Magwaro Matsvene
2 Nifai 24


Chitsauko 24

Israeri ichaunganidzwa uye igogara muzororo remireniamu—Rusifa akatandwa kudenga nenzira yekupanduka—Israeri achakunda Babironi (nyika)—Enzanisa naIsaya 14. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Nokuti Ishe vachanzwira Jakobo tsitsi, uye avagosarudzazve Israeri, vagovaisa munyika mavo; uye bvatorwa vachasanganiswa navo, uye vagonamatira kuimba yaJakobo.

2 Uye avanhu vachavatora vovaisa kunzvimbo dzavo; hongu, kubva kure kumagumo enyika; vagodzokera bkunyika dzavo dzechipikirwa. Uye imba yaIsraeri ndiyo ichave varidzi vadzo, uye nyika yaIshe ichave cyevaranda nevarandakadzi; uye vachatapa avo vakange vavatapa; vagotonga vaivadzvinyirira.

3 Uye zvichaitika kuti muzuva iroro Ishe vachakupai azororo, mukusuwa kwenyu, nemukutya menyu, nemumajoto amakange makasungwa nawo.

4 Uye zvichaitika muzuva iroro, kuti muchatora tsumo iyi muchirwisa mambo aweBabironi, muchiti: Ko mudzvinyiriri apera sei, neguta regoridhe rapera sei!

5 Ishe vatyora mubhadha wowakaipa, netsvimbo dzeushe dzevatongi.

6 Iye akarova vanhu nehasha neshamhu isingaperi, uyo akatonga marudzi nehasha, anotambudzwa, uye hapana anomudzivirira.

7 Pasi pose pakazorora, uye panyerere; vanovamba akuimba.

8 Hongu, amiti-yemisaipurasi inokufarira iwe, nemisidhari yeRebanoni, ichiti: Kubvira bkuradzikwa pasi kwawakaitwa hakuna cmunhu ati auya kuzotirwisa.

9 aGehena rinobvisirwa imi kubva pasi kuti rigosangana nemi pakuuya kwenyu; rinokudenherai bvakafa, kana vose vakuru-vakuru vepasi; rakabvisa ose madzimambo epasi pose pazvigaro zvavo.

10 Zvose zvavachakwanisa kutaura kwamuri: Asi imi marukutika sesu here? Asi matofanana nesu?

11 Kushamisira kwako kwadzikiswa muguva; ruzha rwemimhanzi yako harwuchanzwikwa; muviri wako wava nehonye, uye watongova makonye ega.

12 Kupunzika asei kwawaita kubva kudenga, iwe bRusifa, mwanakomana werungwanani! Hausi wapunzirwa pasi here, iwe waishaisa simba marudzi!

13 Nokuti watoti mumwoyo mako: aIni ndichakwira kudenga, ndosimudza ngundu yangu iende pamusoro penyenyedzi dzaMwari; ndichagara pamusoro pegomo ndakatarisa gungano, kurutivi brwekuchamhembe.

14 Ndichakwira kusvika ndapfuurira makore; ndichaita saiye Wokudenga-denga.

15 Kunyange zvakadaro uchaderedzwa kusvika kugehena, kumativi aegomba.

16 Avo vachakuona avachakushora, vachakutarisa, vachiti: Ndiye here murume uye aiita kuti nyika izunguzike, aityiwa nekudederwa nemadzimambo?

17 Uye akaita nyika inge renje, akaparadza maguta aivemo, uye akasazurura dzimba dzevasungwa vake?

18 Ose madzimambo emarudzi, hongu, vose zvavo, iye zvino varere nembiri, munhu ega-ega mumba amake.

19 Asi wabviswa muguva mako sebazi arinonyangadza, uye avo vakasara pane vakauraiwa, avo vakabaiwa nemunondo, vanoenda bkumabwe emugomba; semhuka yakafa yatsikwa-tsikwa netsoka.

20 Hauzovigwa pamwechete navo, nokuti wakaparadza nyika yako uye ukauraya vanhu vekwako; ambeu byevanoita-zvakaipa haife yakaita mbiri.

21 Gadzirira kuuraya vana vake nenzira ayekutadza kwemadzibaba avo, kuti vasazomuka, kana kuzotonga nyika, kana kuzadza uso hwenyika nemaguta.

22 Nokuti ndichavamukira, vanodaro Ishe veHondo, ndovabvisa muBabironi anezita, nevanenge vasara, nemwanakomana, bnemuzukuru, ndozvinotaura Ishe.

23 Ndichaiitawo anzvimbo inogarwa nemazizi, nemadziva emvura; ndichaitsvaira bnemutsvairo wekuparadza, vanodaro Ishe veHondo.

24 Ishe veHondo vakapika vachiti: Chokwadi sezvandafunga, ndizvo zvichaitika; uye sezvandaita, ndizvo zvichamira—

25 Kuti ndichaunza amuAsiria munyika mangu, uye mumakomo bangu ndigomutsika-tsika pasi petsoka; ipapo cjokwi rake richabva pavari, nemutoro wake uchabva pamapfudzi avo.

26 Ndiro zano rafungirwa pasi pose; uye urwu ndirwo ruoko rwatambanudzwa pamusoro pemarudzi aose.

27 Nokuti Ishe veHondo vakazvidzika, uye ndiani angazvirambe? Uye ruoko rwavo rwatambanudzwa, ndiani angarwudzore?

28 Mutoro uyu wakauya agore rakafa mambo bAhazi.

29 Musafare zvenyu, imi mose maFiristia, nokuti mubhadha weuyo akambokurovai watyoka; nokuti kubva mumudzi wenyoka muchabuda rovambira, uye vana vayo vachave nyoka dzinotyisa dzinobhururuka.

30 Uye dangwe revarombo richadya, uye vanoshaya vacharara vasina chavanotya; uye ndichauraya midzi yako nenzara, uye achauraya vanenge vasara.

31 Chema, iwe suwo; chema, iwe guta; imi, mose maFiristia, maparadzwa; nokuti kuchamhembe kuchabva utsi, uye hapana achange ari ega panguva dzake dzaakatarirwa.

32 Ko nhumwa dzemarudzi dzichapindura dzichiti chii? Vachati Ishe akamisa aZioni, uye bvarombo vevanhu vake vachawana cruvimbo mairi.