemunhu, kunze kwekunge mirairo yavo yapiwa nesimba reMweya Mutsvene.

32 aNhamo kumaJentairi, vanodaro Ishe Mwari weHondo! Nokuti hazvinei kuti ndichatambanudzira ruoko rwangu kwavari zuva nezuva, vachandiramba; zvakadaro, ndichavanzwira tsitsi, vanodaro Ishe Mwari, kana vakatendeuka vakauya kwandiri; nokuti bruoko rwangu rwakatambanudzwa muswere wose, Ishe vanodaro Mwari veHondo.