Magwaro Matsvene
2 Nifai 1


Bhuku reChipiri raNifai

Nhoroondo yokufa kwaRihai. Vakoma vaNifai vanomupandukira. Ishe vanoyambira Nifai kuti aende murenje. Nenzendo dzake murenje, nezvimwewo.

Chitsauko 1

Rihai anoporofita pamusoro penyika yorusununguko—Mbeu yake ichaparadzwa nokurangwa kana vachinge varamba Mutsvene waIsraeri—Anokurudzira vanakomana vake kuti vapfeke nguwo dzoutsvene. Zvingangove makore 588 kusvika ku570 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti shure kwokunge ini Nifai, ndapedza kudzidzisa vakoma vangu, ababa vedu, Rihai, vakataurawo zvinhu zvakawanda kwavari, vakadzokorora kwavari, kuti Ishe vakanga vaita zvinhu zvikuru sei kwavari mukuvaburitsa munyika yeJerusarema.

2 Uye vakataura kwavari pamusoro apokupanduka kwavo mumvura, netsitsi dzaMwari mukuvaponesa nekuti vasamedzwe mugungwa.

3 Uye vakataura kwavari zvakare pamusana penyika yechipikirwa, iyo yavakanga vawana—kuti Ishe vakanga vane tsitsi dzakaita sei pakutiyambira kuti titize kubva kunyika yeJerusarema.

4 Nokuti tarisai, ndaona achiratidzo, chandiratidza kuti bJerusarema yaparadzwa; uye dai takaramba tiri kuJerusarema tingadai ctakaparara.

5 Asi vakati, kana dai zvazvo takatambudzika, tawana anyika yechipikirwa, nyika byakanaka kupfuura dzimwe nyika; nyika iyo Ishe Mwari vakabvumirana neni kuti ichazova nyika yembeu yangu. Hongu, Ishe cvakavimbisa nyika iyi kwandiri, nokuna vana vangu nokusingaperi, naavo vose vachatungamirirwa kubva kune dzimwe nyika noruoko rwaIshe.

6 Saka ini Rihai, ndinoporofita nokushanda kweMweya uri mandiri, kuti ahapana kana mumwe achauya munyika ino kunze kwokunge aunzwa noruoko rwaIshe.

7 Naizvozvo, anyika ino yakagadzirirwa avo chete vavanounza. Uye kana vari vachamushandira nenzira yemitemo yavanovapa, ichazova nyika byerusununguko kwavari; naizvozvo, havachazoiswa zvakare muusungwa; nokuti zvikadaro, zvinenge zvakonzerwa nekutadza kwavo; nokuti kana kutadza kukawanda nenyika cichatukwa pamusana pavo, asi kuvatsvene icharopafadzwa nokusingaperi.

8 Uye tarisai, huchenjeri kuti nyika ino haifanire kuzivikanwa nedzimwe nyika; nokuti tarisai, vanhu venyika zhinji vachamhanyira kunyika ino, zvekuti hapazosara nzvimbo yenhaka.

9 Saka ini Rihai, ndakavimbiswa, kuti akana avo vose Ishe Mwari vavachaunza kubva kunyika yeJerusarema vachachengeta mirairo yake, bvachabudirira pauso hwenyika ino; vachazochengetwa kubva kune dzimwe nyika, kuti nyika ino ive yavo vega. Uye kana cvakachengeta mirairo yake vachakomborerwa pachiso chenyika ino, hapana achavanetsa, kana kutora nyika yenhaka yavo; vachagara pasina chavanotya nokusingaperi.

10 Asi tarisai, kana nguva yasvika yokuti vave kuderera mukusatenda, shure kwokunge vagamuchira makomborero makuru akadai kubva kuna Ishe—vane ruzivo rwokusikwa kwenyika, navanhu vose, nokuziva mabasa anoshamisa makuru aIshe kubva pakusikwa kwenyika; nokuva nesimba rakapiwa kwavari kuti vaite zvinhu zvose mukutenda; nokuva nemirairo yose kubva pakutanga, nokuuiswa muno nokunaka kwavo kusingaverengeke munyika ino yechipikirwa—tarisai, ndinoti, kana zuva rikazosvika ravacharamba Uyo Mutsvene weIsraeri, aMesia wechokwadi, Mununuri wavo naMwari wavo, tarisai, kutonga kwavo avo vasina tsvete kuchagara pavari.

11 Hongu, vachaunza amamwe marudzi kwavari, uye vachapa simba kwavari, uye vachavatorera nyika nezvinhu zvavo, uye vachavaita kuti bvaparadzirwe nokubaiwa.

12 Hongu, kubva kunoita chizvarwa ichi kuchiuya chimwe kuchave anekudeuka kweropa, nokurangwa kukuru pakati pavo; naizvozvo, vanakomana vangu ndinoti dai mayeuka; hongu, uye makwanisa kuteerera mazwi angu.

13 Kuti mumuke; mumuke kubva pakurara kwakadzika, hongu, kana kumuka mukurara akwomugehena, muzunze bngetani dzakakusungai, dziri idzo ngetani dzakasunga vana vavanhu, dzinoita kuti vagozotakurwa muuranda kuendwa navo pasi cmugomba rekusingaperi rekusuwa nenhamo.

14 Mukai! musimuke kubva muguruva, munzwe izwi aromubereki ari kubvunda, ane mapfupa amucharadzika pasi bmuguva rinotonhora rinyerere, uko kusina anoendako akadzoka; mazuva mashomana uye ndoenda cnzira yepasi rose.

