Magwaro Matsvene
2 Nifai 21


Chitsauko 21

Bazi raJesi (Kristu) richatonga mukururama—Ruzivo rwaMwari rwuchafukidza pasi pose munguva inonzi Mereniamu—Ishe vachasimudza mureza vounganidza Israeri—Enzanisa naIsaya 11. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye kuchaita anhungirwa kubva bpabazi craJesi, uye kuchakura bazi kubva mumidzi yaro.

2 Uye aMweya waIshe uchave paari, mweya weungwaru nekunzwisisa, mweya wekuraira nesimba, mweya weruzivo newekutya Ishe;

3 Uye achamuita anokurumidza kunzwisisa mukutya Ishe; uye ahaatonge zvaonekwa nemaziso ake chete, kana kutonga nezvasvika munzeve dzake.

4 Asi anokururama achatonga varombo, uye bagotsiura zvakaenzana vanhu cvakapfava venyika; uye acharova nyika neshamhu yemuromo wake, nemweya unobva pamiromo yake achauraya vakaipa.

5 Uye bhandi rechiuno chake richave kururama, uye kuvimbika kuchave amatomhu ake.

6 Chikara chichagara nehwayana, uye mbada icharara nembudzana, uye mhuru nemwana weshumba nemhuru yekukodza zvichave pamwechete; uye kamwana kadiki kagozvitungamira.

7 Uye mhou nechikara zvichafura pamwechete; vana vazvo vagorara pamwechete; uye shumba ichadya uswa semombe.

8 Uye mwana ari pazamu achatamba ari pamwena awenyoka, uye mwana akarumurwa achaisa ruoko rwake muguru brenyoka.

9 aHazvizokuvadza kana kuparadza mugomo rangu rose dzvene, nokuti pasi rinenge razara bneruzivo rwaIshe, sekuzadzwa kwakaitwa gungwa nemvura.

10 Uye muzuva airoro kuchave bnemudzi waJesi, uchamira semureza wevanhu; ckwauri dmaJentairi vachatsvaka kuuya; uye kuzorora kwake kuchaita mukurumbira.

11 Uye zvichaitika kuti muzuva iroro Ishe vachatambanudza ruoko rwavo akechipiri kuti vadzikinure vakasara vevanhu vavo vachasiiwa, muAsiria, nemuEgipita, nemuPatrosi, nemuKushi, nemuErami, nemuShinari, nemuHamati, nemuzvitsuwa zvegungwa.

12 Uye vachamisira amureza marudzi, uye vagounganidza bvakaraswa veIsraeri, uye cvagounganidza pamwechete vakaparadzwa vaJuda kubva kumativi mana enyika.

13 aShanje yaEfraimi ichaperawo, uye vavengi vaJuda vachaparadzwa; Efraimi haazoitira bshanje cJuda, uye Juda haazonetsa Efraimi.

14 Asi avachabhururuka vagotasva pamapfudzi amaFirisitia kumadokero; vachapamba zvevekumabvazuva vari pamwechete; vachaisa maoko avo pana Edomi naMoabi; uye vanhu vemuAmoni vachavateerera.

15 Uye Ishe avachaparadza chose chisipiti chegungwa reEgipita; nemhepo yavo huru vachavhuvhuta nepamusoro perwizi, vagoomesa twukova twunodira marwuri twunomwe, vagoita kuti vanhu vayambuke maoma.

16 Uye kuchave nemugwagwa amukuru uchasiirwa vakasara vevanhu vake vachasara, unobva Asiria, senzira yakaitika mugungwa, pazuva rakabuda Israeri kubva munyika yeEgipita.