Magwaro Matsvene
2 Nifai 8


Chitsauko 8

Mumazuva ekupedzisira, Ishe vachanyaradza Zioni uye vagounganidza Israeri—Vakanunurwa vachauya kuZioni pakati pemufaro mukuru—Enzanisai naIsaya 51 uye 52:1–2. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Teererai kwandiri, imi munotevedza kururama. Tarisai akudombo ramakabva, nekumwena wegomba ramakacherwa.

2 Tarisai kuna Abrahama, ababa wenyu, nekuna bSara, uyo akakuberekai, nokuti ndakamudaidza ari ega, ndikamuropafadza.

3 Nokuti Ishe achanyaradza aZioni, achanyaradza nenzvimbo dzake dzose dzakaparadzwa; uye achaita kuti brenje rake rive seEdeni, uye gwenga rake riite sebindu raIshe. Mufaro nokuseka kuchawanikwamo, kutenda nezwi rinoimba zvinotapira.

4 Teererai kwandiri vanhu vangu; uye mundipe nzeve, imi verudzi rwangu; nokuti amutemo uchabva kwandiri, uye ndichaita kuti kutonga kwangu kumbomira kuti kuve bnechiedza kuvanhu.

5 Kururama kwangu kwave pedyo; aruponeso rwangu rwakaenda, uye ruoko rwangu rwuchatonga vanhu. bZvitsuwa zvichatarisira kwandiri, uye zvichavimba neruoko rwangu.

6 Simudzirai maziso enyu kumatenga, uye mugotarisa panyika iri pasi; nokuti amatenga bachanyangadika seutsi, uye nyika cichasakara sejira; uye avo vanogaramo vachafa netsika imwecheteyo. Asi ruponeso rwangu harwuperi narinhi, uye kururama kwangu hakuzoparadzwa.

7 Teererai kwandiri, imi munoziva kururama, vanhu vane mumwoyo mandakanyora murau wangu, amusatye kusvika kwevanhu, zve musatye kukutukai kwavo.

8 Nokuti shaveshave richavadya sejira, uye makonye achavadya sewuru. Asi kururama kwangu ndokwarinhi, uye ruponeso rwangu nderwezvizvarwa nezvizvarwa.

9 Mukai! Mukai! Itai asimba, imi ruoko rwaIshe; mukai semakare-kare. Hamuzimi here makacheka Rakabi, mukaremadza chikara?

10 Hamuzimi here makaomesa gungwa, mvura yemakadzama zvikuru; makaita udzame hwegungwa anzira yevakatsikinurwa kuti vapfuure?

11 Nokudaro, avakanunurwa vaIshe vachadzoka, uye vouya bnekuimba kuZioni; uye rufaro rwusingaperi neutsvene zvichave pamisoro yavo; uye vachawana rufaro nokufara; kusuwa cnekuchema zvichatiza.

12 aNdini iye; hongu, ndini iye anokunyaradzai. Tarisai, ndimi vana ani, bvanotya vanhu, avo vachafa, uye mwanakomana wemunhu, vachaitwa cseuswa?

13 aUye munokanganwa here Ishe musiki venyu, vakatatamura matenga, uye vakaita hwaro hwenyika, uye vari vanotya mazuva ose, nenzira yehasha dzemudzvinyiriri, sekunge ange agadzirira kuparadza? Uye dziripi hasha dzemudzvinyiriri?

14 Nhapwa inokurumidza, kuti isunungurwe, uye nokuti isafire mugomba, uye nokuti isashaye kudya.

15 Asi ndini Ishe Mwari wenyu, vane amasai-sai akatinhira; Ishe veHondo ndiro zita rangu.

16 Uye ndaisa mazwi angu mumuromo wako, uye ndikakuputira nemumvuri weruoko rwangu, kuti ndidyare denga nokuisa hwaro hwenyika, uye ndoti kuna Zioni: Tarisai, muri avanhu vangu.

17 Mukai, mukai, simukai, imi Jerusarema, makanwa muruoko rwaIshe amukombe bwehasha dzake—makanwa masose anodzedzerekesa emukombe wakasvinwa—

18 Uye hapana wekumutungamirira pakati pevana vake vose vaakabereka; kana wekumubata ruoko, pavana vose vaakabereka.

19 Ava avanakomana vaviri vauya kwauri, ndiani achakunzwira tsitsi—kusuwa kwako nekuparadzwa, uye nzara nemunondo—uye ndinokunyaradza nani?

20 Vanakomana vako vakapfizuka, kunze kweava vaviri; vavete pakatangira migwagwa pose; segono remhuka yesango yabatwa mumambure, vazere nehasha dzaIshe, kutuka kwaMwari vako.

21 Naizvozvo zvino inzwai izvi, imi munotambudzwa, amakararadza, uye kwete newaini:

22 Ndiko kutaura kwaIshe vako, Ishe uye Mwari vako avanochemera nyaya dzevanhu vavo; tarisai, ndabvisa muruoko rwako mukombe wekundendemera, masose emumukombe wehasha dzangu; hauchazounwa zvakare.

23 Asi andichauisa mumaoko eavo vanokutambudza; vakati kumweya wako: Kotama, kuti tiende nepamusoro pako—uye wakarara pasi ukave nzira yeavo vakaenda nepamusoro pako.

24 aMuka, muka, pfeka bsimba rako iwe cZioni; pfeka nhumbi dzako dzinoyevedza iwe Jerusarema, guta dzvene; nokuti kubvira zvino mauri dhamuchazouya vasina kudzingiswa uye kana vasina kuchena.

25 Zvizunze kubva muguruva; asimuka, gara pasi iwe Jerusarema; zvisunungure bmumajoto ari muhuro mako, iwe nhapwa mwanasikana weZioni.