Magwaro Matsvene
Aruma 11


Chitsauko 11

Tsika yemari yamaNifai inopihwa—Amureki anonetsana naZiziromu—Kristu haazoponesa vanhu muzvitadzo zvavo—Avo chete vanowana umambo hwokudenga vachaponeswa—Vanhu vose vachamutswa vasisazofa—Hakuna rufu shure Kwokumutswa kwevakafa. Zvingangove makore 82 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino zvakanga zviri mumutemo waMosaya kuti munhu wose aive mutongi wemutemo, kana kuti avo vakasarudzwa kuva vatongi, vanofanira kutambira mibairo maererano nenguva yavashanda vachitonga avo vainge vaunzwa kwavari kuti vazotongwa.

2 Zvino kana munhu aive nechikwereti chemumwe, uye aregera kudzorera chikwereti chacho, ainoman’arirwa kune mutongi; mutongi aishandisa masimba ake, otumira machinda kuti munhu wacho aunzwe pamberi pake; aitonga munhu maererano nomutemo neumboo hunenge huri pamberi pake, nokudaro munhu uyu aisungirwa kudzosera chikwereti chake, kana kutorerwa zvaanazvo, kana kubviswa muvanhu sembavha negororo.

3 Uye mutongi aitambira mubairo wake maererano nenguva yake—senine regoridhe pazuva kana senumu resirivha rakaenzana nesenine yegoridhe; uye izvi zviri maererano nemutemo wakapiwa.

4 Zvino aya ndiwo mazita ezvimedu zvakasiyana-siyana zvegoridhe ravo, nesirivha yavo, maererano nekukosha kwacho. Uye mazita aya akapiwa namaNifai, nokuti havana kuteedza pfungwa dzamaJuda ayo akanga ari muJerusarema; uye havana kunge vachiera nenzira yamaJuda; asi vakashandura mufungiro wavo nemuerero wavo, maererano nepfungwa nemagariro muchizvarwa chose chavanhu, kusvika panguva yavatongi, vaive avakatangwa namambo Mosaya.

5 Zvino huremu hwegoridhe hwakanzi hunoerwa seizvi—senine yegoridhe, seoni, shumu yegoridhe, nerimuna regoridhe.

6 Senumu resirivha, neamunori resirivha, neezeromu resirivha, neondi resirivha.

7 Senumu resirivha rakange rakaenzana nesenine regoridhe, zvose zvichikwanisa kutenga uremu hwebhari, uye hwetsanga dzendudzi dzose.

8 Zvino museoni regoridhe maipinda masenine mairi.

9 Zve mushumu yegoridhe maipinda maseoni mairi.

10 Uye murimuna regoridhe raipinda zvose.

11 Uye muamunori resirivha maipinda masenumu mairi.

12 Uye muezeromu resirivha muchipinda masenumu mana.

13 Uye muondi muchipinda zvose.

14 Zvino idzi ndidzo nhamba diki dzekuverenga kwavo—

15 Shibhuroni rinopinda kaviri musenumu, shibhuroni yaitenga chikamu chepakati chemuero webhari.

16 Shibhurumu inopinda kaviri mushibhuroni.

17 Uye rea ichipinda kaviri mushibhurumu.

18 Zvino aya ndiwo manhamba avakasarudza maererano nekufunga kwavo.

19 Zvino andioni yegoridhe yange yakafanana nemashiburoni matatu.

20 Zvino, zvaive zvechinangwa chekuwana zvirimwa, nokuti vaigashira mihoro yavo maererano nebasa ravo, naizvozvo, vakamutsa vanhu kuti vaite bongozozo, nekunetsana kwakasiyana—siyana nouipi, kuti vave vanowana mabasa akawanda, kuti avawane mari maererano nenyaya dzaiunzwa pamberi pavo; naizvozvo vakaita kuti vanhu vapandukire Aruma naAmureki.

21 Uye uyu Ziziromu akavamba kubvunza Amureki, achiti: Ungandipindurewo here mibvunzo mishoma yandichakubvunza? Zvino Ziziromu akanga ari nyanzvi apanzira dzezvadhiabhorosi, kuti ave anoparadza izvo zvakanga zvakanaka; naizvozvo, akati kuna Amureki: Uchapindura here mibvunzo yandichasvitsa kwauri?

22 Uye Amureki akati kwaari: Hongu, kana zviri maererano anoMweya waIshe, uri mandiri; nokuti handizotauri chisingabvumirane neMweya waIshe. Uye Ziziromu akati kwaari: Tarisai, haano maondi matanhatu esirivha aya, ose aya ndinokupa ukaramba kuti kune Munhu anonzi Mwari.

23 Zvino Amureki akati: Iwe amwana wegehena, bunondiedzerei? Hauzive here kuti vakarurama havakurirwe nezviedzo zvakadaro?

24 Iwe unotenda kuti hakuna Mwari? Ndinoti kwauri, Kwete, unoziva kuti kuna Mwari, asi unoda amari iyoyo kupfuura iye.

25 Uye zvino wanyepa pamberi paMwari kwandiri. Iwe wati kwandiri—Tarisai maondi matanhatu aya, anokosha zvikuru, ndichapa kwauri—Iwe mumwoyo mako wanga usingade kundipa; chawanga uchida chete changa chiri chekuti ndirambe Mwari vechokwadi mupenyu, kuti zvimwe ungava nechikonzero chokundiparadza. Uye zvino chitarira, nokuda kwechitadzo chikuru ichi uchawana mubairo wako.

