Magwaro Matsvene
Aruma 7


Mazwi aAruma aakataura kuvanhu muGideoni, maererano nezvinyorwa zvake.

Zvichisanganisa chitsauko 7.

Chitsauko 7

Kristu achazvarwa naMaria—Achasunungura majoto erufu uye agotakura zvitadzo zvevanhu vake—Avo vanotendeuka, vanobhabhatidzwa, uye vanochengetedza mirau vachawana upenyu hwokusingaperi—Utsvina haungawane nhaka yeumambo hwaMwari—Kuzvirereka, rutendo, tarisiro, nerudo rwakadzama zvinodiwa. Zvingangove makore 83 Kristu asati azvarwa.

1 Tarisai hama dzangu dzinodikanwa, ndichiona kuti ndabvumirwa kuuya kwamuri, naizvozvo ndinoedza kutaura kwamuri nematauriro angu; hongu, nemuromo wangu, sezvo ndichiona iri nguva yekutanga yekuti nditaure kwamuri nemazwi emuromo wangu, sezvo ndiri munhu akange agere nzvimbo imwechete pachigaro chekutonga, ndiine basa rakawanda zvekuti ndakange ndisingakwanise kuuya kwamuri.

2 Uye kana izvozvi ndingadai ndisina kuuya zvino panguva ino dai pasina kuti chigaro chekutonga chakapihwa mumwe, kuti atonge munzvimbo yangu; uye Ishe netsitsi dzakawanda vabvumira kuti ndiuye kwamuri.

3 Uye tarisai, ndauya ndiine tariro huru nekuda kukuwanai muri vanhu vakazvirereka pamberi paMwari, nokuti maramba muchinamatira nyasha dzavo, kuti ndiwane musina chamunoshorwa pamberi pavo, kuti ndikuwanei musiri mudambudziko rinotyisa rakaita seraive nehama dzedu kuZarahemura.

4 Asi ngariropafadzwe zita raMwari, kuti vandipa kuti ndizive, hongu, vapa kwandiri ini kufara kukuru kwekuziva kuti vamiswa zvakare munzira yake yekururama.

5 Uye ndinovimba, maererano neMweya waMwari uri mandiri, kuti ndichawanawo rufaro nemi; zvakadaro handidi kuti rufaro rwangu nemi rwuuye nenzira yekunge ndarwadziwa zvakanyanya nokusuwa zvandakaita nehama dzeZarahemura, nokuti tarisai, rufaro rwangu rwakauya mushure mekunge ndambonyura mukati mekurwadziwa nekusuwa kwakawanda.

6 Asi tarisai, ndinovimba kuti imi hamusi vanhu vasingatende sezvakange zvakaita hama dzenyu; ndinovimba kuti hamuna kusimudzwa nekudada mumwoyo yenyu; hongu, ndinovimba kuti hamuna kuisa mwoyo yenyu paupfumi nezvinhu zvisina maturo zvenyika; hongu, ndinovimba kuti hamunamate mifananidzo, asi kuti munonamata Mwari vechokwadi anorarama, nokuti munotarisira kuregererwa zvitema zvenyu, nerutendo rwusingaperi, urwo rwuchauya.

7 Nokuti tarisai, ndinoti kwamuri kune zvinhu zvizhinji zvichauya; uye tarisai, kune chinhu chimwechete chinokosha kupfuura zvose—nokuti tarisai, nguva haisisiri kure yekuti Mununuri mupenyu uye auye mukati mevanhu vake.

8 Tarisai, handisi kuti achauya mukati medu panguva yaanenge achigara mutabernakeri yake yevhu; nokuti tarisai, Mweya hauna kundiudza ini kuti izvi ndizvo zvichaitika. Zvino nezvechinhu ichi handizive; asi izvi ndizvo zvandinoziva, kuti Ishe Mwari vane simba rekuita zvose zviri maererano neshoko ravo.

9 Asi tarisai, Mweya wataura izvi kwandiri, uchiti: Chema kuvanhu ava, uchiti—Tendeukai imi, uye mugadzire nzira yaIshe, uye mufambe nemutwunzira twavo, utwo twakaswatanuka; nokuti tarisai, umambo hwekudenga hwave pedyo, uye Mwanakomana waMwari ave kuuya pamusoro penyika.

10 Uye tarisai, achazvarwa naMaria, kuJerusarema inove ndiyo nyika yemadzitateguru edu, iye ari mhandara, mudziyo unokosha uye wakasarudzwa, achafukidzwa agobata pamuviri nesimba reMweya Mutsvene, uye agobereka mwanakomana, hongu, Mwanakomana waMwari.

11 Uye achaenda, agotambudzwa nemarwadzo nekurwadzwa nezviedzo zvemarudzi nemarudzi; uye izvi zviri zvekuti shoko rizadzikiswe rinoti achatora pamusoro pake kurwadziwa nezvirwere zvevanhu vake.

12 Uye achatora pamusoro pake rufu, kuti asunungure majoto erufu akasunga vanhu vake; uye achitora urema hwavo, kuti hura hwake huzadzwe netsitsi, maererano nezvenyama, kuti agoziva maererano nezvenyama kuti angayamure sei vanhu vake maererano neurema hwavo.

