Magwaro Matsvene
Aruma 4


Chitsauko 4

Aruma anobhabhatidza zviuru zvevatendeuki—Kutadza kunopinda muChechi, uye kuenderera mberi kweSangano kunokanganiswa—Nifaiha anoitwa mutongi mukuru—Aruma, semupirisita wepamusoro, anopa nguva yake yose kuhushumiri. Zvingangove makore 86 kusvika ku83 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino zvakaitika mugore rechitanhatu rekutonga kwevatongi vachitonga vanhu vaNifai, makange musina kupesana kana hondo amunyika yeZarahemura.

2 Asi vanhu vakanga vachirwadziwa, hongu, vairwadziwa zvikuru nenzira ayekurasikirwa nehama dzavo, nekurasikirwawo nematanga avo, nekurasikirwawo neminda yavo yezvirimwa, yakanga yatsikirirwa nekutsokodzerwa netsoka nokuparadzwa nemaRamani.

3 Uye kurwadziwa kwavo kwakange kuri kukuru zvekuti wose mweya waive nechikonzero chekuchema; uye vaitenda kuti kwaive kutongerwa kwavo naMwari nenzira yeuipi hwavo neruvengo rwavo; naizvozvo vakamutswa vakarangarira basa ravo.

4 Uye vakatanga kusimbisa chechi zvakanyatsokwana; hongu, uye vazhinji avakabhabhatidzwa mumvura yeSidhoni uye vakabatanidzwa muchechi yaMwari; hongu, vakabhabhatidzwa neruoko rwaAruma, akanga agadzwa hupirisita bhwepamusoro pevanhu vechechi, neruoko rwababa vake Aruma.

5 Uye zvakaitika kuti mugore rechinomwe rekutonga kwevatongi kwaive nevanhu vaisvika zviuru zvitatu zvine mazana mashanu emweya yakange yazvibatanidza akuchechi yaMwari uye ikabhabhatidzwa. Uye ndiko kupera kwakaita gore rechinomwe rekutonga kwevatongi kuvanhu vaNifai; uye mukagara muine runyararo munguva yose iyoyo.

6 Uye zvakaitika mugore rechisere rekutonga kwevatongi, kuti vanhu vechechi vakatanga kudada, nechikonzero acheupfumi hwavo hwakanyanya, nenhumbi dzavo dzesirika bdzakanaka, nemachira avo akarukwa zvakanaka, uye nenzira yematanga akanga awanda, negoridhe ravo nesirivha, nezvakasiyana-siyana zvinokosha, zvavakanga vawana nekushanda kwavo; uye vachitarisa zvinhu zvose izvi vakasimudzwa nerudado, nokuti vakatangisa kupfeka nhumbi dzinodhura.

7 Zvino izvi zvaikonzera kurwadza kwakanyanya kuna Aruma, hongu, uye kuvanhu vazhinji vakanga avaitwa vadzidzisi naAruma, nevapirisita, nemagosa muchechi; hongu, vazhinji vavo vakasuwa zvikuru nenzira yeuipi hwavaiona kuti hwakanga hwatanga mukati mevanhu vavo.

8 Nokuti vakaona vakatarisa nokusuwa kukuru kuti vanhu vechechi vakanga vatanga kusimudzwa amurudado rwemaziso avo, nokuisa mwoyo yavo kuupfumi nekuzvinhu zvisina maturo zvenyika, zvekuti vakatanga kushoropodzana, uye vakatanga kunetsa avo vakanga bvasingatende maererano nezvavaida ivo zvaivafadza.

9 Uye naizvozvo, mugore iri rechisere rekutonga kwevatongi, kwakatanga kuve anekupesana kukuru mukati mevanhu vechechi; hongu, makave bnekuchiva, nokurwisana, nepfini, nekutambudzana, nerudado, kana rwaitokunda rweavo vakanga vasiri vechechi yaMwari.

10 Uye ndiko kupera kwakaita gore rechisere rekutonga kwevatongi; uye uipi hwechechi hwakave chipingamupinyi chikuru kune avo vakanga vasiri vechechi; uye ndiko kutanga kwekutadza kufambira mberi kwechechi.

11 Uye zvakaitika kuti mukutanga kwegore rechipfumbamwe, Aruma akaona uipi hwakange hwave muchechi, uye akaonawo kuti azvaiitwa nechechi zvakatangisa kutungamira avo vakanga vasingatende mukubva pane ichi chitadzo vachienda mune chimwe, zvichiunza kuparadzwa kwevanhu.

12 Hongu, akaona kusaenzana kukuru kwezvinhu mukati mevanhu, vamwe vachizvisimudzira nekudada kwavo, vachishoropodza vamwe, avachifukatira vanoshaya nevasina kusimira uye vakange vaine bnzara, neavo vakanga vaine nyota, neavo vakange vachirwara vachirwadziwa.

13 Zvino ichi chakave chikonzero chikuru kwazvo chekuchema mukati mevanhu, vamwe vachizvirereka, vachiyamura avo vaida ruyamuro rwavo, zvakaita asekupa zvinhu zvavo kuvarombo neavo vanoshaya, kupa zvekudya kune vane nzara, nokutambudzika bnokurwadziwa kwakasiyana-siyana, cmukuitira Kristu, uyo akafanira kuuya maererano nemweya wechiporofita;

14 Vachitarisira kuzuva iroro, naizvozvo vachibva avawana kuregererwa kwezvitadzo zvavo; vachizadzwa bnokufara kukuru pamusana pekumuka kwevakafa, maererano nokuda nesimba nokubviswa naJesu Kristu mumajoto erufu.

15 Zvino zvakaitika kuti Aruma, aona kurwadziwa kwevateveri vaMwari vakazvirereka, nokutambudzwa kwavakanga varemedzwa nako nevakasara vevanhu vake, nekuona akusaenzana kwavo, akatanga kunzwa kusuwa chaizvo; zvisinei Mweya waIshe hauna kumusiya.

16 Uye akasarudza mumwe murume aive neungwaru aive mumwe wemagosa echechi, uye akamupa simba asekutaurwa kwazvakaitwa nevanhu, kuti ave nesimba rekuita mitemo maererano bnemitemo yakanga yapiwa, nokuishandisa zviri maererano neuipi nemhosva dzevanhu.

17 Zvino zita remurume uyu rainzi Nifaiha, uye akaitwa mutongi amukuru; uye akagara pachigaro chekutonga achitonga vanhu.

18 Zvino Aruma haana kumupa nzvimbo yehupirisita hwepamusoro hwechechi, asi iye akazvichengetera chinzvimbo chemufundisi wepamusoro; asi akaisa chigaro chekutonga kuna Nifaiha.

19 Uye izvi akazviita kuti iye apachake agone kuenda muvanhu, kana muvanhu vaNifai, kuti agoparidza bshoko raMwari kwavari, ckuvamutsa kuti dvarangarire basa ravo, nekuti akwevere pasi, neshoko raMwari, kwose kudada nekunyengedza nekwose kupesana kwaive muvanhu vake, achiona kuti haana imwe nzira yekuvadzora nayo kunze kwekuvakona emuuchapupu huzere nezvavo.

20 Uye mukutanga kwegore rechipfumbamwe rekutonga kwevatongi vanhu vaNifai, Aruma akapa chigaro chekutonga kuna aNifaiha, uye ndokubva aramba ari muhupirisita bhwepamusoro chete hweboka raMwari dzvene, mukupupura shoko, maererano nemweya wezvakazarurwa nechiporofita.