Magwaro Matsvene
2 Nifai 19


Chitsauko 19

Isaya anotaura nezvaMesia—Vanhu vari murima vachaona chiedza chikuru—Tinozvarirwa mwana—Achave Jinda reRunyararo uye agotonga agere pachigaro cheushe chaDavidi—Enzanisa naIsaya 9. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Zvisinei, kudzimaidzwa hakuzoita sekwakange kuri mukutambudzika kwake, apo pakutanga zvaakangonyaikira chete kunetsa anyika yaZeburuni, nenyika yeNaftari, uye mushure mezvo akazotambudza zvinorwadza nekuGungwa Dzvuku mhiri kwaJorodani muGarirea yemarudzi.

2 Vanhu vaifamba amurima vaona chiedza chikuru; avo vanogara munyika yemumvuri werufu, pavari chiedza chapenya.

3 Imi mawanza rudzi, uye amukapamhidzira mufaro—vanofara pamberi penyu maererano nemufaro wepanguva dzekukohwa, uye sekufara kunoita varume kana vachigovana zvinhu zvavapamba.

4 Nokuti matyora joki rekudzvinyirirwa kwake, netsvimbo yairova mapfudzi ake, mubhadha wemudzvinyiriri wake.

5 Nokuti kwose kurwa kwemurwi kune ruzha rwunokanganisa, nezvipfeko zvaumburudzwa muropa; asi izvi zvichave nekubvira nekuve huni dzinobvirisa moto.

6 Nokuti kwatiri amwana azvarwa, kwatiri tapiwa mwanakomana, uye bkutonga kuchave pamapfudzi ake; uye zita rake richadaidzwa kuti Anoshamisa, Mupiwezano, Mwari cSamasimba, Baba dVasingaperi, eJinda reRunyararo.

7 Uye kupamhidzirwa akwekutonga nerunyararo bhazvina magumo, pachigaro cheumambo hwaDavidi, nemuumambo hwake, nekuhumisa nekutonga nekururama kubvira iye zvino, kusvika nokusingaperi. Kuda kwaIshe veHondo kuchaita kuti zviitike.

8 Ishe vakatumira shoko ravo kuna Jakobo uye rajekesa kuna aIsraeri.

9 Uye vose vanhu vachaziva, kana Efraimi nevanhu veSamaria, vanotaura nekudada nekuzvikudza kwemwoyo:

10 Zvidhinha zvakoromoka, asi tichavaka nematombo akavezwa; mionde yatemwa, asi tichaipindura kuti ive misidha.

11 Nokudaro Ishe vachamutsira aRezini vavengi, vagobatanidza vavengi vake pamwechete;

12 VaSiria pamberi uye nevaFiristia shure; uye avachamedza Israeri nemuromo wakashama. Nokuti bhasha dzavo hadzina kudzoswa, asi ruoko rwavo rwuchakangosimudzwa.

13 Nokuti vanhu ahavatendeukire kune uyo anovarova, kana Ishe veHondo havamutsvake.

14 Saka Ishe vachadimura vaIsraeri musoro nemuswe, bazi nenhokwe muzuva rimwechete.

15 Harahwa, ndiyo musoro; uye muporofita anodzidzisa nhema, ndiye muswe.

16 Nokuti vatungamiri vevanhu ava ndivo vanoita kuti vatadze; uye avo vanotungamirwa navo vanoparadzwa.

17 Nokudaro Ishe havachazove nerufaro nemajaya avo, havazove anetsitsi kune vasina baba vavo neshirikadzi; nokuti mumwe nomumwe wavo munyengedzi nemuiti wezvakaipa, uye wose muromo unotaura bnhema. Nezvose izvi hasha dzavo hadzina kudzoswa, asi cruoko rwavo ruchakatambanudzwa.

18 Nokuti huipi hunobvira semoto; uchapisa rukato neminzwa, uye uchabatira mumasango akapfita, ugokwira semhute yeutsi.

19 Nehasha dzaIshe veHondo nyika inoita rima, uye vanhu vachaita sehuni dzaiswa muchoto; ahakuna munhu acharegerera hama yake.

20 Achabvuta nekurudyi agoshoshera uye agonzwa nzara; uye aachadya neruboshwe uye vagosaguta; wose munhu achadya nyama yeruoko rwake—

21 aManase, bEfraimi; uye Efraimi, Manase, ivava pamwechete vacharwisa cJuda. Nokudaro hasha dzavo hadzina kudzoswa, asi ruoko rwavo rwuchakatambanudzwa.