Magwaro Matsvene
Aruma 14


Chitsauko 14

Aruma naAmureki vanoiswa mutirongo uye vogorohwa—Vanotenda nemagwaro avo matsvene vanopiswa nemoto—Vanofira Ishe vanotambirwa navo mukubwinya—Madziro etirongo anotsemuka uye achibva angondomoka—Aruma naAmureki vanoponeswa, uye vanovanetsa vanouraiwa. Zvingangove makore 82 kusvika ku81 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti apedza kutaura kuvanhu ava vazhinji vavo vakatenda kumazwi ake, vakatanga kutendeuka, nokunzvera amagwaro matsvene.

2 Asi vazhinji vaida kuti dai vaparadza Aruma naAmureki; nokuti vakanga vashatirirwa Aruma, pamusana pekutaura zviri apachena kuna Ziziromu; uye vakatiwo Amureki ainge bavanyepera, uye akatuka mutemo wavo nemagweta avo nevatongi vavo.

3 Uye vakashatiriswawo naAruma naAmureki; nenzira yekuti hapana chavakanga vavanza pakuvataurira nezvehuipi hwavo, vakatsvaka kuvauraya muruvande.

4 Asi zvakaitika kuti havana kuzviita; asi vakavatora vakavasunga netambo dzakasimba, uye vakaenda navo kumutongi mukuru wenyika.

5 Uye vanhu vakaenda vakanovapomera—vachipupura kuti vakanga vatuka mutemo, nemagweta nevatongi venyika, uyezve nevanhu vose vemunyika; uye vachipupura kuti kuna Mwari mumwechete, uye vachatumira Mwanakomana wavo mukati mevanhu, asi haavaponise; nezvimwe zvizhinji zvakadaro zvakapomerwa Aruma naAmureki nevanhu. Zvino izvi zvakaitwa pamberi pemutongi mukuru wenyika.

6 Zvino zvakaitika kuti Ziziromu akashamiswa nemazwi akanga ataurwa; uye aizivawo nokupofomadzwa kwepfungwa, kwaakanga akonzera mukati mevanhu pamusana pemazwi ake ekunyepa; uye mweya wake ukatanga akunetswa nekuziva bnokunyumwa kwake kuti ane mhosva; hongu, akatanga kunzwa kukomberedzwa nokurwadziwa kwegehena.

7 Uye zvakaitika kuti akatanga kuchema kuvanhu, achiti: Tarisai, ini ndine amhosva, ava varume havana kana kavara pamberi paMwari. Akatanga kuvareverera kubvira panguva iyoyo; asi vakamutuka, vachiti: Asi iwe wabatwawo nadhiabhorosi? Uye vakamusvipira, uyezve bvakamubvisa mukati mavo, neavo vose vakanga vatenda kumazwi akanga ataurwa naAruma naAmureki; uye vakavatandira kunze, uye vakatuma vanhu kuti vanovatema nemabwe.

8 Uye vakauya nevakadzi vavo nevana vavo pamwechete, uye ani zvake aitenda kana akanga adzidziswa kutenda mushoko raMwari vakaita kuti vakandwe mumoto; uye vakauyawo nezvinyorwa zvavo zvakange zviine magwaro matsvene, vakazvikandawo mumoto, kuti zvitsve zviparadzwe nemoto.

9 Uye zvakaitika kuti vakatora Aruma naAmureki, ndokuvatakura vachienda navo kunzvimbo yaiurairwa vatendi, kuti vaone kuparadzwa kwaiitwa avo vaipiswa nemoto.

10 Uye Amureki paakaona kurwadziwa kwaiita vakadzi nevana vakanga vachitsva mumoto, akanzwawo kurwadzwa; uye akati kuna Aruma: Tinotarisa sei zvinhu zvakaipa kudai? Naizvozvo ngatitambanudzei maoko edu, tishandise asimba raMwari riri matiri, tivaponise kubva murimi iri.

11 Asi Aruma akati kwaari: Mweya uri kundirambidza kuti ndisatambanudze ruoko rwangu; nokuti tarisai Ishe vari kuvatambira ivo pachavo, amukubwinya; uye vanobvumira kuti vaite chinhu ichi, kana kuti vanhu vaite izvi kwavari, maererano nokuoma kwemwoyo yavo, kuti bkutonga kwavachavaita mukushatirwa kwavo kugove kwakakodzera; uye cropa drevasina mhosva richavarovera, hongu, uye richichema nesimba muzuva rekupedzisira.

12 Zvino Amureki akati kuna Aruma: Tarisai, zvimwe nesuwo vachatipisa.

13 Uye Aruma akati: Ngazvive sekuda kwaIshe. Asi, tarisai, basa redu harisati rapera; naizvozvo havatipise.

14 Zvino zvakaitika kuti miviri yeavo vakanga vakandwa mumoto yatsva, uye nezvinyorwa zvakanga zvakandwawo nayo, mutongi mukuru wenyika akauya akamira pana Aruma naAmureki, vakasungwa; uye akavarova neruoko rwake pamatama, akati kwavari: Mushure mezvamaona, muchaparidzira vanhu ava zvakare here, kuti vachakandwa amudziva remoto nesuriferi?

