Magwaro Matsvene
Aruma 22


Chitsauko 22

Aroni anodzidzisa baba vaRamonai nezveKusikwa, kupunzika kwaAdama, neurongwa hwerununuro muna Kristu—Mambo nemba yake yose vanopinduka—Kugovaniswa kwakaitwa nyika pakati pemaNifai nemaRamani kunotsanangurwa. Zvingangove makore 90 kusvika ku77 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino, sekudzidzisa kwakanga kuchiita Amoni vanhu vaRamonai nguva dzose, tichadzokera kunyaya yaAroni nehama dzake; nokuti mushure mekubva kwake munyika yeMidhoni akatungamirirwa neMweya kunyika yaNifai, kana nekumba kwamambo akanga ari munyika yose kunze kwemunyika yaIshmaeri; uye aiva ndiye baba vaRamonai.

2 Uye zvakaitika kuti akaenda kwaari akapinda mumba mamambo, nehama dzake, akakotama kukudza mambo, akati kwaari: Tarisai, imi mambo, ndisu hama dzaAmoni, vamaburitsa mutirongo.

3 Uye zvino imi mambo, kana mukasatiuraya, tichave varanda venyu. Uye mambo akati kwavari: Simukai, nokuti ndichakupai upenyu hwenyu, uye handizobvuma kuti muve varanda vangu; asi ndinoti makafanira kundiparidzira; nokuti ndiri kunetseka mupfungwa pamusoro pemwoyochena nekukosha neukuru hwemazwi ehama yenyu Amoni; uye ndinoda kuziva kuti chikonzero chii asina kubuda nemi munyika yeMidhoni.

4 Uye Aroni akati kuna mambo: Tarisai, Mweya waIshe wamushevedzera kune imwe nzira; aenda kunyika yaIshmaeri, kuti adzidzise vanhu vaRamonai.

5 Zvino mambo akati kwavari: Chii ichi chamataura nezveMweya waIshe? Tarisai, ndichochinhu chiri kundinetsa ichocho.

6 Uyewo, chii ichi chakataurwa naAmoni—Kana mukatendeuka muchaponeswa, kana mukasatendeuka, mucharaswa nezuva rokupedzisira?

7 Uye Aroni akamupindura akati kwaari: Unotenda here iwe kuti kuna Mwari? Uye mambo akati: Ndinoziva kuti maAmarekai anoti kuna Mwari, uye ini ndakavabvumira kuti vavake nzvimbo, kuti vaungane pamwechete kuti vamunamate. Uye zvino kana iwe uchiti kuna Mwari, tarisai ndichazvitenda.

8 Uye zvino Aroni paakanzwa izvi, mwoyo wake wakatanga kufara; uye akati: Tarisai, nechokwadi sezvo muri mupenyu, imi mambo, Mwari variko.

9 Uye mambo akati: Mwari ndiye here Mweya Mukuru uya wakabvisa madzibaba edu munyika yeJerusarema?

10 Aroni akati kwaari: Hongu, ndiye Mweya Mukuru uya, uye akasika zvinhu zvose zviri mudenga nezviri pasi. Munozvitenda here izvi?

11 Uye iye akati: Hongu, ndinotenda kuti Mweya Mukuru ndiwo wakasika zvinhu zvose, uye ndinoda kuti undiudze pamusoro pezvinhu zvose izvi, uye ndinobva ndatenda mazwi ako.

12 Uye zvakaitika kuti Aroni paakaona kuti mambo achatenda mazwi ake, akatangisa nekusikwa kwaAdama, achiverengera mambo magwaro matsvene kuti Mwari vakasika sei munhu nemufananidzo wavo, nokuti Mwari vakamupa mirairo, nokutiwo pamusana pekutadza, munhu akapunzika.

13 Uye Aroni akamutsanangurira magwaro kubvira pakusikwa kwaAdama, achimuratidza kupunzika kwemunhu, nokuita kwavo kwenyama neurongwa hwerununuro, hwakagadzirwa kubvira mukutanga kwenyika, nemuna Kristu, kumunhu wose uyo anotenda muzita rake.

