Magwaro Matsvene
2 Nifai 25


Chitsauko 25

Nifai anofadzwa nekuisa zvinhu pachena—Chiporofita chaIsaya chichanzwikwa mumazuva ekupedzisira—MaJuda vachadzoka kubva kuBabironi, vorovera Mesia, uye voparadzwa vorangwa zvakaomarara—Vanozoponeswa kana vave kutenda munaMesia—Achatanga kuuya mushure memazana matanhatu emakore Rihai abva muJerusarema—MaNifai vanotevedza murau waMosesi uye vachitenda munaKristu, uyo Mutsvene waIsraeri. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino ini Nifai, ndinotaura zvishoma-shoma pamusoro pemazwi andakanyora, akataurwa nemuromo waIsaya. Nokuti tarisai, Isaya akataura zvinhu zvizhinji izvo zvakange azvakaomera vanhu vazhinji vekwedu kuti vanzwisise; nokuti havana zvavanoziva maererano netsika yekuporofita kwamaJuda.

2 Nokuti ini Nifai, handina kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji pamusoro petsika dzamaJuda, nokuti amabasa avo aiva mabasa erima, uye kuita kwavo kwaiva kuita kweruvengo.

3 Nokudaro, ndinonyorera kuvanhu vekwangu, kune vose avo vachagashira zvinhu izvi zvandanyora, kuti vagoziva kutonga kwaMwari, kuti kunouya kumarudzi ose, maererano nemazwi avakataura.

4 Nokudaro, teererai imi vanhu vekwangu, imi vemba yaIsraeri, uye muteerere kumazwi angu; kana dai zvazvo mazwi aIsaya musinganyatsoanzwisisa, zvakadaro mazwi ari pachena kwazvo kune avo vose vakazadzwa anemweya bwechiporofita. Asi ndinokupai chiporofita, maererano nemweya uri mandiri; nokudaro ndichaporofita cndichiisa pachena sekuita kwandange ndichingoita kubvira nguva yandabva Jerusarema ndiina baba vangu; nokuti tarisai, mweya wangu unofarira kuisa zvinhu pachena kuvanhu vekwangu, kuti vagodzidza.

5 Hongu, nemweya wangu unofadzwa nemazwi aaIsaya, nokuti ndakabva Jerusarema, uye maziso angu akaona tsika bdzamaJuda, uye ndinoziva kuti maJuda anonzwisisa zvinhu zvemaporofita, uye hakuna vamwe vanhu vanonzwisisa zvinhu zvakataurwa kumaJuda, saivo, kunze kwekunge vatodzidziswa tsika nekugara kwemaJuda.

6 Asi tarisai, ini Nifai, handina kudzidzisa vana vangu netsika inodzidzisa maJuda, asi tarisai, ini pachangu, ndakagara muJerusarema, nokudaro ndinoziva nezvematunhu eruwa urwu; uye ndakataurira vana vangu maererano nekutonga kwaMwari, uko akwakaitwa mukati mavaJuda, kuvana vangu, maererano nezvose zvakataurwa naIsaya, uye handizvinyore.

7 Asi tarisai, ini ndinoenderera nechiporofita changu, chiri maererano anekuisa pachena kwangu; uko kwandinoziva kuti kunoita kuti vanhu vasakanganise; zvakadaro, mumazuva achazadzikiswa chiporofita chaIsaya vanhu vachaziva nechokwadi, kuti zvinhu izvi zvichaitika rinhi.

8 Nokudaro, azvinokosha kuvana vevanhu, uye uyo anofunga kuti hazvina basa, kwavari ndiko kwandichanyanya kutaura, uye ndigoisa mazwi angu kuvanhu bvekwangu chete; nokuti ndinoziva kuti achave anokosha kwazvo kwavari mumazuva cekupedzisira; nokuti muzuva iroro ndimo mavachaanzwisisa; nokudaro, ndaanyora kuti agovayamura.

9 Uye sezvo chimwe chizvarwa mumaJuda achakaparadzwa nenzira yezvitadzo, naizvo vachaparadzwa chizvarwa nechizvarwa maererano nezvitema zvavo; uye hakuna mumwe wavo akamboparadzwa asati bafanoyambirwa nevaporofita vaIshe.

