Magwaro Matsvene
2 Nifai 13


Chitsauko 13

Juda neJerusarema dzicharangwa pamusana pekusateerera kwavo—Ishe vanotetererera uye vagotonga vanhu vavo—Vanasikana veZioni vanotukwa nekunetswa nenzira yekuda kwavo zvinhu zvenyika—Enzanisai naIsaya 3. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Nokuti tarisai Ishe, Ishe veHondo, vanotorera Jerusarema, naJuda, musimboti nemudonzvo, musimboti wose wezvekudya, newose wemvura—

2 Gamba, nemurume wehondo, mutongi, nemuporofita, nevakachenjera, nevakuru;

3 Mutungamiri wemakumi mashanu, nemurume anokudzwa, nemakurukota, newemapipi, uye anogona kutaura.

4 Uye ndichavapa vana kuti vave machinda avo, uye vacheche vachavatonga.

5 Uye vanhu vachadzvinyirirwa, wose nomumwe, uye wose newaakavakidzana naye; mwana achizvikudza kuna vakuru, uye akazvidzwa achazvikudza pane vanokudzwa.

6 Apo munhu achabata hama yake yemumba mababa vake, uye agoti: Iwe une zvipfeko, iva mutongi wedu, uye usabvumire akuparara uku kuti kuuye iwe uripo—

7 Muzuva iroro achapika, achiti: Handiite kuve amurapi; nokuti mumba mangu hamuna chingwa kana zvipfeko; regai kundiita mutongi wavanhu.

8 Nokuti Jerusarema araparadzwa, uye Juda byapunzika, nokuti miromo yavo nemabasa avo airwisana naIshe, kutsamwisa meso okubwinya kwavo.

9 Kuratidzika kweusu hwavo kunoreva zvavari, uye kuchireva kuti chitema chavo chakafanana anecheSodoma, uye havangachivige. Nhamo kumweya yavo, nokuti vazvipa vega mubairo wechakaipa!

10 Itai kune vakarurama azvakanaka kwavari; nokuti vachadya muchero wemabasa avo.

11 Nhamo kune vakaipa, nokuti vachafa; nokuti mubairo wemabasa avo uchave pavari!

12 Uye vanhu vangu, vana vadiki ndivo vadzvinyiriri vavo, uye vanotongwa nemadzimai. Imi vanhu vangu, avo avanokutungamirirai vanoita kuti mutadze uye vopaza nzira yamunofamba nayo.

13 Ishe vanosimuka akuvakumbirira, uye agosimukira kutonga vanhu.

14 Ishe achapinda mukutonga nevekare vevanhu vake anemachinda acho; nokuti bmakadya michero cyemunda wemizambiringa uye dmukadya ezvevarombo mudzimba dzenyu zvamakavatorera.

15 Munorevei imi? Makarova vanhu vangu mukavaita marengenya, uye mukakuya uso hwevarombo, vanodaro Ishe Mwari weHondo.

16 Zvakare, Ishe vanoti: Nenzira yekuti vanasikana veZioni vanozvikakanyadza, uye vachifamba vakazvuva mitsipa nemaziso eruchiva, vachifamba avachikunyungudza, uye vachirovanisa zvitsitsinho zvavo—

17 Saka Ishe vacharova nechirwere chegwembe panhongonya yemisoro yevanasikana veZioni, uye Ishe avachafugura nzvimbo dzemiviri yavo dzekutsi.

18 Muzuva iroro Ishe vachabvisa kusatya kwezvishongo zvavo zvavaifamba zvichirira, anenguwani, nemakoza bakatenderera semwedzi.

19 Tungetani nemangwerengwa, anezvinomonerwa mumutsipa;

20 Tunguwani, nezvishongo zvemumakumbo, nezvinosungiswa mumisoro, nezvinonhuwira, nemhete dzemunzeve;

21 Mhete dzeminwe, nezvekuisa pamhuno;

22 Nguwo adzakawanda, nemadhuku, nezvipeneti zvevhudzi;

23 aZvioni-oni, nemachira anoyevedza, neemumusoro, nemambure.

24 Uye zvichaitika kuti, kunze kwekunhuwirira kwakanaka pachanhuwa kuora; uye kunze kwebhanire, kuchava anemundya; uye kunze kwevhudzi rakakamwa zvakanaka, kuchave bnemhanza, uye kunze ckwemudimuraura, kuchave nemundya wesaga; kutsva kunze kwerunako.

25 Varume venyu vachafa nokubaiwa uye ugamba hwavo huchapedzwa muhondo.

26 Uye masuwo ake achachema nokuhungudzika; uye achaita segwenga, uye agogara pasi muvhu.

      • chiHeb kusunga (kwechironda); nemamwe mazwi, handigone kupedza matambudziko ako.

      • chiHeb vatongi kana vatungamiri.

      • chiHeb kuparadzwa kana kupiswa.

      • Isa. 5:7.

      • NEMAMWE MAZWI kuwana nezvekuba.

      • 2 Ni. 28:12–13.

      • NEMAMWE MAZWI kufamba tunhanho tudiki vachikurumidza nemutowo wakadaro (kufamba vachizvida).

      • chiHeb fumura; izwi rinoreva kuti “vanyadzise.”

      • Zvingangove zvishongo zvemumusoro. Vatungamiri havawanzo wirirana nemamiriro ezvishongedzo zvevanhukadzi zvakadomwa mundima 18–23.

      • NEMAMWE MAZWI zvishongo zvakaumbwa semwedzi wagara.

      • chiHeb zvidzitiro (machira ekufuga kumeso).

      • chiHeb zvifeko zvinoyevedza.

      • KANA zvipfeko zvinowonesa zvirimukati.

      • chiHeb mamvemve.

      • KANA nguo.

      • KANA mucherechedzo (chivanga chehunhapwa).