14 Uye sezvo munhu akapunzika hakuna chaanogona kunatsa iye ega; asi kutambudzwa nekufa kwaKristu kunovadzikinura muzvitema zvavo, kuburikidza nerutendo nekutendeuka, nezvimwe zvakadaro; nokuti anodimbura majoto erufu, kuti guva ritadze kukunda, nokutiwo kuruma kwerufu kuchamedzwa netarisiro yekubwinya; uye Aroni akatsanangura zvose zvinhu izvi kuna mambo.

15 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge Aroni atsanangura zvinhu zvose izvi kwaari, mambo akati: Chii chandingaite kuti ndiwane upenyu uhwu hwokusingaperi hwawataura? Hongu, ndingaitei kuti ndizvarwe naMwari, kuti mweya uyu wakaipa udzurwe muchipfuva changu, uye ndigotambira Mweya wake, kuti ndigozadzwa nerufaro, kuti ndisaraswe pazuva rokupedzisira? Tarisai, akadaro iye, ndichasiya zvose zvandinazvo, hongu, ndichasiya umambo hwangu, kuti ndigashire kufara kukuru uku.

16 Asi Aroni akati kwaari: Kana uchida chinhu ichi, kana ukapfugama pamberi paMwari, hongu, ukatendeuka kubva kuzvitadzo zvako zvose, uye ukapfugama pamberi paMwari, uchidaidza zita ravo nerutendo, uchitenda kuti uchagashira, ndipo pauchagashira tariro yauri kuda.

17 Uye zvakaitika kuti Aroni zvaakanga ataura mazwi aya, mambo akapfugama pamberi paIshe, nemabvi ake; hongu, kana iye akazvambarara pasi, akachema zvikuru, achiti:

18 Imi Mwari, Aroni andiudza kuti kuna Mwari; uye kana kuina Mwari, uye kana imi murimi Mwari, mungaite here kuti ndikuzivei, uye ndicharegera zvitema zvangu zvose kuti ndikuzivei, nekuti ndimutswe kubva kuvakafa, uye ndigoponeswa muzuva rekupedzisira. Uye zvino mambo ataura mazwi aya, akarohwa akaita seafa.

19 Uye zvakaitika kuti varanda vake vakamhanya vakanotaurira mambokadzi zvakanga zvaitika kuna mambo. Uye mambokadzi akabva auya kuna mambo; uye zvaakamuona akarara seakafa, uye achionawo Aroni nehama dzake sekunge ndivo vakanga vakonzera kupunzika kwamambo, akavashatirirwa, ndokubva atuma varanda vake, kana kuti varanda vamambo, kuti vavatore vavauraye.

20 Zvino varanda vakanga vaona chakanga chaita kuti mambo apunzike, naizvozvo vakatya kuisa maoko avo pana Aroni nehama dzake; uye vakanyengetedza mambokadzi vachiti: Sei muchititaurira kuti tiuraye varume ava, uye tarisai mumwechete wavo ane simba kupfuura tose? Naizvozvo tichapunzika pameso pavo.

21 Zvino mambokadzi paakaona kutya kwakanga kwabata varanda naiyewo akavamba kutya zvikuru, achitya kuti angangovingwa nechinhu chakaipa. Uye ndokubva ataurira varanda vake kuti vanodaidza vanhu, kuti vazouraya Aroni nehama dzake.

22 Zvino Aroni paakaona kushinga kwamambokadzi, iye, nekuzivawo ukukutu hwemwoyo yevanhu, akatya kuti pangangoungana mhomho yevanhu pamwechete, uye kwove nekupesana kukuru nokukanganisana mukati mavo; naizvozvo akatambanudza ruoko rwake akasimudza mambo kubva pasi, uye akati kwavari: Simukai. Akamira netsoka dzake, achiwana simba rake.

23 Zvino izvi zvakaitwa mumaziso amambokadzi nevazhinji vevaranda. Uye zvavakazviona zvakavashamisa zvikuru, uye vakatanga kutya. Uye mambo akamira, uye akatanga kuparidza kwavari. Uye akavaparidzira, zvekuti imba yake yose yakatendeukira kuna Ishe.

24 Zvino pakanga pane mhomho yakange yaungana pamwechete nenzira yekudaidzwa namambokadzi, kukatanga kuve nekutsutsumwa pakati pavo pamusoro paAroni nehama dzake.

