Magwaro Matsvene
2 Nifai 33


Chitsauko 33

Mazwi aNifai ndeechokwadi—Anopupura pamusana paKristu—Avo vanotenda munaKristu vanotenda mazwi aNifai, ayo achamira seuchapupu pamberi penzvimbo yekutongerwa. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino ini Nifai, handingakwanisi kunyora zvinhu zvose zvakadzidziswa vanhu vangu; zve handizi amukuru pakunyora, sepakutaura; nokuti kana munhu bachitaura nesimba roMweya Mutsvene simba roMweya Mutsvene rinotakura mazwi iwayo kumwoyo yavana vavanhu.

2 Asi tarisai, kune vakawanda avakaomesa mwoyo yavo kuMweya Mutsvene, zvekuti hauna nzvimbo mavari; naizvozvo, vanorasira kunze zvinhu zvizhinji zvakanyorwa vachizviita sezvinhu zvisina maturo.

3 Asi ini Nifai, ndakanyora zvandakanyora, ndinozviti zvinhu azvinokosha, kunyanya kuvanhu vangu. Nokuti bndinovanamatira nguva dzose, maziso angu anototesa mutsago wangu usiku, nokuda kwavo; ndinochema kuna Mwari vangu mukutenda, uye ndinoziva kuti vachanzwa kuchema kwangu.

4 Uye ndinoziva kuti Ishe Mwari vanoropafadza minamato yangu inoponesa vanhu vangu. Namazwi andakanyora ndisina kusimba aachasimbiswa kwavari; nokuti banovatunhidza kuti vaite zvakanaka; anoita kuti vazive zvemadzibaba avo; anotaura pamusana paJesu, achivatunhidza kuti vatende maari, nokuti vashingirire kusvikira kumagumo, unova ndiwo upenyu chwokusingaperi.

5 Uye unotaura anehasha kuchivi, maererano nechokwadi chiri bpachena; nokudaro, hapana munhu achashatirwa nemazwi andakanyora, kunze kwokunge ari wemweya wadhiabhorosi.

6 Ndinofara kuisa zvinhu pachena, ndinofara nechokwadi; ndinofara munaJesu wangu, nokuti aakadzikinura mweya wangu kubva mugehena.

7 Ndine arudo rwakadzama kuvanhu vangu, nokutenda kukuru munaKristu kuti ndichasangana nemweya yakawanda isina tsvina pachigaro chake chokutonga.

8 Ndine rudo rwakadzama akumaJuda—ndinoti maJuda, nokuti ndinoreva vekwandakabva.

9 Uye ndine rudo rwakadzama anamaJentairi. Asi tarisai, hapana wandinotarisira kunze kwokuti bvatendeukire kunaKristu, nokupinda napasuo crakamanika, dnokufamba panzira eyakamanikana nhete inotungamirira kuupenyu, voramba vari munzira kusvikira kumagumo ezuva rokuedzwa.

10 Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa, uye namaJuda, namativi ose enyika, teererai mazwi aya amugotenda munaKristu; kana musingatendi mazwi aya tendai munaKristu. Mukatenda munaKristu muchatenda bkumazwi aya, nokuti cmazwi aKristu, uye akaapa kwandiri; uye danodzidzisa munhu wose kuti aitezvakanaka.

11 Uye kana asiri mazwi aKristu, tongai—nokuti Kristu achakuratidzai, anesimba nokubwinya kukuru, kuti mazwi ake, pazuva rokupedzisira; iwe neni tichamira chiso nechiso pamberi bpake; muchazoziva kuti ndakarairwa naye kuti ndinyore zvinhu izvi, zvisingatadziswe nekuneta kwangu.

12 Uye ndinonamata Baba muzita raKristu kuti vazhinji vedu, kana kuti vose, vaponeswe amuumambo hwake pazuva iro guru rokupedzisira.

13 Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa, avo vose veimba yaIsraeri, namativi ose enyika, ndinotaura kwamuri seizwi reuyo ari kuchema ari amuvhu: Sarai zvakanaka kusvikira zuva guru rasvika.

14 Uye newe usingapinde mukunaka kwaMwari, nokukudza amazwi amaJuda, uye bnamazwi angu, namazwi achabuda mumuromo weGwayana raMwari, tarisai, ndinokuti usare zvakanaka zvisingaperi, nokuti mazwi iwaya cachakurasa pazuva rokupedzisira.

15 Nokuti zvandinobatanidza panyika, zvichaunzwa kwamuri apakutongwa; nokuti ndizvo zvandarairwa naIshe, zve ndinofanira kuteerera. Ameni.