10 Nokudaro, vakataurirwa nezvekuparadzwa kwakange kuchizoitika mushure mekubva kwababa vangu muJerusarema; zvakadaro, vakaomesa mwoyo yavo; uye maererano nechiporofita changu avakaparadzwa, kunze kweavo bvakatakurwa kuenda Babironi senhapwa.

11 Uye zvino ndinotaura izvi nenzira yemweya uri mandiri. Uye hazvinei kuti vakatapwa vachadzoka zvakare, uye vagotora nyika yeJerusarema; nokudaro, avachadzorerwa zvakare munyika yenhaka yavo.

12 Asi tarisai, vachave nehondo, nerunyerekupe rwehondo; uye kana zuva rasvika rekuti aMumwechete Akaberekwa waBaba, hongu, kana ivo Baba vekudenga nenyika, vachazviratidza ivo vomene munyama, tarisai, vachamuramba, nenzira yekuipa kwavo, nehukukutu hwemwoyo yavo, nekuomarara kwemitsipa kwavo.

13 Tarisai, avachamurovera; uye mushure mekuradzikwa bmuguva kwemazuva cmatatu dachamuka kubva kuvakafa, ane kurapa mumapapiro ake; uye avo vose vachatenda muzita rake vachaponeswa muumambo hwaMwari. Nokudaro, mweya wangu unofara kuti ndiporofite pamusoro pake; nokuti endakariona zuva rake, uye mwoyo wangu unokudza zita rake dzvene.

14 Uye tarisai zvichaitika kuti mushure mekumuka akwaMesia kuvakafa, uye azviratidza kuvanhu vake, kune vose vari vazhinji vachatenda muzita rake, tarisai, Jerusarema bichaparadzwa zvakare; nokuti nhamo kune avo vanorwisana naMwari nevanhu vechechi yake.

15 Nokudaro, amaJuda bachaparadzirwa mukati memamwe marudzi ose; hongu, cneBabironiwo ichaparadzwa; nokudaro, maJuda achaparadzwa nemamwe marudzi.

16 Uye mushure mekunge vaparadzirwa, uye Ishe Mwari vavarovesa nemamwe marudzi kwezvizvarwa zvizhinji, hongu, kana kuchizvarwa zvichienda kune chimwe chizvarwa kudakara vanyengetedzwa amukutenda munaKristu, Mwanakoma waMwari, nemurudzikinuro, urwo rwusingaverengeke kurudzi rwose rwemunhu—uye kana zuva rekuti vanenge vave kutenda munaKristu, nekunamata Baba muzita rake, nemwoyo isina tsvina nemaoko akachena, uye vosiya zvekutarisira mumwe Mesia, zvino, panguva iyoyo, zuva richasvika rekuti zvinotofanira kuti vatende muzvinhu izvi.

17 Uye Ishe vachasimudza ruoko rwavo zvakare kechipiri kuti avadzore vanhu vavo kubva mukurasika mukupunzika kwavo. Nokudaro, vachaita basa brinoshamisa neminana mukati mevana vevanhu.

18 Nokudaro, vachaunza amazwi avo kwavari, ari mazwi bachavatonga muzuva rekupedzisira, nokuti achapiwa kwavari kuitira ckuvapwisa nezvaMesia wechokwadi, uyo avakaramba; nekuvapwisa kuti havafanire kutarisira zvakare kuuya kwaMesia, nokuti hakuna mumwe achauya, kunze kwekunge ari Mesia dwekunyepera anonyengedza vanhu, nokuti kuna Mesia mumwechete anotaura namaporofita, uye iye Mesia iyeyo ndiye acharambwa namaJuda.

19 Nokuti maererano nemazwi emaporofita, aMesia anouya kwapera mazana bmatanhatu emakore kubvira panguva yakabva baba vangu kuJerusarema; uye maererano nemazwi emaporofita, nemazwiwo cengirozi yaMwari, zita rake richanzi Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari.

