Magwaro Matsvene
Aruma 45


Rungano rwevanhu vaNifai, nehondo dzavo nokupesana kwavo, mumazuva aHiramani, maererano nezvinyorwa zvaHiramani, zvaakachengeta mumazuva ake.

Zvichisanganisa zvitsauko 45 kusvika ku62.

Chitsauko 45

Hiramani anotenda mazwi aAruma—Aruma anoporofita kuparadzwa kwemaNifai—Anoropafadza nokutuka nyika—Aruma angangodaro akatorwa neMweya, kana sezvakaitwa Mosesi—Kupesana kunokura muChechi. Zvingangove makore 73 Kristu asati azvarwa.

1 Tarisai, zvino zvakaitika kuti vanhu vaNifai vakafara zvikuru, nokuti Ishe vakanga vavabvisa zvakare mumaoko evavengi vavo; naizvozvo vakatenda Ishe Mwari vavo; hongu, uye vakatsanya zvikuru nokunamata zvikuru, uye vakarumbidza Mwari nemufaro mukuru kwazvo.

2 Uye zvakaitika kuti mugore rechigumi nepfumbamwe rekutongwa kwevanhu vaNifai nevatongi, Aruma akauya kumwanakomana wake Hiramani uye akati kwaari: Unotenda here mazwi andakataura kwauri maererano nezvinyorwa zviya zvakachengetwa?

3 Uye Hiramani akati kwaari: Hongu, ndinotenda.

4 Uye Aruma akati zvakare: Unotenda here muna Jesu Kristu, uyo achauya?

5 Uye iye akati: Hongu, ndinotenda ose mazwi amakataura.

6 Uye Aruma akati kwaari zvakare: Uchachengeta mirairo yangu here?

7 Uye akati: Hongu, ndichachengeta mirau yenyu nemwoyo wangu wose.

8 Zvino Aruma akati kwaari: Wakaropafadzwa iwe; uye Ishe vachakuita kuti ubudirire munyika.

9 Asi tarisai, ndine chimwe chandinoda kuporofita kwauri; asi zvandichakuporofita hauna waunofanira kutaurira; hongu, zvandichakuporofita hazvifanire kuzivikanwa, kana kusvika pakuzadzikiswa kwazvo; saka nyora mazwi andichataura.

10 Uye aya ndiwo mazwi acho: Tarisai, ndiri kuona kuti ivava vanhu ava, maNifai, maererano nemweya wekuzarurirwa uri mandiri, mushure memazana mana emakore kubvira panguva Jesu Kristu yaanenge azviratidza kwavari, vachaderera mukusatenda.

11 Hongu, uye vachaona hondo nezvirwere, hongu, nzara nekudeuka kweropa, kana kusvika mukupera kwevanhu vaNifai—

12 Hongu, nepamusana pekuti vachaderera mukusatenda uye vowira mumabasa erima, neupombwe, nezvitadzo zvakasiyana-siyana; hongu, ndinoti kwamuri, nenzira yekuti vanotadza ivo vari muchiedza uye vaine ruzivo, hongu, ndinoti kwauri, kubvira zuva iroro, kana chizvarwa chechina hachichapfuura kutadza kukuru uku kusati kwauya.

13 Uye kana zuva iroro richiuya, tarisai, nguva irikuuya zvinozuno yekuti avo vari, kana kuti mbeu yaavo pari zvino vari kuverengerwa mukati mevanhu vaNifai, havazoverengwa mukati mevanhu vaNifai.

14 Asi avo vanenge vasara, uye vakasaparadzwa muzuva rinotyisa iro, vachaverengerwa kumaRamani, uye vachafanana navo, kune zvose, kunze kwevashoma vachadaidzwa kuti vadzidzi vaIshe; uye ivavo vachavhimwa nemaRamani kana kusvikira vatopera. Uye zvino, nenzira yezvitadzo, huporofita huno huchazadzikiswa.

15 Uye zvino zvakaitika kuti mushure mekunge Aruma ataura zvinhu izvi kuna Hiramani, akamuropafadza, nevamwe vana vakewo; uye akaropafadzawo nyika nokuda kwevakarurama.

16 Uye akati: Ishe Mwari vanoti—Nyika ino ichatukwa, hongu, nyika ino, kumarudzi ose, hama, rurimi, nevanhu, kusvika mukuparadzwa, avo vanoita zvakaipa, ivo vari vaibva zvakakwana; uye sekutaura kwandaita ndozvazvichaita; nokuti uku kutuka nekuropafadza kwaMwari munyika, nokuti Ishe havagone kutarisa pachitadzo vaine chimwe chavanganatse pachiri.

17 Uye zvino, Aruma ataura mazwi aya akaropafadza chechi, hongu, vose avo vachasimba murutendo kubvira panguva iyo.

18 Uye Aruma aita izvi akabva munyika yeZarahemura, sekunge ari kuenda munyika yeMereki. Uye zvakaitika kuti haana kuzonzwikwa kubva kwaari zvakare; kufa nekuvigwa kwake hatikuzive.

19 Tarisai, izvi ndizvo zvatinoziva, kuti akanga ari murume akarurama; uye kutaura kwakafamba nechechi rose kuti akatorwa neMweya, kana kuti akavigwa neruoko rwaIshe, sezvakaitwa Mosesi. Asi tarisai, magwaro anoti Ishe vakatora Mosesi; uye tinofungawo kuti akagashirawo Aruma mumweya; naizvozvo, nechikonzero ichi hapana chatinoziva maererano nokufa kana kuvigwa kwake.

20 Uye zvino zvakaitika kuti mukutanga kwegore rechigumi nepfumbamwe rekutongwa kwemaNifai nevatongi, Hiramani akaenda mukati mevanhu akanotaura shoko kwavari.

21 Nokuti tarisai, pamusana pehondo dzavo nemaRamani netwuzhinji twekupesana kwavo twusina maturo nokukanganisana kwaive pakati pevanhu, zvakaonekwa zvakafanira kuti shoko raMwari ritaurwe kwavari, hongu, nokutiwo kuitwe chisungo muchechi kwose-kwose.

22 Naizvozvo, Hiramani nevamwe vake vakaenda kunovandudzira nokumutsidzira chechi munyika, hongu, muguta rega-rega munyika yose yakanga iri yevanhu vaNifai. Uye zvakaitika kuti vakaisa vapirisita nevadzidzisi munyika yose, mumachechi ose.

23 Uye zvino zvakaitika kuti mushure mekunge Hiramani nevamwe vake vaisa vapirisita nevadzidzisi mumachechi pakave nekunetsana pakati pavo, uye havana kuteerera kumazwi aHiramani nehama dzake.

24 Asi vakavamba kudada, vakazvikudza mumwoyo mavo, pamusoro peupfumi hwavo hwakawanda; naizvozvo vakakura muupfumi hwavo mumaziso avo, uye vakasateerera mazwi avo, kuti vafambe vakatwasanuka pamberi paMwari.