13 Zvino Mweya unoziva zvose zvinhu; zvisinei Mwanakomana waMwari anotambudzika maererano nezvenyama kuti agotora pamusoro pake zvitadzo zvevanhu vake, kuti adzime kukanganisa kwavo maererano nesimba rake rekuvaponesa; uye zvino tarisai, uhwu ndihwo uchapupu huri mandiri.

14 Zvino ndinoti kwamuri makafanira kutendeuka, uye muzvarwe patsva; nokuti Mweya unoti kana musina kuzvarwa patsva hamugone kugara nhaka yeumambo hwekudenga; naizvozvo uyayi mubhabhatidzwe mukutendeuka, kuti mugogezwa zvitadzo zvenyu, kuti muve nerutendo muGwayana raMwari, rinotora zvitadzo zvenyika, iro rinotyisa mukuponesa nokugeza kusarurama kwose.

15 Hongu, ndinoti kwamuri uyayi musatye, uye musiye chitadzo chose, icho chinokurwisai, chinokusungirirai mukuparadzwa, hongu, uyayi muende, uye munoratidza kuna Mwari venyu kuti munoda kutendeuka muzvitadzo zvenyu uye mugopinda muchibvumirano naye chokuchengetedza mirairo yake, uye muzvipupure kwaari nhasi nekupinda mumvura dzerubhabhatidzo.

16 Uye ani zvake anoita izvi, uye achichengetedza mirairo yaMwari kubvira iye zvino, iyeyo acharangarira kuti ndakati kwaari, hongu, acharangarira kuti ndinongoti kwaari, achave neupenyu hwokusingaperi, maererano neuchapupu hweMweya Mutsvene, unopupura uri mandiri.

17 Uye zvino hama dzangu dzinodiwa, munotenda zvinhu izvi here? Tarisai, ndinoti kwamuri, hongu, ndinoziva kuti munozvitenda; uye nzira yandinoziva nayo kuti munozvitenda kuisirwa pachena kwandinoitirwa neMweya uri mandiri. Uye zvino nenzira yekuti rutendo rwenyu rwakasimba maererano naizvozvo, hongu, maererano nezvinhu zvandataura, rufaro rwangu rwukuru.

18 Naizvozvo sekutaura kwandamboita kwamuri kubva pakutanga, kuti ndinodisa kuti munge musiri mudambudziko serehama dzenyu, kana zvakadaro ndaona kuti chido changu chazadzikiswa.

19 Nokuti ndiri kuona kuti muri mutwunzira twekururama; ndiri kuona kuti muri mukanzira kanoenda kuumambo hwaMwari; hongu, ndiri kuona kuti muri kuita kuti nzira dzavo dzitwasanuke.

20 Ndiri kuona kuti zvakaziviswa kwamuri, neuchapupu hweshoko ravo, kuti havagone kufamba nenzira dzakakombama; kana kusiyanisa zvavataura havaite; kana kubva kurudyi vachienda kuruboshwe kwete, kana kubva kune chakanaka vachienda kune chakaipa havaite; naizvozvo, nzira yavo yokusingaperi inogara yakadaro.

21 Uye havagari mumatemberi asiri matsvene; hakuna zveutsvina kana chii zvacho chisina kuchena chingagashirwe muumambo hwaMwari; naizvozvo ndinoti kwamuri nguva ichasvika, hongu, uye zvichave pazuva rekupedzisira, zvekuti uyo anenge aine tsvina achasara muutsvina hwake.

22 Uye zvino hama dzangu dzinodiwa, ndataura izvi zvinhu kwamuri kuti ndikumutsei muzive basa renyu kuna Mwari, kuti mufambe musingashorwe pamberi pavo, kuti mufambe muri muchikwata chitsvene chaMwari, umo mamakatambirwa.

23 Uye zvino ndinoda kuti dai mazvirereka, uye muve vakapfava muri vanyoro; muri nyore kunyengetedzwa; muine mwoyo murefu nyore mukutira nokutsungirira; muchizvibata muzvinhu zvose; mune simba mukuchengetedza mirairo yaMwari nguva dzose; muchikumbira zvose zvinhu zvamunoda, zvemweya nezvenyama; nguva dzose muchitenda Mwari pane zvinhu zvose zvazvo zvamunogamuchira.

24 Uye muone kuti mune rutendo, tariro, nerudo rwakadzama, uye ndipo nguva dzose pamuchakura mumabasa akanaka.

25 Uye Ishe ngavakuropafadzei, uye nhumbi dzenyu mugare dzisina kavara, kuti pakupedzisira muzosvika kunogara pasi naAbrahama, Isaka, naJakobo, nevaporofita vatsvene vakagara varipo kubvira kutanga kwenyika, muine nhumbi dzenyu dzisina kavara sezvakaita nhumbi dzavo dzisina kavara, muumambo hwekudenga musingazobvamo zvakare.

26 Uye zvino hama dzangu dzinodiwa, ndataura kwamuri mazwi aya zviri maererano neMweya unopupura uri mandiri; uye mweya wangu unofara chaizvo, nenzira yekusimba kukuru nokuteerera kwamakapa kushoko rangu.

27 Uye zvino, runyararo rwaMwari ngarwuve pamuri, nemudzimba menyu nemunyika yenyu, nekumatanga enyu, nekuzvinhu zvose zvamuinazvo, vakadzi venyu nevana venyu, maererano nerutendo rwenyu nemabasa enyu akanaka, kubvira panguva ino kudakara kuve kusingaperi. Uye ndizvo zvandataura. Ameni.