15 Tarisai, muri kuona kuti hamuna simba rekuponesa avo vakandwa mumoto; kana Mwari havana kuvayamura nokuti vange vari verutendo rwenyu. Uye mutongi akavarova zvakare pamatama, uye akavabvunza: Mungazvitaurire muchitii?

16 Zvino mutongi uyu waive wegungano nerutendo arwaNeho, akauraya Gideoni.

17 Uye zvakaitika kuti Aruma naAmureki havana chavakamupindura; uye akavarova zvakare, uye ndokuvapa kumapurisa kuti avaise mutirongo.

18 Uye vagara mutirongo kwemazuva matatu, kwakauya amagweta akawanda, nevatongi, nevapirisita, nevadzidzisi, vakanga vaine basa seraNeho; uye vakapinda mutirongo kunovaona, uye vakavabvunza pamusoro pemazwi mazhinji, asi hapana chavakavapindura.

19 Uye zvakaitika kuti mutongi akamira pamberi pavo, uye akati: Sei musiri kupindura mazwi evanhu ava? Hamuzive kuti ndine simba rekukutumirai kumoto? Uye akavati vataure; asi havana chavakapindura.

20 Uye zvakaitika kuti vakabva vakaenda, asi vakadzoka zvakare ramangwana; uye mutongi akavarova zvakare nembama pamatama avo. Uye vazhinji vakauyawo, vakavarova, vachiti: Muchamira zvakare here muchitonga vanhu ava, muchishora mutemo wedu? Kana muine simba rakadaro muri kudii akuzviyamura?

21 Uye zvinhu zvizhinji zvakadaro zvavakataura kwavari, vachitsenga mazino avo kwavari, uye vachivasvipira, uye vachiti: Tichatarisika sei kana taraswa?

22 Uye zvinhu zvizhinji zvakadaro, hongu, zvose zvakadaro zvakasiyana siyana zvavakataura kwavari; uye vakavaseka kwemazuva mazhinji. Uye vakavanyima zvekudya kuti vanzwe nzara, nemvura kuti vanzwe nyota; uye vakavatorera nhumbi dzavo vakasara vasina chavakapfeka; uye vakasungwa netambo dzakasimba, vakaiswa mutirongo.

23 Uye zvakaitika kuti mushure mekunge vatambudzika kwemazuva mazhinji, (uye raive zuva rechigumi nemaviri, mumwedzi wechigumi, mugore rechigumi rekutonga kwevatongi vanhu vaNifai) kuti mutongi mukuru munyika yaAmonaiha nevadzidzisi vavo vazhinji nemagweta avo vakaenda vakapinda mutirongo maive naAruma naAmureki vakasungwa netambo.

24 Uye mutongi mukuru akamira pamberi pavo, uye ndokuvarova zvakare, uye ndokuti kwavari: Kana muine simba raMwari zvibvisei mumajoto aya, uye zvino ndikwo kuti titende kuti Ishe vachaparadza vanhu ava maererano nemazwi enyu.

25 Uye zvakaitika kuti vose vakaenda vakavarova, vachitaura mazwi mamwecheteo, kusvika pane wekupedzisira; uye wekupedzisira ataura kwavari asimba raMwari rakanga rava pana Aruma naAmureki, uye vakasimuka vakamira netsoka dzavo.

26 Uye Aruma akachema, achiti: Ko atichatambudzika kusvika riini nhai Ishe? Imi Ishe, tipei simba maererano nerutendo rwedu muna Kristu, kana mukuponeswa. Uye vakadambura tambo dzakanga dzakavasunga; uye vanhu zvavakaona izvi, vakatanga kutiza, nokuti kutya kuparadzwa kwakange kwave pavari.

27 Uye zvakaitika kuti kutya kwavo kwaive kukuru zvekuti vakawira pasi, vakatadza kusvika pamusiwo wekunze awetirongo; uye nyika yakandendemera zvikuru, uye madziro etirongo akatsemuka paviri, zvekuti akawira pasi; uye mutongi mukuru, nemagweta, uye vapirisita, nevadzidzisi, vakarova Aruma naAmureki, vakauraiwa nekuwirwa nemadziro.

28 Uye Aruma naAmureki vakabuda mutirongo, uye havana kukuvara; nokuti Ishe vakanga vavapa simba, maererano nokutenda kwavo kuri muna Kristu. Uye vakabva vabuda mutirongo; uye vakasunungurwa amajoto avo; uye tirongo rakanga rawira pasi, nemweya wose wakanga urimo, kunze kwaAruma naAmureki, yakauraiwa; ndokubva pakarepo vapinda muguta.

29 Zvino vanhu pavakanzwa zhowe-zhowe vakauya vachimhanya pamwechete vari mhomho kuti vazoona kuti vazive chikonzero chacho; uye pavakaona Aruma naAmureki vachibuda kubva mutirongo, uye icho chidziro chacho chawira pasi, uye vakatiza Aruma naAmureki kunge mbudzi ine vana yaona shumba mbiri; uye ndiko kutizwa kwakaita Aruma naAmureki.