Magwaro Matsvene
2 Nifai 20


Chitsauko 20

Kuparadzwa kweAsiria mufananidzo wekuparadzwa kwevakaipa Pakuuya Kwechipiri—Vanhu vashoma vachasara mushure mekudzoka kwaIshe zvakare—Vakasara vemba yaJakobo vachadzoka musi iwoyo—Enzanisa naIsaya 10. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Nhamo kune avo vanomisa mitemo isina kururama, nekunyora zvakaipa zvekudzvinyirira.

2 Kurambidza varombo kuti vasasvike apakutongwa, nokutorera kodzero kubva kuvarombo vevanhu vangu zvakafanira kuve zvavo, kuti bchirikadzi dzigova nhapwa dzavo, uye vagorozva nherera dzisina madzibaba!

3 Uye muchaitei muzuva arokushanyirwa, nemudambudziko richabva kure? muchatizira kuna ani kuti muyamurwe? Uye muchasiya kupi pfuma yenyu?

4 Ndisisipo ini vachazvipeta pakati pevasungwa, uye vachapunzikira muzvitunha. Zvakadaro hasha dzavo hadzina kudzorwa, asi ruoko rwavo rwuchakangotambanudzwa.

5 Iwe muAsiria, mubhadha wehasha dzangu, uye mudonzvo uri muruoko rwavo kushatirwa akwavo.

6 Ndichamutumira akundorwisa vanhu vanonyengedza, nokuvanhu vanorwisana nehasha dzangu ndichamupa simba rokutora zvinhu zvavo, ovatora, nokuvatsika-tsika sematope mumigwagwa.

7 Asi izvi hazvizizvo zvaanoda kuita, kana mwoyo wake hazvizizvo zvaunofunga; asi zvaanoda nemwoyo wake kuparadza nokuuraya marudzi akawanda.

8 Nokuti anoti: Ko machinda angu ose haazi madzimambo here?

9 Ko Karno haina kuita seKarkemishi here? Ko Hamati haina kuita seArpadi here? Ko Samaria haina kuita seDamasiko here?

10 Sezvo ruoko arwangu rwakasika umambo hwezvifananidzo, uye zvifananidzo izvo zvakange zvichipfuura zvemuJerusarema nezveSamaria;

11 Ndicharega here, sezvandakaita kuSamaria nezvifananidzo zvaro, kuita sezvandakaita kuJerusarema nezvifananidzo zvaro?

12 Nokudaro zvichaitika kuti kana Ishe vachinge vapedza basa ravo rose pagomo reZioni nemuJerusarema, ndicharanga amuchero wemwoyo mukukutu wamambo bweAsiria, nekuzvikudza kuri mumaziso ake.

13 Nokuti aiye anoti: Nesimba reruoko rwangu neungwaru hwangu ndakaita zvinhu izvi; nokuti ndinoziva; uye ndakabvisa miganhu yevanhu, ndikapamba upfumi hwavo, uye ndikaparadza vanhu vemo segamba;

14 Uye ruoko rwangu rwakawana sedendere upfumi hwevanhu; uye sekunongwa kunoitwa mazai asaririra ndiko kuunganidza kwandakaita pasi pose; uye hakuna mumwechete akazunguzuka bapiro, kana kuzurura muromo, kana kudongorera.

15 aKo bdemo ringavirimire anorishandisa here? Ko sowo ringazviite guru here kune uyo anoriita kuti richeke? Sekunge mubhadha ungazvizunze uchirwisana neavo vanoudonzvesa, kana sekunge wakafanira kuzvisimudza wega kunge usiri chimuti!

16 Naizvozvo Ishe, Ishe veHondo, vachapinza pakati pevanhu vavo vakakora; kuonda; uye mukubwinya akwavo vachaisa kupisa kunoita sekupisa kwemoto.

17 Uye chiedza chaIsraeri chichave moto, uye Mutsvene Wake achave rimi, uye uchabvira uye ugopisa minzwa yake nerukato nezuva rimwechete;

18 Uye uchadzima kubwinya kwesango rake, nokweminda yakaorera, zvose amweya nemuviri uye achifizuka nekupera simba kunoita munhu arwara.