20 Uye zvino, hama dzangu, ndataura ndichiisa zvinhu pachena kuti musazokanganisa. Uye kana Mwari vari mupenyu avo avakaburitsa vana vaIsraeri munyika yeEgipita, uye vakapa Mosesi simba brekurapa marudzi mushure mekunge varumwa nenyoka dzine uturu, kana vachinge vatarisa cnyoka iyo yaakange asimudza pamberi pavo, uye vakamupawo simba rekuti arove ddombo ribude mvura; hongu, tarisai ndinoti kwamuri, sezvo zvinhu izvi zviri zvechokwadi, uye sezvo Ishe Mwari vari mupenyu, hapana rimwe ezita rinopiwa pasi pedenga kunze kwera Jesu Kristu, iro randataura, rinove ndiro rinoponesa vanhu.

21 Nokudaro, pamusoro pechikonzero ichi Ishe Mwari vakandivimbisa kuti zvinhu zvandiri akunyora izvi zvichachengetedzwa, uye zvigopiwa kumbeu yangu, kubva kuchizvarwa ichi zvichisiirwa chizvarwa icho, kuti chivimbiso chizadzikiswe kuna Josefa, zvekuti mbeu yake bhaichazoparara kana nyika ichiripo.

22 Nokudaro, zvinhu izvi zvichaenda kuzvizukuru nezvizukuru kana nyika ichiripo; uye zvichaita sekuda kwaMwari nekumufadza kwazvinenge zvichiita; uye marudzi anenge ainazvo aachatongwa nazvo maererano nezvakanyorwa.

23 Nokuti tinoshanda nesimba kuti tinyore, kuti atinyengetedze vana vedu, nehama dzeduwo, nekuti vatende munaKristu, nokuti vayanane naMwari; nokuti tinoziva kuti tinoponeswa bnenyasha, mushure mezvese zvatinokwanisa ckuita.

24 Uye, zvakadaro tinotenda munaKristu, atinochengeta murau waMosesi, totarisira nokushinga kuna Kristu, kudakara murau wazadzikiswa.

25 Nokuti, nechikonzero ichi amutemo wakapiwa; nokudaro mutemo wave chinhu bchakafa kwatiri, uye isu tinoitwa vapenyu munaKristu pamusoro perutendo rwedu; asika tinochengeta murairo pamusoro pezvatinonzi tiite.

26 Uye atinotaura nezvaKristu, tinofara muna Kristu, tinoparidza nezvaKristu, btinoporofita nezvaKristu, uye tinonyora maererano nechiporofita chedu, kuti cvana vedu vagoziva kwekuenda kana votsvaka dkuregererwa zvitema zvavo.

27 Nokudaro, tinotaura nezvemurau kuti vana vedu vagoziva nezvekufa kwemurau; uye ivo, nokuziva kufa kwemurau, vangatarisire kuupenyu huri muna Kristu, vagoziva chikonzero chakaisirwa murau. Uye mushure mekunge murau wazadzikiswa munaKristu, vazive kuti havana chikonzero chavangaomesere mwoyo yavo kwaari iwo murau uchifanira kubviswa.

28 Uye zvino tarisai, vanhu vangu, mune amitsipa-yakaoma; nokudaro, ndataura nemi ndichiisa zvinhu pachena, kuti musashaya kunzwisisa. Uye mazwi andataura bachakuroverai; nokuti akakwana cmukudzidzisa ani nani zvake nzira yakanaka; nokuti nzira yakanaka kutenda muna Kristu nokusamuramba; nokuti nekumuramba muri kurambawo maporofita nemurau.

29 Uye zvino tarisai, ndinoti kwamuri nzira yakanaka kutenda kuna Kristu, uye musamurambe; uye Kristu ndiye Mutsvene waIsraeri; nokudaro makafanira kupfugama pamberi pake, uye momunamata anekugwinya kwenyu kwose, nepfungwa dzenyu dzose, nesimba renyu rose; uye mukaita izvi hamuzoraswa.

30 Uye, sekufanira kwazvinenge zvakaita, makafanira kuchengetedza zviito anezvisungo zvaMwari kusvikira murau wazadzikiswa uyo wakapiwa kuna Mosesi.