25 Asi mambo akamira mukati mavo akavafundisa. Uye vakanyevenuka kuna Aroni nekune avo vaakanga ainavo.

26 Uye zvakaitika kuti mambo zvaakaona kuti vanhu vanyevenuka, akaita kuti Aroni nevamwe vake vamire pakati pemhomho yevanhu iyi, uye kuti vagovaparidzira shoko.

27 Uye zvakaitika kuti mambo akatumira chiziviso munyika yose, kuvanhu vake vose vaive munyika yake yose, vaive mumatunhu ose akatenderedza, aiganhurana negungwa, kumabvazuva nekumadokero, uye yakange yakaganurana nenyika yaZarahemura nekamutsetse kerenje kakamanika, kaibva kugungwa nechekumabvazuva kachidimbura kunosvika kugungwa nechekumadokero, nepedyo pegungwa, nekumiganhu yerenje raive kuchamhembe kwenyika yeZarahemura, nekumiganhu yeMandi, nekumusoro kwerwizi rweSidhoni, rwuchibva kumabvazuva rwuchienda kumadokero—ndiko kuganurwa kwakanga kwakaitwa maRamani nemaNifai.

28 Zvino, vazhinji vevakanga vaine nungo vemaRamani vaigara murenje, uye vachigaramumatende; uye vakanga vakapararira nerenje nechekumadokero, munyika yaNifai; hongu, nekumadokerowo enyika yaZarahemura, kumuganhu negungwa, nekumadokero munyika yaNifai, munzvimbo yenhaka yekutanga yemadzibaba avo, uye iri yakaganhurana negungwa.

29 Uye kwakanga kuinewo maRamani akawanda nechekumabvazuva nechekugungwa, kuri kwavakanga vatinhirwa nemaNifai. Naizvozvo maNifai akanga akakomberedzwa nemaRamani; zvisinei maNifai akanga akatora rutivi rwose rwekuchamhembe kwenyika rwakaganhurana nerenje, pakatangira rwizi rweSidhoni, kubvira kumabvazuva kusvika kumadokero, munzvimbo dziri pedyo nerenje; kuchamhembe, kana kusvika kunzvimbo yavaiti yeMaguta.

30 Uye yakanga yakaganhurana nenyika yavaidaidza kuti Nyika yeKuparadzwa, yakanga iri kure kuchamhembe zvekuti yaipinda munyika yakambenge iine vanhu uye ikaparadzwa, ine vanhu vane mapfupa atataura nezvawo, akawanikwa nevanhu vaZarahemura, iri iyo nzvimbo yavakatanga kusvika.

31 Uye vakabva ikoko vachikwira kuenda murenje rechekumaodzanyemba. Saka nyika yaive nechekuchamhembe yainzi Nyika yeKuparadzwa, uye nyika yaive nechekumaodzanyemba yainzi Maguta, riri renje rakanga rizere nemhuka dzemarudzi ose, dzimwe dzacho dziri dzakanga dzabva nechekuchamhembe dzichitsvaga zvekudya.

32 Uye zvino, waingova mufambo wezuva rimwe nechikamu kumuNifai, mumutsetse weMaguta nenyika yeKuparadzwa, kubva kumabvazuva kuenda kugungwa rekumadokero; uye saka nyika yaNifai nenyika yeZarahemura dzakanga dzakada kutenderedzwa nemvura, paine kamutsetse kenyika pakati penyika iri kuchamhembe nenyika iri kumaodzanyemba.

33 Uye zvakaitika kuti maNifai akanga agara munyika yeMaguta, kana kubvira kumabvazuva kusvika kugungwa rekumadokero, uye saka maNifai mukuchenjera kwavo, nevatariri vavo nemauto avo, vakanga vamanikidzira maRamani nechekumaodzanyemba, kuti vashaye chavainacho kuchamhembe kwenyika, kuti vatadze kurwisa nyika nechekumusoro kwayo.

34 Naizvozvo maRamani havana kunge vaine chinhu munyika yaNifai, nemurenje rakatenderedza. Zvino uku kwaive kuchenjera kwemaNifai—sezvo maRamani vaive mhandu dzavo, havaibvuma kuti vatambudzwe kwose-kwose, uye nokuti vagowana nyika yekutizira, maererano nezvido zvavo.

35 Uye zvino ini, shure kwekunge ndataura izvi, ndinodzokera zvakare kunyaya yaAmoni naAroni, Omuna naHimunai, nehama dzavo.