Magwaro Matsvene
2 Nifai 17


Chitsauko 17

Efraimi naSiria vanoita hondo naJuda—Kristu achazvarwa nemhandara—Enzanisai naIsaya 7. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti mumazuva aAhazi mwanakomana waJotami, mwanakomana waUziya, mambo weJuda, kuti Rezini, mambo weSiria, naPeka mwanakomana waRemaria, mambo weIsraeri, vakaenda kuJerusarema vachida kunoirwisa, asi vakatadza kuikunda.

2 Uye zvakataurirwa vemba yaDavidi zvichinzi: Siria yafurirana anaEfraimi. Uye mwoyo wake wakazunguzwa, nemwoyo yevanhu vakewo, sekuzunguzwa kunoitwa miti nemhepo musango.

3 Zvino Ishe vakati kuna Isaya: Enda iye zvino unosangana naAhazi, iwe anaSheari-jashubi mwanakomana wako, pakaperera mugero unobva muchidziva chekumusoro mumugwagwa wekumunda kwemusuki wenhumbi;

4 Uye woti kwaari: Chenjera, uye unyarare; ausatye, zve usarohwe nehana pamusoro pezvitsiga zvemoto zviri kupfungaira, nekushatirwa kunotyisa kwaRezini achishatirirwa Siria, nemwanakomana waRemaria.

5 Nokuti Siria, Efraimi, nemwanakomana waRemaria, vakarangana zvakaipa nezvako, vachiti:

6 Hendei kumaJuda tinovanetsa, atigozviitira muganhu wedu imomo, uye tigoisa mambo pakati pavo, hongu, mwanakomana waTabeeri.

7 Ndizvo zvinotaura Ishe Mwari: Hazvimire, zve hazvizoitika.

8 Nokuti musoro weSiria iDamasiko, uye musoro weDamasiko, ndiRezini; uye mukati memakore makumi matanhatu ane makore mashanu vaEfraimi vachatorwa zvekuti vanenge vasisiri vanhu.

9 Uye musoro wevaEfraimi vaSamaria, uye musoro wemaSamaria mwanakomana waRemaria. Kana amukasatenda chokwadi hamungasimbiswe.

10 Zvakare, Ishe vakataura zve kuna Ahazi, achiti:

11 Kumbira iwe achiratidzo kuna Ishe Mwari vako; chikumbire chero kune zvakadzama pasi, kana kune zviri muchadenga.

12 Asi Ahazi akati: Handikumbire kwete, zve ahandiedze Ishe.

13 Uye akati: Inzwai zvino imi vemba yaDavidi; chinhu chiduku here kuti munetse vanhu, asi mungade kunetsa Mwari wanguwo here?

14 Nokudaro, Ishe pachake achakupai chiratidzo—Tarisai, amhandara ichabata pamuviri, uye igobereka mwanakomana, achadaidzwa zita rake kunzi bImanueri.

15 Ruomba neuchi ndizvo zvaachadya, kuti agoziva kuramba zvakaipa uye achisarudza zvakanaka.

16 Nokuti amwana asati asvika pakuramba chakaipa nokusarudza chakanaka, nyika yamakavenga inenge yatosiiwa nemadzimambo ayo bmaviri.

17 Ishe avachaunza pauri, nekuvanhu vekwako, nemumba mababa vako, mazuva asati ambovako kubvira musi wakabva bvaEfraimi muna Juda, mambo weAsiria.

18 Uye zvichaitika kuti muzuva iroro Ishe avacharidzira muridzo nhunzi iri kumusoro-soro kweEgipita, nenyuchi iri munyika yeAsiria.

19 Uye dzichauya, uye dzichazorora dzose mumanhika asina chinhu, nemumwena yematombo, nepaminzwa yose, nepamakwenzi ose.

20 Muzuva rakarero Ishe avachaveura nechisvo chakumbirwa, navari mhiri kwerwizi, bnamambo weAsiria, musoro, nemvere dzemumakumbo; uye chichabvisawo ndebvu.

21 Uye zvichaitika kuti muzuva iroro, murume aachapfuya mhou ichiri diki nehwai mbiri;

22 Uye zvichaitika kuti, nenzira yekuwanda kwemukaka wazvichamupa achadya ruomba; nokuti ruomba neuchi ndizvo zvichadyiwa nemunhu wose anosara ari munyika.

23 Uye zvichaitika kuti muzuva iroro, nzvimbo yose ichavepakange paine mizambiringa yange ichikwana chiuru ichikosha chiuru achesirivha, pachasara pave nerukato neminzwa.

24 Varume vachauyako nemiseve neuta, nokuti yose nyika inenge yangove rukato neminzwa.

25 Uye zvose zvikomo zvicharimwa nemapadza, hapazove nekutya rukato neminzwa; asi muchave mokusairira madhonza, nokutsikwa-tsikwa nedzimwe mombe adiki.