Magwaro Matsvene
2 Nifai 18


Chitsauko 18

Kristu achava sedombo rinogumbura uye sebwe rekutsamwisa—Tsvagai Ishe, kwete kuve varoyi vanoita zvekudongorera—Dzokerai kumurau nekuuchapupu kuti mutungamirwe—Enzanisai naIsaya 8. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Zvakare, izwi raIshe rakati kwandiri: Mugotora hwati huru, uye mugonyora mairi nechinyoreso chemunhu, pamusoro apaMaheri-sharari-hashi-bhazi.

2 Uye ndakatora avapupuri vakatendeka kuti vanyore, Uria mufundisi, naZekaria mwanakomana waJeberekia.

3 Uye ndakaenda akumuporofitakadzi; uye akabata pamuviri akabereka mwana mukomana. Zvino Ishe vakati kwandiri: Mudaidzei zita rake kuti Maheri-sharari-hashi-bhazi.

4 Nokuti tarisai, amwana uyu bhaasvike pakuziva kuchema achiti, Baba vangu, kana amai vangu, upfumi hweDamasiko nezvakapambwa czveSamaria zvisati zvatorwa zvichiiswa pamberi pamambo weAsiria.

5 Ishe vakataurazve kwandiri zvakare achiti:

6 Sezvo vanhu ava vachiramba mvura yemuna aShiroa inoerera zvakapfava, uye vachifarira bRezini nemwanakomana waRemaria;

7 Zvino naizvozvo tarisai, Ishe vanounza mvura yerwizi pamusoro apavo, yakasimba uye yakawanda, kana mambo weAsiria nokubwinya kwake; uye rwuchazadza netwukova twarwo twose, uye rwugofashukira nekunze.

8 Uye arwuchapfuura nemunyika yaJuda; rwugozara uye rwuchifashukira, mvura ichazara kusvika muhuro; uye kutambanuka kwemapapiro arwo kuchazadza upamhi hwenyika yako, iwe bImanueri.

9 aWadzanai pachenyu imi vanhu, uye muchadimurwa-muzvidimu; uye teererai imi venyika dziri kure; zvisungei zviuno, uye muchadimurwa-muzvidimu; zvisungei zviuno, uye muchadimurwa-muzvidimu.

10 Ranganai pamwechete, uye hapana chinobuda; taurai shoko, uye harizomira; anokuti Mwari vanesu.

11 Nokuti Ishe vakataura neni zvine simba, vakandidzidzisa kuti ndisafambe munzira dzevanhu ava, vachiti:

12 Imi musati, achirangano, kune avo vose vachanzi nevanhu ava, chirangano; kana kutya imi kutya kwavo, musatye.

13 Itai kuti Ishe veHondo vave vatsvene pachavo, uye ngavave ivo avamunotya, uye vave ivo vamunozeza.

14 Uye vagove anzvimbo yenyu tsvene; asi vagove bibwe rinogumbura, uye vagove dombo rekutsamwisa dzose imba mbiri dzaIsraeri, vachave riva nemusungo kuvagari veJerusarema.

15 Uye vazhinji mukati mavo avachapiringishwa uye vachipunzika, uye vachityoka, uye vachiteyewa, uye vachibatwa.

16 Sungai uchapupu, momisa amutemo pakati pevadzidzi vangu.

17 Uye ndichamirira Ishe, avo vari akuvanza chiso chavo kune vemba yaJakobo, uye ndichavatsvaka.

18 Tarisai, ini nevana vandakapiwa naIshe tiri avezviratidzo neminana muIsraeri zvinobva kuna Ishe veHondo, avo vagere muGomo reZioni.

19 Uye kana voti kwamuri: Tsvagai kune avanosvikirwa, bnekuvauki vanodongorera nokugunun’una—vanhu chavafanire kubvunza kuna Mwari vavo here kuti vapenyu vanzwe dkubva kuvakafa?

20 Kumutemo neuchapupu; uye kana aivo vakasataura maererano neshoko iri, imhaka yekuti hamuna chiedza mavari.

21 Uye avachafamba nenyika vakasuwa vane nzara, zvichaitika kuti kana vava nenzara vachaita hasha, uye vachatuka mambo vavo naMwari vavo, uye vakatarisa kudenga.

22 Uye vachatarisa panyika uye vagoona dambudziko, nerima, kudzimaidzwa nekurwadziwa kukuru, uye vachasaidzirwa kurima.