15 Asi tarisai, Ishe avadzikinura mweya wangu kubva mugehena; ndaona kubwinya kwavo, ndikakomberedzwa nokusingaperi bmumaoko avo corudo.

16 Uye ndinoda kuti muyeuke kuchengetedza amitemo nekuranga kwaIshe; tarisai, ichi ndichochinhu change chichinetsa mwoyo wangu kubva pakutanga.

17 Mwoyo wangu wakatsitsirwa nokusuwa nguva nenguva, nokuti ndaitya, nenzira yokuomesa mwoyo yenyu kuti Ishe Mwari venyu vangauye anokutsamwa kuzere kwamuri, bmukatsaurwa nokuparadzwa zvachose;

18 Kana, kuti kutukwa kungauye kwamuri kwezvizvarwa azvakawanda; uye mukashanyirwa nomunondo, nenzara, mukavengwa, mukatungamirirwa nokubatwa sokuda bkwadhiabhorosi.

19 Vanakomana vangu, dai zvinhu izvi zvarega kuuya kwamuri, asi kuti muve vakasarudzwa anokudiwa savanhu vaIshe. Asi tarisai, kuda kwavo ngakuitwe; nokuti bnzira dzavo dzakarurama zvisingaperi.

20 Uye ivo vakati: aKana mukachengeta bmirairo yangu cmuchabudirira panyika; asi kana mukasachengeta mirairo yangu muchabviswa pamberi pangu.

21 Uye zvino kuti mweya wangu uwane rufaro mamuri, uye nokuti mwoyo wangu usiye nyika ino uchifara pamusoro penyu, kuti ndisaiswe muguva ndakasuwa, simukai kubva muguruva, vanakomana vangu, muve avarume, mushinge nepfungwa bimwechete nomwoyo mumwechete, makabatana pazvinhu zvose, kuti musaiswe pausungwa;

22 Kuti musatukwe nokotukwa kunorwadza; uye zvakare, kuti musaite zvinoita kuti Mwari avakanaka vakushatirirwei, vakuparadzei, hongu, pakuparadzwa kwokusingaperi kwomweya nomuviri.

23 Mukai, vanakomana vangu; mupfeke anguo dzoutsvene. Zunzai ngetani dzakakusungai, mubve pamusingaonekwe, uye musimuke kubva muguruva.

24 Musamukire zvakare munin’ina wenyu, uyo ane pfungwa dzinobwinya, uye akachengeta mirairo kubvira panguva yatakasiya Jerusarema; anga achishandiswa ari mumaoko aMwari, mukutiunza munyika yechipikirwa; nokuti dai pakanga pasina iye, tingadai tose takafa anenzara murenje; zvisinei, imi maitsvaga bkuparadza upenyu hwake, hongu, akatambudzika nokusuwa zvikuru pamusana penyu.

25 Uye ndinotya zvikuru nokubvunda pamusana penyu, kuti achatambudzika zvakare; nokuti tarisai, makamupomera mhaka yokuti anga achitsvaga simba nemvumo yokutonga imi; asi ndinoziva kuti haana kutsvaga simba nemvumo yekuti aakutongei, asi akatsvaga kubwinya kwaMwari, nemagariro enyu akanaka okusingaperi.

26 Uye mukatsutsumwa nokuti akakutaurirai pachena. Munoti akange aakakuomeserai; munoti anga akashatirirwa imi; asi tarisai, kutaura kwake kwanga kuri kutaura kwesimba reshoko raMwari, iro rakanga riri maari, nezvamunodaidza kuti kushatirwa ichokwadi, maererano nezviri muna Mwari, zvaakanga asingagone kuvanza, asi kuisa pachena pasina kutya kutadza kwenyu.

27 Uye zvinofanira kuti asimba raMwari rive naye, uye kunyange pakukurairai kuti makafanira kuteerera. Asi tarisai, akanga asiri iye, asi wakanga uri bMweya waIshe wakanga uri maari, cwakazarura muromo wake kuti urambe uchitaura.

28 Uye zvino mwanakomana wangu, Ramani, newe Remueri naSemu, uye vanakomana vangu vanove vanakomana vaIshmaeri, tarisai, mukateerera kuizwi raNifai hamuparari. Uye mukateerera kwaari ndichakupai achikomborero, hongu, chikomborero changu chekutanga.

29 Asi mukaregera kuteerera kwaari ndichatora achikomborero changu chekutanga, hongu, kana chikomborero changu uye chichazogara pamusoro pake.

30 Uye zvino, Zoramu, ndinotaura kwauri: Tarisai, uri amuranda waRabhani; zvisinei, wakaunzwa kubva kunyika yeJerusarema, ndinoziva kuti uri shamwari yechokwadi yemwanakomana wangu Nifai, nokusingaperi.

31 Naizvozvo, nokuti wanga uchivimbika zvikuru mbeu yako ichakomborerwa anembeu yake, kuti vagare muupfumi kwenguva yakareba munyika ino; uye hakuna, kunze kwekunge vave nokuipa pakati pavo, chinovakuvadza kana kuvakanganisa mukubudirira kwavo munyika ino nokusingaperi.

32 Naizvozvo, ukachengeta mirairo yaIshe, Ishe vakagadzirira nyika ino kuchengetedzwa kwembeu yako nembeu yomwanakomana wangu.