19 Uye aimwe yose miti ichasara musango rake ichave mishoma, zvekuti kana mwana anogona kuiverenga.

20 Uye zvichaitika muzuva airoro, kuti vakasara vaIsraeri, neavo vakapunyuka bvemba yaJakobo, chavazotarisira kune uyo akambovarova, asi vachatarisa kuna Ishe, Mutsvene waIsraeri, muchokwadi.

21 aVakasara vachadzokera, hongu, kana vakasara vemba yaJakobo, kuna Mwari vane simba.

22 Nokuti kana dai zvazvo vanhu vako Israeri vakawanda sejecha regungwa, asi vakasara vavo vachadzoka; akuparadzwa kwakagadzirwa kwakafanira bkuchafashukira nokururama.

23 Nokuti Ishe Mwari veHondo avachaunza kuparadzwa, munyika dzose sekutaurwa kwazvakaitwa.

24 Naizvozvo, ndiko kutaura kwaIshe Mwari veHondo: Imi vanhu vangu mugere muZioni, musatye muAsiria; achakurovai nemubhadha, uye agosimudza tsvimbo yokukurwisai, asezvamakaitwa nevaEgipita.

25 Zvichangove zvechinguva chidiki-diki, uye kushatirwa kwangu kwopera, uye hasha dzangu dzichave mukuvaparadza.

26 Uye Ishe veHondo vachakonzera dambudziko sekuuraiwa kwakaitwa avaMidiani pachikomo cheOrebi; uye sezvo mubhadha wake wakanga uri pamusoro pemvura uchasimudzwa sekusimudzwa kwawakaitwa muEgipita.

27 Uye zvichaitika kuti musi iwoyo amutoro wake uchabviswa pamapfudzi ako, uye jokwi rake richabviswa muhuro mako, uye jokwi richaparadzwa pamusana bpekuzodzwa.

28 aIye auya kuAiati, apfuurira kuMigroni; kuMikmashi ndiko kwaachengetera nhumbi dzake.

29 Vakwira nepamupata; vatora pekugara muGeba; Rama ave kutya; Gibea wekuSauro anotiza.

30 Daidzira, iwe mwanasikana waGarimi; ita kuti unzwikwe Raisha, iwe Anatoti.

31 VeMadmena vabviswa; vanhu vemuGebimi vaungana kuti vatize.

32 Kwanhasi vachamira muNobi muzuva iroro; vachanongedza zvibhakera zvavo kugomo remwanasikana weZioni, chikomo cheJerusarema.

33 Tarisai Ishe, Ishe veHondo vachatema mapazi zvinotyisa; uye ayo aakareba kupfuura mamwe achatemwa opunzwa; uye vanozvida vachanyadziswa.

34 Uye achatema miti yemasango akapfita nesimbi, uye Rebanoni ichapunzwa neunesimba.

      • NEMAMWE MAZWI mutongo.

      • NEMAMWE MAZWI kurwisa Israeri.

      • NEMAMWE MAZWI vanozvida vanozvitutumadza.

      • Zef. 2:13.

      • Zvirevo zvose zviri mundima iyi zvinobvunza mubvunzo mumwechetewo. Munhu (semuenzaniso, mambo weAsiria) angabudirire kupfuura Mwarihere?

      • NEMAMWE MAZWI muporofita anoenzanisa mambo nemudziyo unoshandiswa kugadzira zvinhu.

      • NEMAMWE MAZWI Asiria ichaparadzwa zvachose.

      • NEMAMWE MAZWI vakasara vemauto eAsiria.

      • NEMAMWE MAZWI mazuva ekupedzisira.

      • Amosi 9:8–9.

      • NEMAMWE MAZWI vimba ne.

      • NEMAMWE MAZWI achakonzera kuparadzwa kwakataurwa.

      • NEMAMWE MAZWI sezvakaita maEgipita munguva dzekutanga. Eks. 1:13–14.

      • NEMAMWE MAZWI Kufamba kwemauto eAsiria akananga kuJerusarema kunobuditswa; apo (mavhesi 33–34) maitiro aIshe kwaari anonyatso tsanangura zvakadzama.