26 Uye Ziziromu akati kwaari: Unoti kuna Mwari vechokwadi mupenyu?

27 Uye Amureki akati: Hongu, kunaMwari vechokwadi mupenyu.

28 Zvino Ziziromu akati: Kuna vaMwari vakawanda here?

29 Uye akapindura achiti: Kwete.

30 Zvino Ziziromu akati kwaari zvakare: Unoziva seiko zvinhu izvi?

31 Uye akati kwaari: aNgirozi yakandizivisa zvinhu izvi.

32 Uye Ziziromu akati zvakare: Ndianiko achauya? Mwanakomana waMwari here?

33 Akati kwaari: Hongu.

34 Uye Ziziromu akati zvakare: Ko vachaponesa vanhu vavo vari amuzvivi zvavo here? Zvino Amureki akapindura akati kwaari: Ndinoti kwauri havasi kuzodaro, nokuti hazvibviri kuti varambe shoko ravo.

35 Zvino Ziziromu akati kuvanhu: Onai kuti marangarira zvinhu izvi; nokuti anoti kuna Mwari mumwechete chete; asi iye achiti Mwanakomana waMwari achauya, asi haasi kuzoponesa vanhu vake—kunge ane simba rokutuma Mwari.

36 Zvino Amureki akati zvakare kwaari: Tarisai wanyepa, nokuti wati ndataura sendine simba rekutuma Mwari nokuti ndati havasi kuzoponesa vanhu vavo vari muzvivi zvavo.

37 Uye ndinoti kwauri zvakare havakwanise kuvaponesa vari amuzvivi zvavo; nokuti handingarambe shoko ravo, uye akati bhakuna chinhu chine tsvina chingagare nhaka cyoumambo hwekudenga; naizvozvo, ungaponeswe sei kunze kwokunge wawana nhaka youmambo hwokudenga? Naizvozvo, haungazoponeswe uri muzvivi zvako.

38 Zvino Ziziromu akati zvakare kwaari: Ko iye Mwanakomana waMwari ndiye here ivo Baba Vokusingaperi?

39 Amureki akati kwaari: Hongu, ndiye mumwechete Baba aVokusingaperi vokudenga nepasi, nezvinhu bzvose zviri mazviri; mavambo namagumo, ndiye wokutangisa nowokupedzisira;

40 Uye achauya amunyika bkuzonunura vanhu vake; uye cachatora paari zvitadzo zveavo vose vachatenda muzita rake; zve ava ndivo vachava noupenyu hwokusingaperi, uye ruponeso harwuuye kune vasiri ava.

41 Naizvozvo vakaipa vanoramba vakadaro sokunonzi ahakuna kuve norununuro, kunze kwokunge kuri kusunungurwa kwengetani dzorufu; nokuti tarisai, zuva riri kuuya apo bvose vakafa vachamuka vogomira pamberi paMwari, cvogotongwa maererano namabasa avo.

42 Zvino, kune rufu runodaidzwa kuti rufu rwenyama; zve rufu rwaKristu rwuchasunungura amajoto orufu irworwu rwenyama, zvokuti vose vachamutswa kubva parufu irworwu rwenyama.

43 Mweya nomuviri azvichabatanidzwa zvakare sezvazvinofanirwa kuve zvakaita; zvose makumbo maoko nenhengo dzose zvichaiswa panzvimbo yazvo, kana sezvatakaita panguva ino; zve tichaunzwa kuti timire pamberi paMwari, tichiziva sokuziva kwatiri kuita iye zvino, tigova bnendangariro yakajeka cyemhosva dzedu dzose.

44 Zvino, kuumbwa pakare uku kuchauya kuna vose, vose vakuru navaduku vose vakasungwa novakasununguka, vose varume navakadzi vose vakaipa novakarurama; uye zvakare kunezenge kusina kana kavhudzi kamwechete kemisoro yavo kanenge kakarasika; asi chinhu chose achichadzorerwa pachinzvimbo chacho, sezvazviri iye zvino, kana mumuviri, vachaunzwa vagomiswa pamberi pechigaro cheutongi chaKristu Mwanakomana, naMwari bBaba, noMweya Mutsvene, vanova Mwari cmumwechete Vokusingaperi, kuti dvatongwe maererano namabasa avo, kuti vakanaka here kana kuti vakaipa.

45 Zvino tarisai, ndataura kwamuri pamusana porufu rwomuviri, uye zvakare anezvekumutswa kwomuviri unofa. Ndinoti kwamuri muviri uno unofa bunozomutswa kuva muviri cusingafe, kubva mukufa, kubva murufu rwekutanga kudzokera muupenyu, kuti dvasazofa zvakare; mweya yavo ichibatana nemiviri yavo, zvisingazoparadzaniswa zvakare; munhu wacho achibva ava ewomweya asingafe, kuti vasazoona kuora zvakare.

46 Zvino, Amureki apedza mazwi aya vanhu vakatanga zvakare kushamiswa, uye Ziziromu akatanga kubvunda. Uye uku ndiko kupera kwakaita mazwi aAmureki, kana kuti izvi ndizvo zvose zvandanyora.