Magwaro Matsvene
2 Nifai 23


Chitsauko 23

Kuparadzwa kweBabironi kunofanana nekuparadzwa kuchavepo muKuuya Kwechipiri—Richave zuva rehasha nekudzorera—Babironi (nyika) ichapunzika zvachose—Enzanisa naIsaya 13. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 aMutoro bweBabironi wakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi.

2 Sumudzai amureza pamusoro pegomo refu, movadaidzira, bzunzai ruoko, kuti vapinde mumasuo evakuru-vakuru.

3 Ndaraira avo avakaitwa vatsvene vangu, ndadaidzawo magamba angu, nokuti hasha dzangu hadzisi kune avo vanofadzwa neukuru hwangu.

4 Ruzha rwevanhu vazhinji mumakomo rwunenge rwemhomho yevanhu, zhowe-zhowe areumambo hwemarudzi baungana pamwechete, Ishe veHondo vanogadzirira varwi vavo kunorwa.

5 Vanobva kunyika iri kure, kwakaperera denga, hongu, Ishe, nezvombo zvekushatirwa kwavo, kuti vaparadze nyika yose.

6 Chemai imi, nokuti zuva raIshe rave pedyo; richauya semharadzi inobva kuna Samasimba.

7 Naizvozvo ose maoko achaneta, mwoyo wemunhu wose uchanyangadika;

8 Uye vachatya; vacharwadziwa nekusuwa kugovabata; vachashamiswa nevamwe vavo pachavo, uso hwavo huchaita semarimi emoto.

9 Tarisai, zuva raIshe riri kuuya, rakaipa rine hutsinye nekutsamwa kunotyisa, kunoparadza nyika; uye avachaparadza vatadzi varimo.

10 Nokuti nyenyedzi dzedenga nezvose zvirimo hadzizopa chiedza chadzo; azuva richasvibiswa mukufamba kwaro, nemwedzi uchaita kuti chiedza chawo chisavheneke.

11 Uye andicharanga nyika nenzira yekutadza, nevatadzi vacharangwa nokutadza kwavo; ndichaita kuti kuzvida bkweunodada kupere, uye ndichabvisa kuzvikudza kweanotyisa.

12 Ndichaita kuti amunhu akoshe kupfuura goridhe; akoshe kunyange kupfuura goridhe reOfiri.

13 Naizvozvo, ndichaita kuti denga rizunguzike, uye nyika aichabva munzvimbo mayo, mukushatirwa kwaIshe veHondo, uye muzuva rehasha dzavo dzinotyisa.

14 Uye vachaita semhara iri akutandaniswa, uye sehwai dzisina muridzi; uye vachati munhu ega-ega adzokere kuvanhu vekwake, uye vagotizira mumwe nomumwe kunyika kwake.

15 Mumwe nomumwe anodada achabaiwa; hongu, uye wose uyo akabatana nevakaipa achapunzika nemunondo.

16 Vana vavo vachapazurwa-pazurwa pamberi pavo vakatarisa; dzimba dzavo dzicharozvwa uye vakadzi vavo vagobatwa chibharo.

17 Tarisai, ndichaita kuti vaMedia vavamukire, vasina hanyn’a nesirivha kana goridhe, zve havafadzwe nazvo.

18 Miseve yavo ichadambura-dambura majaya; zve havazove netsitsi kumichero yenhumbu maziso avo haazonzwira vana vadiki tsitsi.

19 Uye Babironi, gamba reushe, arunako nerudado rweKardia, richaita sezvakaita bSodoma neGomora pazvakaparadzwa naMwari.

20 Hapana aanozogaramo, zve hapana anozovakamo zvizvarwa nezvizvarwa: Kana vaArabia havachazodzika tende dzavo imomo; kana vafudzi vehwai havachazovaka matanga avo imomo.

21 Asi mhuka adzesango dzichagaramo; dzimba dzavo dzichazara nemakava; nemazizi achagaramo, uye bzvikotora zvichatambamo.

22 Uye mhuka dzesango dzemuzvitsuwa dzichachema mumatongo aedzimba dzavo, bzvipukanana mumatongo mudzimba dzavo dzemadzimambo; nguva yake yave pedo nekusvika, uye zuva rake harichanonotswa. Nokuti ndichamuparadza nokukurumidza; hongu, nokuti ndichaitira vanhu vangu tsitsi, asi vakaipa vachafa.