Magwaro Matsvene
2 Nifai 32


Chitsauko 32

Ngirozi dzinotaura nesimba roMweya Mutsvene—Vanhu vanofanirwa kunamata vawane ruzivo pachavo kubva kuMweya Mutsvene. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino tarisai, hama dzangu dzinodiwa, ndinofunga kuti munoedza kufungisisa mumwoyo yenyu maererano nezvamunofanira kuita kana muchinge mapinda munzira iyi. Asi tarisai, munofungisisirei zvinhu izvi mumwoyo yenyu?

2 Ko hamucharangarira here kuti ndakati shure kwokunge amagamuchira Mweya Mutsvene munozotaura bnorurimi rwengirozi? Ko zvino mungataure sei nomutauro wengirozi kunze kwokunge Mweya Mutsvene uri mamuri?

3 aNgirozi dzinotaura nesimba roMweya Mutsvene; nokudaro, dzinotaura mazwi aKristu. Nokudaro, ndakati kwamuri, bidyai pamazwi aKristu; nokuti tarisai, mazwi aKristu anokuudzai zvinhu zvose zvamunofanira kuita.

4 Nokudaro, shure kwokunge ndataura mazwi aya, kana musingaanzwisise zvinenga zvichikonzerwa nekuti munenge amusingabvunzi, kana kugogodza; nokudaro, hamuna kuunzwa muchiedza, asi munofanira kufira murima.

5 Nokuti tarisai, zvakare ndinoti kwauri kana muchinge mapinda nenzira, mukagamuchira Mweya Mutsvene, uchakuratidzai zvinhu zvose zvamunofanira kuita.

6 Tarisai, iyi idzidziso yaKristu, hakuna imwe dzidziso ichapiwa kusvikira shure kwokunge aazviratidza kwamuri iye pachake panyama. Kana achinge azviratidza kwamuri panyama, zvinhu zvose zvaachakuudzai munofanira kuzviita.

7 Uye zvino ini Nifai, handingataure zvakawanda; Mweya unomisa kutaura kwangu, ndasiiwa ndichichema nokuda akwokusatenda, nekuipa, nekusaziva, nokuomesa mutsipa kwavanhu; nokuti havatsvaki ruzivo, kana kunzwisisa ruzivo rwukuru, kana rwuchipiwa kwavari bzviri-pachena sokuvapachena kungaite izwi.

8 Uye zvino vadikani, ndiri kuona kuti muchiri kufungisisa mukati memwoyo yenyu; zvinondirwadza kutaura pamusana pechinhu ichi. Nokuti mukateerera kuMweya uyo unodzidzisa munhu kunamata, munoziva kuti munofanira akunamata; nokuti mweya bwakaipa haudzidzise munhu kunamata, asi unomudzidzisa kuti asanamate.

9 Asi tarisai, ndinoti kwamuri munofanira akunamata nguva dzose, musinganete; kuti musaite kana chimwe chinhu kuna Ishe kunze kwokutanga manamata kuna Baba bmuzita raKristu, kuti akuropafadze nekuita kwako, kuti kuita kwako kugova ckwemagariro akanaka emweya wako.